English Ndau Ndebele Shona 

Tingoraramira Kuwafadza

Chishanu, 21 Chikumi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ngekuda kwaizvezvo. Ifefewo. Kubva pazuwa ratidonzwa izvi. Tatukara tiyindokunamatirani. Kuti murarame tsewanhu waIshe. Muyifadza Ishe pazviro zvetse. Mabasa anu etse adonaka. Ayibudirira. Muyikara muyiwedzera kuziwa Mwari (WaKorose 1 ndima 9 kusvika 10).

Pena ungonzwa usishana shungu dzekufadza Mwariba. Izvezvo zvingotawura kuti ungonga usisharuda Tenzi Jesoba. Asi kana uyida Tenzi Jeso,mwoyo wako ungozokara uyitsvaka kuwafadza. Ishe ndiwo wawungonga uyikoshesa. Ungonga uyiwakoshesa kudarika zvina zvetse.

Ngenyi zvidokosha kuti ufadze Mwari? Ngekuti ifefe iri wanhu waMwari. Tiri wapwere wawo. Saka tiripo kuwararamira basi. Izvezvo ndizvo tati . 2 WaKorinde 5 ndima 15 ingoti, Munhu uyu adopfira wetse. Kuti waya wapenyu warekere kuzviraramira pachawo. Asi wararamire uya. Adowapfira. Adomuka kuwadopfa .

Mwari tsandi Baba wako basiba. Baba wari kudenga iwawo. NdiIshe wako futi. Ndiwo wangotonga hupenyu hwako. Iwewe ungofanira kuwagashira. Ngekubvuma kuti ndiwo wangotonga hupenyu hwako. Izvezvo ndizvo zvidoyita kuti uponeswe. Iwo ndiwo watutonga hupenyu hwako. Ndiwo watutonga zvako zvetse . Saka waturaramira kuwafadza. Ndiyo nzira yawatuwanamata ndiyo.

Tenzi Jeso wadombofamba panyika panapa. Wadotipangidza kuti tingofadza Mwari Baba senyi. Wane masoko awadotawura. Tingowawerenga muna Johane 8 ndima 29. Ingoti, ndingoyita zvingomufadza. Ndizvo ndingoyita nguwa dzetse . Johane 5 ndima 30 ingoti, ngekuti handitsvaki kuzvifadzaba. Ndingotsvaka kufadza Baba. Ngekuti ndiwo wadondituma.

Jeso wayikara wayitsvaka kufadza Mwari Baba. Wadotikurudzira kuti nefewo titsvake kufadza Mwari tseizvi. Wadotawura muna Johane 6 ndima 38 wayiti, ngekuti inene ndiddotumwa. Ndidobva kudenga. Ndidowuya panyika. Hayikona kuzoyita zvandingodaba inene. Asi zvandidotumwa. Wadozotawura ena masoko futi . Masoko aya angofadza Mwari maningi. Tingowawerenga muna Johane 4 ndima 34. Wadoti, Ndine basa. Ndiro ndidotumwa kuyita. Ndingoda kuyita basa iri. Ndiripedze. Ikoyiko ndiko kuha kwangu.

Tenzi wadotipangidza nzira chayiyo yekuzvipira kuna Mwari. Nzira yekuwafadza muzviro zvetse. Ifefe tingofanira kuyita zvidoyitwa ndiTenzi izvi. Tingofanira kukara tiyifadza Mwari. Ndiko kuti tikare tidofara. Hapana shina shingotifadza tseishiba. Tingofanirawo kuda Kristo Jeso. Tiyirarama ngenzira yawadorarama ndiyo iwo. Izvezvo ndizvo zvidowafadza maningi. Zvidowafadza kudarika zvina zvetse zvatingoyita.

Namata Uyiti

Baba wandingoda. Ndingokutendani. Mudondipa Mwiya Mutsvene. Mwiya Mutsvene awa wangondifundisa . Wangonditungamirira. Wangonditawurira zvingokufadzani imwemwe. Zviro izvi zviri muSoko ranu. Ngekusharo ndingoyita zvingofambirana ngezvamudoronga. Shungu dzangu ngedzekukufadzani. Ndidzo dzingondituma kuyita zvetse zvandingoyita. Saka ndingozvipira kurarama hupenyu hwamudondirongera. Ndingorarama hupenyu uhwu nguwa dzetse. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vakorose 1 ndima 9 kusvika 10 AMPC
1 VaTesaronika 4 ndima 1
2 Vakorinte 5 ndima 14 kusvika 15

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church