English
Manyika
Shona
Usatya Kuita Zvavanoraira
Mugovera, 16 Nyamavhuvhu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Mai vaJesu vakabva vataura kuvaranda. Vakati, Vonai Jesu. Muite zvaanenge akurairai (Johane 2 ndima 5).
Johane yechipiri ndima yekutanga kusvika yegumi neimwe ine nhoroondo yainotipa. Iyi inhoroondo yemunana wakaitwa naIshe Jesu. Uyu ndiwo munana wavo wekutanga watinoziviswa nezvawo. Ivo vakaita munana uyu pamuchato. Muchato wacho wakanga uri kuitirwa paKana. Uyu wakanga uri musha uri muGarireya. Zvinwiwa zvakanga zvapera pamuchato uyu. Zvinwiwa zvacho wakanga uri muto wemazambiringa. Varidzi vemuchato uyu vakanga vapererwa. Mariya akabva aenda kuna Jesu. Akandovakumbira kuti vagadzire zvimwe zvinwiwa. Mariya uyu ndiye akanga ari mai vaJesu.
Tenzi vakamboita sevaisakwanisa kubatsira. Vaiti nguva yavo yakanga isati yasvika. Asi Mariya haana kuteerera izvozvo. Akabva aenda kuvashandi vepamuchato uyu. Akabva avaraira. Mashoko ake ndiwo ataverenga pandima yatavhura nayo. Akati, Vonai Jesu. Muite zvaanenge akurairai. Vashandi vaya vakabva vaenda kuna Ishe Jesu. Ishe Jesu vakavaraira kuti vatore makate. Makate acho aiva matanhatu. Vakavaraira kuti vazadze makate acho nemvura. Vashandi ava vakabva vaita zvavakanga varairwa. Havana kubvunza zvakawanda wanda. Tenzi vakazovaraira zvekare. Tinoverenga mashoko avo muna Johane yepiri ndima yesere. Vakati, Cherai imwe. Mupe mukuru wemutambo.
Vashandi vaya havana kuvhunza zvakawanda. Vakangoita zvavakanga varairwa izvi. Mukuru wemutambo akabva aravira zvinwiwa zviya. Akabva ashamisika. Zvinwiwa zvacho zvainaka zvikuru. Haana kuziva kuti zvakanga zvabva kupi. Mvura iya yakanga yashandurwa. Ikava muto wemazambiringa. Muto wacho wainaka zvikuru. Isu tinofanira kuita zvakaitwa nevashandi ava. Shoko raMwari ringatiraira chimwe chinhu. Tinofanira kungoita chinhu ichi. Hatifaniri kuvhunza zvakawanda wanda.
Tine imwe nhoroondo yatinopiwa zvekare. Tinoiwana muna Matiyo yegumi nenomwe. Apa Jesu vakanga vari kutaura kuna Pita. Vakamuraira kuti aende kugungwa. Aifanira kunokanda chiredzo chake mugungwa umu. Ane hove yaakanga achazotanga kubata. Ishe Jesu vakaraira Pita kuti avhure muromo wehove iyi. Akanga achazowana mari imomo. Mari yacho yakanga ichazokwana kubhadhara mutero. Yakanga iri kuzobhadhara mutero wavo vari vaviri.
Pita haana kuti, Tenzi! Izvozvo hazvigoni! Akangoita zvakanga zvataurwa naTenzi. Akangoita semunhu aivimba naTenzi. Akabva anowanavo mari mumuromo mehove iya.
Ita semunhu anovimba neShoko raMwari. Mwari vangakuraira kuita chimwe chinhu. Usatanga watsvaka kuchinzwisisa. Pfungwa dzevanhu hadzigoni kunzwisisa Shoko raMwari. Mwari vangataura chimwe chinhu. Chinhu chakadai hachina angapikisa. Saka chigamuchire. Usachityira. Dzidza kuita zvavanenge vataura. Ndiko kuti uwane minana. Ndiko kuti uwane zvaunoda. Ndiko kuti uwane rugare. Uwane mufaro. Ukurire zvaunosangana nazvo. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rine simba. Ndinosarudza kuita zvamunondiraira. Ndinozviita ndisingavhunzi zvakawanda wanda. Ndinozviita ndisingatyiri. Nokudero ndinowana minana. Ndinowana zvandinotsvaka. Ndinoshandurwa. Ndichiwana maropafadzo. Ndinovimba nemi zvachose. Ndinovimba neShoko renyu. Shoko iri harina charinokoniwa kuita. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 2 ndima 7 kusvika 9
Ruka 5 ndima 5 kusvika 6
Isaya 55 ndima 10 kusvika 11
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/Wx2jClOkvrH2ExwcGf3iz0Tr3?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/pm_ZCmw02vcjlzofOhAiRIW3o?domain=bit.ly