7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
English
Ndau
Shona
Tichine Rimwe Basa Rekuita
China, 1 Ndira 2026
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Jesu vakavapindura. Vakati, "Ndine basa. Ndiro randakatumwa kuita. Ndinoda kuita basa iri. Ndiripedze. Ikoko ndiko kudya kwangu" (Johane 4 ndima 34).
Ishe Jesu vaida kuita zvaidiwa naMwari. Vaiva nebasa ravakanga vatumwa kuzoita panyika. Ivo vaida kupedza basa iri. Apa ndipo paiva neshungu dzavo dzose. Shungu idzi ndidzo dzatinadzovo isu. Ndidzo dzakaita kuti tipedzise kuparidza Ruponeso kunyika dzose mugore rapera. Asi tichine rimwe basa rekuita.
Tinofanira kuramba tichiparidzira dzinyika. Tichidzidzidzisa kurarama. Izvi ndizvo zvatakarairwa naIshe. Tinoverenga mashoko avo muna Matiyo yemakumi maviri nesere ndima yegumi nepfumbamwe kusvika makumi maviri. Inoti, "Saka endai henyu. Dzidzisai marudzi ose. Muvapinze muzita raBaba. Rinova zita reMwanakomana, nero Mweya Mutsvene. Muvadzidzise kuita zvose zvandakakurairai imi. Ini ndichange ndiinemi. Kose kwamuchaenda. Kusvikira nyika ino yaguma". Izvi ndizvo zvinoshuviwa naMwari Baba. Ndizvovo zvaunofanira kukoshesa muhupenyu.
Vanhu vanofanira kudzidziswa Shoko raMwari. Vanofanira kubatsirwa kugadzirira kudzoka kwaIshe. Mwari ndivo vakatipa bhuku reRhapsody. Ndiro ravakaronga kuti tishandise kudzidzisa vanhu kudai. Ndiro ratinoshandisa kudzidzisa vanhu. Tichivadzidzisa kurarama hupenyu hwavakarongerwa naMwari. Tinovadzidzisa kudai tichibatsirwa naMweya Mutsvene.
Habhakuku yepiri ndima yegumi nena inotaura ichiti, "Nokuti pasi pano pachazara noruzivo rwembiri yaTENZI, sokuzadza kunoita mvura gungwa". Ichi ndicho chinofanira kunge chiri chinangwa chako. Ichocho chekuti munhu wose apedzisire ava kuziva simba raMwari. Ndiko kusaka uchifanira kutendeusira vanhu kuna Mwari. Uchipa vanhu mabhuku eRhapsody. Mari yako ichibatsira kuti Ruponeso rusvike kuvanhu. Zvose izvi ndizvo zvinoita kuti vanhu vapedzisire vava kuziva simba raMwari.
Saka usavarairwa. Dzidzisa vanhu hupenyu hweVamwari. Ngavavone simba rekururama kwaMwari kuri matiri. Zvipire kudzidzisa vanhu. Uchivabatsira kunzwisisa chokwadi chiri muShoko reRuponeso.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandivona semunhu akatendeka. Mukandipinza mubasa renyu. Iro basa ramuri kuita pamazuva ano ekupedzisira. Basa iri ndiro randinoraramira. Ndichivavarira kuti riitwe. Ripere. Iroro basa rekudzidzisa vanhu. Ndichivabatsira kunzwisisa Shoko renyu. Ndiripo kuti vanhu vavone simba renyu pahupenyu hwangu. Shungu dzangu ndedzokuunza vanhu munyika yaMwari. Saka Mweya Mutsvene vanondigwinyisa. Vanondipa shungu dzekuita basa iri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Matiyo 28 ndima 19 kusvika 20
Habhakuku 2 ndima 14 NLT
Marko 16 ndima 15 kusvika 16
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)