English Ndau Ndebele Shona 



Tora Zviro Zvidonaka Mukati Mako

Chipiri, 11 Chikumi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Iwewe wati muna Kristo Jeso . Mukati mako matine zviro zvidonaka. Saka ndingonamata kuti ugashire zviro izvi. Ngekuzvikoshesa. Ndiko kuti masoko awungozotawura akwanise kusenza zvine simba. Iwo masoko awungotawura tsemunhu angowimba naMwari. Angowirirana ngeSoko rawo (Firimoni 1 ndima 6).

Tine rumbo rwatayisoyimba musongano rasu . Rumbo rwacho rwayiti, Pane shiro shidonaka shishayitika kwawuri . Inene ndayitofarira kuyimba rumbo urwu. Saka ndidonga ndiruruyimba hangu rina zuwa. Ishe wayibva watawura kwandiri wayiti, "Uuba! Handidi kuti zviro zvidonaka zviyitike kwawuriba. Handidiwo kuti zviro zvidonyangara zviyitike kwawuriba . Ndingoda kuti IWEWE uyitise zviro zvidonaka izvi. Ndidobva ndazvinzwisisa.

Ndidozoyenda kusongano rangu ndiyibva ndatawura kuwanhu wetse. Ndidowatawurira kuti Mwari wadonga watawura neni kuti tisarambe tiyiyimba rumbo urwuba. Saka tidobva tasiyana ngerumbo urwu. Zvino kwatopera makore adowanda. Ifefe tisu tanga tiruyitisa zviro zvidonaka. Tanga tiruzviyitisa kwetse kwetse. Mwari ngawakudzwe tsaMwari!

Hapana shiro shidonaka shiruzoyitika kwawuriba. Ungofanira kunzwisisa izvi. Ndizvo tingowona muBhayibheri muna Matewu 12 ndima 35. Ingoti, Munhu adonaka angoburitsa zvidonakawo mumwoyo mashe. Munhu adonyangara mumwoyo mashe mungobudawo zvidonyangara. Saka pena urutarisira zviro zvidonaka. Zviro zvacho zviritori mukati mako. Zvitore imoyimo.

Hawushafaniri kunamata uyiti, Dii Mwari! Ndapota! Komboreraniwo mabasa angu. Ndapota! Wedzeraniwo kuyitira mhuri yangu zvidonaka. Uuba! Iwo wane zviro zvawayifanira kukuyitira. Wadotoyita zviro izvi zvetse. Izvi ndizvo tingowona muBhayibheri muna WaHebheru 4 ndima 3. Ingoti , mabasa etse adonga atopera kuyitwa. Adopera nyika isati yawambwaba. Hupenyu hwako hudotorongwa kara. Hudotonyorwa pamutsoro pahwo. Saka shindopinda mahwuri.

Wati muna Kristo Jeso. Saka mawuri matine zviro zvidonaka. Izvi ndizvo zvingotawura Bhayibheri. Tawerenga masoko aro muna Firimoni 1 ndima 6. Yati, Iwewe wati muna Kristo Jeso . Mukati mako matine zviro zvidonaka. Saka ndingonamata kuti ugashire zviro izvi. Ngekuzvikoshesa. Ndiko kuti masoko awungotawura akwanise kusenza zvine simba. Iwo masoko awungotawura tsemunhu angowimba naMwari. Angowirirana ngeSoko rawo".

Mwari wadotonyora ngezvako. Wadototsanangura zvawuri zvetse. Wangotarisira kuti uwerenge zviro izvi. Uyibva watowamba kurarama zvingowirirana ngetsananguro yacho. Saka wangotarisira kuti utawure uyiti, Mandiri mune zviro zvidonaka basi. Ndingotora zviro izvi. Ndizvo zvingowonekwa pandiri basi. Saka ndidotakura zviro zvidonaka basi. Ndikasvika panzvimbo, zviro zvidonaka zvingobva zvawamba kuyitika. Asi pena ndingowana zvidonaka zviyiyitika ipapo kara, ndingosvika ndiyiwedzera zvina . Aya ndiwo angofanira kuwa mafungiro ako. Ndihwo hungofanira kuwa hupenyu hwako. Mwari ngawakudzwe.

Namata Uyiti

Baba wandingoda, ndingokutendani. Ndine zvandingofanira kuwa nazvo panyika panapa. Ndinewo zvandingofanira kuwa nazvo mumwiya. Imwemwe mudotondipa zviro zvetse izvi. Zviro izvi zviri mukati mangu. Ndingotora zviro izvi. Saka zvidonaka basi ndizvo zvingowonekwa pahupenyu hwangu. Kururama basi ndiko kungowonekwa pahupenyu hwangu. Ndingonzwisisa zviro zvaMwari. Saka mandiri mungobuda nzero dzidongwara. Mungobuda pfuma yewaMwari. MuZita raJeso . Ameni.


Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Mateo 5 ndima 16
Mateo 12 ndima 35
VaEfeso 2 ndima 10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church