Chigarwe
English
Ndau
Ndebele
Shona
Unofanira Kurarama SeMumwari
Mugovera, 17 Chivabvu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Ndakavaita verudzi rwenyu. Sezvamakandiitavo werudzi rwenyu. Kuti vafanane nesu (Johane 17 ndima 22).
Johane yegumi nenomwe ine munyengetero wainotipa. Uyu munyengetero wakaitwa naIshe Jesu. Apa Jesu vakanga vari kunamata zvine shungu. Vakanga vachangobva kuvonekana nevadzidzi vavo. Nguva yekusungwa kwavo yakanga yava pedo. Vachizondoroverwa paMuchinjikwa. Jesu vakataridza kufarira vadzidzi vavo pamunyengetero uyu. Vachishuva kuti vadzidzi ava vadzivirirwe. Vabatane. Uye vasanangurwe.
Mashoko atavhura nawo anotorwa mumunyengetero uyu. Mashoko aya anoti, Ndakavaita verudzi rwenyu. Sezvamakandiitavo werudzi rwenyu. Kuti vafanane nesu. Mashoko aya akadzama chose. Ivo vakatiita verudzi rwavo. Mwari ngavakudzwe. Vatsvene vazhinji vanonamata vachiti, Nhai Mwari. Isu hatidi kutora mbiri yenyu. Izvi zvinoita sezvine musoro hazvo. Asi hazvina zvazvinoreva. Zvinopesana neShoko raMwari.
Jesu vakaitwa verudzi rwaMwari. Vakabva vatiitavo verudzi rwaMwari. Kureva kuti tavavo nembiri yavo. Jesu pachavo ndivo vakataura kudai. Saka tava kufanira kurarama seVamwari. Tsvaka kunzwisisa izvi. Vapiri vekare vaiva nehanzu dzavaishandisa. Muhanzu idzi ndimo maiva nesimba raMwari. Hanzu idzi dzakanga dzichitaridza kururama. Hanzu dzacho dzaitonzi hanzu dzekururama. Simba raMwari iri ndiro ratakapfekedzwa naJesu. Hareruya!
Saka rarama seMumwari. Kureva kuti unofanira kushandisa fuma yose yavakakupa. Asi kuda ungagara uchirwara. Kuda ungava murombo. Kuda ungararama muzvivi. Unenge usiri kurarama hupenyu hweVamwari. Mwari vakaronga kuti ukurire zvose zvaunosangana nazvo muhupenyu. Vakaronga kuti ugare wakafuma. Vakaronga kuti uve mutano savo. Vakaronga kuti utonge muhupenyu. Hupenyu uhu ndihwo hwaunofanira kurarama. Simba ravo rinozovonekwa pahupenyu hwako. Unozovavo nefuma zhinji.
Shandisa zvose zvawakapiwa naMwari. Usasiya zvimwe. Uri jinda raMwari. Wakatsaurwa. Wakasanangurwa. Wakachenurwa. Wakaitwa munhu werudzi rweVamwari. Saka simba raMwari rinofanira kuvonekwa pauri. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 1 Pita 2 ndima 9. Inoti, Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa. Madzimambo. Vapiri. Rudzi rutsvene. Vanhu vaakazviwanira. Kuti vanokuvonai varumbidze Mwari. Ivo vakakutorai. Vakakubvisai murima. Vakakupinzai muchiedza chavo chinoshamisa.
Namata Uchiti
Baba vakarurama. Ndinokutendai. Ini ndava muna Muponesi Jesu. Saka makandiita munhu werudzi rwenyu. Handicharwari. Handichina chandinoshaiwa. Handichina chandinotya. Ndinoshinga kurarama seMumwari. Ndichiziva kuti makandipa fuma yenyu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Isaya 60:1-2
2 VaKorinte 3:18
1 Petro 2:9 AMPC
VaRoma 8:30
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church