English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Kutsanangurwa Kwehupenyu Husingaperiba
Mugovera, 21 Zvita 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Kuti wani nawani ungotendera maari haafaniri kupararaba, asi awe ngehupenyu husingaperiba.(Yohane 3 ndima 15).
Chimbofunga uruparidza vhangeri kune una munhu ayibva akuvhunza kuti "Hupenyu husingaperiba shinyi?" Ungopindura uyitinyi?" Rekera ndikupe tsananguro mbiri dzingokwanisa kukubatsira. Shekutanga,hupenyu husingaperiba. Hupenyu ngehunhu hwaMwari. Izvi tsandizvo zvingotawura hupenyu husingaperiba asi hitsanangudzo yekutsanangura kuti hupenyu rudzinyi. Hupenyu husingaperiba hupenyu hudosiyana ngedzina mhando dzehupenyu. Hupenyu ngehunhu hwaMwari.
Sheshipiri ishi,shidosiyana ngeshekutanga, ndisho shingotawura kuti hupenyu husingaperiba shinyi. Hupenyu husingaperiba hupenyu hune huwepo ngekurarama kwehuMwari. Ngenyi izvi zvidokosha? Ngekuti patsi retse wanhu wangotawura ngezvewamwari wadosiyana. Kune waMwari wangokudzwa ngekuyereswa mutsika ngemakariro adosiyana. Asi zvetse hapana shine hupenyu husingaperiba.
Hupenyu husingaperiba ndihwo hungonzi ngemagwaro huna Mwari wasu. Izvi ndizvo zvingowasiyanisa ngewena wamwari wetse wangonzi ndiwana mwari iwawo. Bhayibheri ringoti muna 1 Yohane 5 ndima 20(TLB) “… Zvino tati muna Mwari ngekuti tiri muna Yeso Kristo Murumbwana wawo, Mwari wediko basi ngehupenyu husingaperiba.†Yeso Kristo ndiMwari! Mawari tingowona ngekuhidzana ngehuMwari ngekurarama kwawo.
Pawadofamba panyika panapa, wadonga wari hupenyu hudoputirwa mumunhu wenyama udopangidzwa kwatiri. Ndizvo tingowona pana 1 Yohane 1 ndima 2. “Ngekuti hupenyu hudopangidzwa, tidohwuwona, tiri zvapupu tingokupangidzaniwo hupenyu husingaperiba uhwu, hudonga huri kuna Baba, hudopangidzwa kwatiri."
Hupenyu husingaperiba ndihwo wadowunza kunyika (Yohane 10 ndima 10). Ndiwo masoko emuhumambo hwaMwari, kuti Yeso Kristo wangopa hupenyu husingaperiba mahara. Ndiyo ndawa riyinzi vhangeri,hapana shawungoribhadhariraba.
Pupura Uyiti
Ndingopembera kuti ndiruziwa kuti ndine hupenyu ngehunhu hwaMwari mandiri. Hupenyu hwehuMwari uhwu hungondipatsanura ngekundipa simba rekurarama ndiyikunda. Ndingofamba ndiyiziwa ngezvehupenyu husingaperiba uyu, husingaparadzikiba kana kukurirwa huri mandiri. MuZita raYeso . Ameni.
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Johane 17 ndima 3
1 Johane 5 ndima 11 kusvika 13
1 Johane 5 ndima 20
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church