English Manyika Shona 


Tsandi Nyaya Yekuti Apo Zvingonga Zviruwaba.

China, 14 Nyamavhuvhu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Titsarekere kuwungana pamwepo kwasuba, tsezvingoyita wena, asi tirayirane, zvidonyanya tsezvo kuruwona zuwa racho ratswendera. " (WaHebheru 10 ndima 25).

Bhayibheri ringotikurudzira kuti tikoshese kuwungana pamwepo mbune muchechi. Wasingatereri murayiro uyuba warunyangadza, hawafaniri kutedzerwaba. Wadowanda watojayira kupinda chechi pamhepo. Watoratsika pashinangwa shekupinda chechi pamhepo. Hadzifaniri kutira nzvimbo yekupinda muchechi mbune tsemunhu panguwa iyo ungonga urufanira kupindaba.

Zvekupinda chechi pamhepo hazvidomboyitwa kuti zvirerutse shiroba, asi shiro shingodiwa kune awo wangonga wambunda kuwa muchechi mbune pashawo ngekuda kwezviro zvidosiyana siyana izvo wasingakwanisi kutsanduraba. Hazvidoyitirwa awo wangonga 'warunzwa hawo kusada' kuyenda kuchechiba, asi awo wasiri kwanisawo kuyendaba diko ngekuda kwezvidosiyana siyana.

Saka petse apo ungokwanisa kunga uri muchechi, ungofanira kuyenda. Tsekuti kana ukayenda kuna kuro kura ngechechi yekumba kwako ngekuda kwebasa kana shinawo shiro, kana iyo wayenda kwasho kusina chechiba, zvingonzwisisika kupindira pamhepo manje. Asi kana kune chechi yako iyo wayenda ikweyo, ungofanira kuyendayo uyibva wasvika uyitawura kuti ndiwe wani, uyibva wabatana ngeena maKristo ikweyo. Wafudzi wangofanira kukurudzira watenderi wawo kuyenda kuchechi iri iyo wangonga wayenda panzvimbo yekundopinda yepamhepo. Kutawurira watenderi kuti wapindire chechi pamhepo ipo pane chechi iri munzvimbo imomo, mhayitiro asidonakaba. Kana chechi yasho iri kurawo, zvingotambirika.

Asi zvidosharo hazvo, tingofanira kumira mira kuvhura ena machechi. Machechi adowanda ari mune dzina nzvimbo adowamba ngendawa yekuti watenderi apo wadosvika wayishaya chechi munzvimbo idzo wangonga wavhakachira idzi, wadobva wavhuramo. Ngenguwawo, apo wena wangowuyawo kunzvimbo iyeyo, wangosvika kwatine chechi iriyo kara.
Hatifaniri kuwarayirwa tiyitora chechi yepamhepo tsemhinduro yekuti tisenzeseba. Kuwungana pamwepo ngekuhidzana kwemaKristo kudokosha maningi, kungofanira kuyitwa petse apo zvidofanira. MuKristo wetse angofanira kuwapowo petse pangowungana wena muchechechi.

Pupura Uyiti


Ndingoramba kutsawungana pamwepo ngemaKristo ena, ngekuti ndingoziwa kuti kuwungana kwasu kungotizaza ngenyasha, simba ngehungwaru. Ndingofamba muhungwaru, ndiyiremekedza hurongwa hwaTenzi uhwo wadoyisa muchechi yawo. Makomborero aMwari angowanzvira kuwonekwa muhupenyu hwangu. MuZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vahebheru 10 ndima 25 CEV
Mabasa 2 ndima 42
Mapisarema 122 ndima 1
Matiyo 18 ndima 20

Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/Wx2jClOkvrH2ExwcGf3iz0Tr3?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/pm_ZCmw02vcjlzofOhAiRIW3o?domain=bit.ly