English Ndau Shona 

Nzwisisa Basa ReKuparidza Ruponeso

China, 2 Ndira 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Vadzidzi vakabva vaenda. Vakanoparidza kose kose. Ishe vachishanda pamwe navo. Vachiita minana. Minana iyi ndiyo yaipupurira mashoko avo (Mariko 16 ndima 19 kusvika 20).

Jesu vakambouya panyika pano. Nhoroondo yehupenyu hwavakararama hwacho yakanyorwa. Tinopiwa imwe yenhoroondo iyi muna Matiyo. Mariko. NaRuka. Magwaro matatu aya anowirirana chose. Iwe unofanira kuaongorora. Ishe Jesu vane basa ravakatipa mumagwaro aya. Gwaro rimwe nerimwe racho rinotibatsira kunzwisisa basa iri. Asi ose anosimbisa chinhu chimwe chete. Chinova chekuti Ruponeso runofanira kuparidzwa kumunhu wose. Munhu uyu angava murume. Angava mukadzi. Angava mukomana. Kana kuti angava musikana. Ruponeso urwu runofaniravo kuparidzwa kumarudzi ose.

Mariko ndiye ane ndima yatavhura nayo. Anojekesa basa iri. Vadzidzi vakaita basa iri. Vakapota nenyika. Vachiparidza Ruponeso urwu. Ivo vakaita pavo. Ishe vakaitavo pavo. Vaiita minana pose paiparidzwa Shoko iri. Iyi ndiyo yaiva nzira yavo yekupupurira Shoko iri. Saka basa redu ndere kungoparidza chete. Ishe ndivo vanoita minana yacho. Minana iyi ndiyo yavanoshandisa kupupurira Shoko iri.

Ruka ainzwisisavo shumiro yaJesu. Ane zvaanojekesavo pabasa iri. Anoti tinofanira kuzivisa vanhu kuti vanofanira kutendeuka. Uye kuti vakakanganwirwa zvivi zvavo. Tinoverenga mashoko ake muna Ruka 24 ndima 46 kusvika 47. Inoti, Ndizvo zvakanyorwa izvi. Zvekuti Muponesi vanofanira kutambura. Vagofa. Vagomuka nezuva retatu. Zita ravo rigoparidzwa kumarudzi ose. Vaziviswe kuti vava kugona kutendeuka. Uye kuti zvivi zvavo zvakakanganwirwa. Kuparidza uku kunofanira kutangira paJerusarema.

Vanyori vatatu ava vanonyora zvakasiyana. Mumwe nemumwe wavo ane zvaanonyanya kusimbisa pabasa iri. Matiyo anoti tinofanira kudzidzisa vanhu. Tichivadzidzisa zvose zvatakarairwa naJesu. Izvi ndizvo zvatinovona muna Matiyo 28 ndima 19 kusvika 20. Mariko anosimbisa kuti tiparidze Ruponeso urwu. Ishe vachiita minana patinoparidza kudai. Izvi ndizvo zvatavona muna Mariko 16 ndima 19 kusvika 20. Asi Ruka anobata zvose. Achitibatsira kunzwisisa zvakataurwa naIshe chaizvo. Ishe havana kungotituma kunoparidza Ruponeso. Havanavo kungotituma kunorudzidzisa kuvanhu. Vane chaizvo zvavanoda kuti tizivise vanhu. Vanoda kuti tivazivise kuti vava kugona kutendeuka. Uye kuti zvivi zvavo zvakakanganwirwa.

Vadzidzi vekutanga vakaparidza havo Shoko iri. Asi vakatanga vachingoriparidza kuVajudha chete. Havana kunzwisisa kuti raifanira kuparidzwa pasi rose. Richiparidzwa kuvanhu vose. Ruponeso runofanira kuparidzwa kumunhu wose. Rinotofanira kuparidzwa kuzvisikwa zvose. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mariko 16 ndima 15. Vadzidzi vakazopedzisira vava kunzwisisa izvi. Vakafanira kupota vachisangana. Vachitaurirana zvinhu izvi. Ndizvo zvatinovona muna Mabasa 15.

Isu tisu tava kuita basa iri nhasi. Tava kunatsa kurinzwisisa. Saka tinoriita rose. Hapana chatinosiya kuita. Tinodzidzisa zvose zvakarairwa naJesu. Tichiparidza Ruponeso kuzvisikwa zvose. Tinoruparidzavo kumarudzi ose. Tichizivisa vanhu kuti vava kugona kutendeuka. Uye kuti zvivi zvavo zvakakanganwirwa. Saka Ishe vari kushandavo nesu. Vachiita minana. Minana iyi iri iyo inopupurira Shoko ravo iri. Mwari ngaarumbidzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Vana venyu vari kuparidza Shoko renyu. Vari kubatsirwa nesimba raMweya Mutsvene kuparidza kudai. Imi muchiita minana. Nekudaro muri kupupurira Shoko renyu iri. Saka vakawanda vari kugamuchira Ruponeso rwenyu. Vari kutendeusirwa kwamuri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa 1 ndima 8
Matiyo 28 ndima 18 kusvika 20
Mabasa 15 ndima 7 kusvika 9
Marko 16 ndima 19 kusvika 20

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church