English
Manyika
Shona
Ita Zvingotawura Soko Rawo Usingawerengeriba
Mugovera, 16 Nyamavhuvhu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Mhayi washe wadoti kuwasenzi, Shetse isho angotawura kunemwe, shiyiteni. " (Yohane 2 ndima 5).
Muna Yohane 2 ndima 1-11, Bhayibheri ringotipa nyaya ingoshamisa yeshishamiso shidonyorwa shaYeso shidoyitika pamuchato muKana yeGaririya. Kupembera kudonga kuruyenderera mberi apo mhamba idopera. Kupera kwemhamba uku kwayizonyadzisa wanyakukoka wanhu awa. Mariya, mhayi waYeso, wadoringa iyo ari warutsvaka rubatsiro.
Zvisinenyi hazvo kuti Tenzi wadoti kuna Mariya nguwa yashe idonga isinokwaneba, Mariya adorayira wasenzi ngemasoko erutendo. Adoti iyo wari, Shetse isho angotawura kunemwe, shiyiteni.? (Yohane 2 ndima 5). Tenzi Yeso wadozotawurira wasenzi waya kuti wazaze migomo mitanhatu mihombe yemvura ngemvura. Wasenzi waya wadoyita kusharo pasina kupikisana ndizvoba,wayibva wazaza kusvika pamiromo shayipo. Tenzi wadobva wati, ?Chicherani, mupe kumukuru wemabiko? (Yohane 2 ndima 8).
Apa futizve, wadotedzera izvo wadotawurirwa wasingawerengeriba. Apo mukuru wemabiko adomwa, adoshamiswa ngekunaka kwemhamba iyi, asuruziwa kuti idonga yabvepiba. Idonga iri ndoriwo mvura hayo idotsandurwa kuyita mhamba idonaka maningi. Izvi zvingotipangidza kukosha kudoyita kuyita zvingotawurwa ngeSoko raMwari.
Una muwenzaniso tingowuwona muna Matewu 17 apo Tenzi Yeso wadorayira Pita kuti ayende kunyanza, akanze shiwedzo atore howe ingotanga kubuda. Wadotawurira Pita kuti mukamwa mayo imomo, ashawona mari ingokwana kubhadhara mutero udonga wabvunzwa.
Pita haadotiba, Tenzi, hazviyitiba izvezvo.? Adondoyenda zvidosharo, asingapikisani kana kubvunza kuti zvidonga zvine nzero yere kusharo.Adondoyita izvo adotawurirwa mukutenda. Tsekutawurawo kudoyita Tenzi, mumuromo mehowe idotanga kubatwa ndiPita mudonga mune mari.
Nguwa dzetse senzesa rutendo rwako paSoko raMwari. Utsazame kuda kutsvaka tsananguro kana kusenza kwezviro zvaMwariba. Soko raMwari ringodarika nzero dzetse, sayinzi kana kuwandudzwa kwezviro kwemazuwano. Tenzi kana watawura, inzwi rawo ndiro ringotonga, riyite usingawerengeriba. Mumurayiro wawo ngeSoko rawo ndimo mune shishamiso shako imomo, ndimo mune kupupura kwako, ndimo mune izvo ungoda imomo, ndimo mune rugare, mufaro ngekukunda. Hareruya!
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngesimba reSoko ranu. Ndingotsarudza kuyita izvo mungonga marayira ndisingawerengeriba, ndiyiziwa kuti imomo ndimo mune shishamiso shangu, kupupura kwangu, izvo ndingoda,kutsanduka kwangu ngemakomborero. Rutendo rwangu rudogwinya munene, ruwimbo rwangu ruri munemwe rwetse ngemuSoko ranu risingakundikaniba, zvinozvi ngekusingaperiba. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Johane 2 ndima 7 kusvika 9
Ruka 5 ndima 5 kusvika 6
Isaya 55 ndima 10 kusvika 11
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/Wx2jClOkvrH2ExwcGf3iz0Tr3?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/pm_ZCmw02vcjlzofOhAiRIW3o?domain=bit.ly