Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 


Une Simba ReKuvaparadza Vose

Mugovera, 27 Chikunguru 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi ndakupai simba. Rekufamba nepamusoro penyoka. Nepamusoro pezvinyavada. Nepamusoro pemasimba ose emuvengi. Hapana chinhu chichagona kukukuvadzai. Kunyangwe chikaidza (Ruka 10 ndima 19).

Ishe Jesu ndivo vakataura mashoko atavhura nawo. Vane mamwe mashoko avakanga vataura zvekare. Tinoaverenga mundima yegumi nesere yacho. Inoti, Ndavona Satani. Adonha achibva kudenga. Adonha semheni. Apa ndipo pavakazotaura mashoko atavhura nawo. Ndima iyi inotaura nezve kufamba pamusoro pezvinhu. Izvi zvinorevei? Zvinoreva kutsikira pasi. Zvinoreva kutsika tsika. Kureva kuti unenge uri kutonga zvinhu izvi. Uchitonga muvengi. Nezvose zvingatsvaka kukukanganisa.

Mapisarema 44 ndima 5 inoti, Nemi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira. Mashoko aya tinoavona zvekare muna Mapisarema 91 ndima 13. Inoti, Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; Mwana weshumba nenyoka uchazvitsikirira pasi. Mapisarema 108 ndima 13 inotivo, Tichapiwa kukunda naMwari, uye achatsika kusvika tsika vavengi vedu.

Isaya 14 ndima 24 ine zvimwe zvainotitaridza. Zvinhu izvi zvinofadza chose. Ndezvekuti isu tine masimba atinawo. Aya masimba aMwari. Masimba atinoshandisa kukurira Muasiriya. Muasiriya uyu ndiye Muponesi wenhema. Tinoverenga izvi muna Isaya 14 ndima 25. Inoti, Ndichapwanya muAsiria munyika yangu; ndichamutsikirira pasi pamusoro pegomo rangu .Ishe ndivo musoro wacho. Isu tiri muviri wacho. Saka tisu tsoka dzavo. Tisu wavanoshandisa kutsika Muasiriya. Hareruya!

Ndima yatavhura nayo yataura pamusoro penyoka. Yatauravo pamusoro pezvinyavada. Ichi chibhende. Chinotaura pamusoro pevanyengeri. Pamwe chete nevapanduki. Izvi ndizvo zvatinovona muna Matiyo 23 ndima 33. Apa Ishe Jesu vakanga vari kutaura kuvatungamiriri veVajudha. Vanhu ava vakanga vari vanyengeri. Saka Jesu vakati vanhu ava vakanga vari nyoka. Vakati vakanga vari vana venyoka.

Ezekieri 2 ndima 6 inotauravo pamusoro pevapanduki. Ava vanhu vakanga vachipesana neShoko raMwari. Inovati vakanga vari zvinyavada. Ndima yacho inoti, kunyange wakakombwa neminzwa norukato uye ugere pakati pezvinyavada. Usatya zvavanotaura kana kuvhundutswa navo, kunyange vari imba inomukira.

Vakuru veVajudha ava vakanga vakazvipira kurwisa vanhu vaMwari. Vanhu vanotaurwavo naEzekieri vakanga vakazvipira kurwisa vanhu vaMwari. Vose vakanga vazvipira kurwisa Shoko raMwari. Vachipokana nechokwadi. Vachirarama nenhema.

Asi tinotenda Mwari. Ishe vakatikundisa vanhu vose ava. Iwe unokurira masimba ose emuvengi. Hapana chingagona kukukuvadza. Mwari ngavarumbidzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mune masimba amakandipa. Aya masimba ekukurira Satani. Pamwe nemasimba ose emuvengi. Ndinoshandisa masimba amakandipa aya. Ndichimira saJesu. Ndichirwisa manyepo ose aSatani. Pamwe nemano mano ake. Nemabasa ake ose. Ndinoshandisa chokwadi cheShoko renyu pakurarama kwangu. Saka ndinokunda nhasi. Uye ndinogara ndichikunda. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Ruka 10 ndima 19 AMPC
1 Johane 4 ndima 4
Marko 16 ndima 17

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu ndima
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
You can get other teachings on: https://bit.ly/Shona_Church