English Manyika Shona 


Hazvisi Zvekuti Urerukirwe

China, 14 Nyamavhuvhu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Tisarega kupota tichiungana pamwe chete. Tisaita sevamwe vaya. Vasingafariri kuungana uku. Asi tigare tichikurudzirana. Zvikuru sei zuva raIshe zvariri kuswedera (Vahebheru 10 ndima 25).

Tinofanira kugara tichiungana nevamwe. Tichinamata pamwe navo. Bhaibheri rinosimbisa izvi. Rinoda kuti tizvikoshese. Asi kune vasingazvikoshesi. Vanhu ava havaiti zvakanaka. Uye havafaniri kutevedzerwa. Kune vajaira kungopindira minamato pamhepo. Vanhu ava vanokanganwa kuti sei tiine minamato yepamhepo. Minamato yepamhepo yakanaka hayo. Asi haipo kutsiva minamato yatinoita takaungana nevamwe. Asi kune vaya vanenge vasiri kukwanisa kusangana nevamwe. Vanhu ava ndivo vanotarisirwa kupinda minamato yepamhepo.

Minamato yepamhepo haisi yekutsvaka kuti urerukirwe. Haisi yevanhu vanenge vachingonzwa kusada kunosangana nevamwe. Iripo kubatsira vaya vanenge vakamanikidzika.

Saka iwe ungava uri kukwanisa kuenda kumunamato wesangano rako. Unofanira kunoungana pamwe nevamwe pakadai. Asi kuda ungava uri parwendo. Kana kuti sangano rako ringava risiri kuwanikwa kwaunenge washanya. Ipapo ndipo paunogona hako kupinda minamato yepamhepo.

Asi kuda ungava wafamba hako. Kwawashanya kwacho kungava nesangano rako. Unofanira kubva wanonamata nevamwe musangano iri. Vafudzi vanofanira kukurudzira nhengo dzemasangano avo kuita izvi. Havafaniri kuvakurudzira kupinda minamato pamhepo pakadai. Kunze kwekunge sangano rekwavashanya riri kure navo.

Asi sangano racho ringava kure haro. Izvozvo zvoga hazvifaniri kubva zvaita kuti tibve tangoronga kupinda minamato pamhepo. Tinogona kutobva tatotanga rimwe sangano ikoko. Kune masangano akatanga nenzira iyi. Masangano akadai akawanda zvikuru. Izvi zvinobva zvatozobatsiravo vamwe vanozoshanya kunzvimbo iyi. Vanhu ava vanotozowana kwava nesangano kunzvimbo yacho.

Saka hatifaniri kuita husimbe hwekufamba. Tichibva tangoita vanhu vanopinda minamato yedu yose pamhepo. Tinofanira kupota tichiungana pamwe chete nevamwe Vatsvene. Izvozvo zvakakosha chose. Mutsvene wose anofanira kunge aine sangano raanoungana pamwe nevamwe.

Pupura Uchiti
Ini handina husimbe hwekuungana nevamwe Vatsvene. Ndinoziva kuti kuungana pamwe nevamwe kwakakosha. Ndinenge ndiri kuremekedza zvakarongwa naMwari pandinoungana nevamwe. Ndinowana maropafadzo aMwari pandinosangana nevamwe kudai. ndinowedzerwa nyasha. Mweya wangu unosimbiswa. Ndichiwedzerwa mazano eVamwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vahebheru 10 ndima 25 CEV
Mabasa 2 ndima 42
Mapisarema 122 ndima 1
Matiyo 18 ndima 20

Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/Wx2jClOkvrH2ExwcGf3iz0Tr3?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/pm_ZCmw02vcjlzofOhAiRIW3o?domain=bit.ly