English
Manyika
Shona
Kuwanzvira Kukwanisa Urutoyita Basa Rasho
Chitatu, 13 Nyamavhuvhu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Imwemwe hamuti yere, Kwasara mwedzi mirongomuna, kupupura kuyibva kwawuya? Ndingoti kunemwe, vhurani madziso anu muringe kuminda! Yatoyibva kuti ipupurwe." (Yohane 4 ndima 35).
Wena wanhu wangofunga kuti kuti wabudirire pabasa rekuwunza wanhu kuna Mwari wangofanira kutanga wambozvibvisa pane wena wayiyenda pawo wega kuti wazviwake wawanzvire simba rekukwanisa kusharo. Asi diko ngerekuti, pakuwunza wanhu kuna Tenzi, tingowanzvira tirutoyita basa rasho.
Tenzi hawadotiba, ?Tangani mawanzvira simba rekuzviyita, muyibva mazoyenda kunyika kowoparidza Vhangeri kuzvisikwa zvetse.Hwiiba! Wadoti kwako, zvidojeka, ??Endani munyika dzetse, muparidze Vhangeri kuzvisikwa zvetse.? (Mariko 16 ndima 15). Muna Matewu 28 ndima 19-20, wadoti, ?Saka endani, mufundise nyika dzetse....? Hawadoti tangani mawanzvira simba rekukwanisa kwanuba.
Hindawa yekuti una Mwiya Mutsvene munewe kara. Ndiye muwaki ngemupi wesimba. Kana arukara munewe, ungonga utorine simba ngekukwanisa kungodiwa kuti uparidze Vhangeri ngemazvo. Adowuya munewe kuti unatse kukwanisa kuwunza wanhu kuruponiso. Asi mushatambira simba kana Mwiya Mutsvene awuya pamutsoro panu Mushawa zvapupu zvangu metse muJerusaremu ngemuJudhiya,ngemuSamariya ngekunzvimbo dzetse dzepatsi.? (Mabasa 1 ndima 8).
Kuparidzira wanhu ngekuwawunza kuruponiso tsandi shiro isho ungoda kutanga wayita zvingoshamisa usati wazviyitaba. 2 WaKorinde 3: ndima 5-6 ingoti, ?Hatiti tidokwana ifefe tegaba kuti tifunge shinganyi hasho tsezvasu tega, asi kukwana kwasu kungobva kuna Mwari; Wadotiyita kuti tiwe waparidzi wangokwanisa weSungano itsva.? Funga pamutsoro pazvo! Mwiya Mutsvene wadotokuyita muparidzi angokwanisa weSungano Itsva. Wadotowaka kukwanisa kwako kara, watundofanira kuyita basi.
Kuwanzvira ungoyita kuwunza wanhu kuruponiso, ndiko kuwanzvira wangoyitawo nyasha dzawo dzekuti uyite zvidowanda. Saka wanzvira kukwanisa kwako ngekuyita basa rasho. Ndiko kukura tingoyita murutendo ngekuwanzvira kuyita basa raMwari zvidonaka. Zvipe nguwa yekutsanya, kunamata ngekufunda Soko raMwari. Zvetse izvi zvingopfutsa shido shako shekuparidzira ngekuwunza wanhu kuna Mwari. Ita kuti kudzokera kwaTenzi kukusvikire urusenza ngemwoyo wetse kuparidza Vhangeri remuhuMambo kwetse kwetse.
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngehungwaru ngekukosha kweVhangeri. Ndingotawura kuti apo ndiruwunza wanhu kuna Mwari, ndirugwinyiswa ngekupakatiswa kuyita mabasa makuru. Ndingowaka kukwanisa kwangu petse apo ndirusenza ngeVhangeri. Ndirubudirira kuzazitsa shinangwa shanu. Ndingokutendani ngekundiyita musenzi ane zvibarwa muhuMambo hwanu. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Matiyo 28 ndima 19 kusvika 20
2 Timoti 4 ndima 2
2 VaKorinte 3:5-6 AMPC
Mabasa Avapostora 1:8 AMPC
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/Wx2jClOkvrH2ExwcGf3iz0Tr3?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/pm_ZCmw02vcjlzofOhAiRIW3o?domain=bit.ly