7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Ndau Shona 


Nzwisisa Chizoro

Svondo, 4 Ndira 2026



*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze



"Asi rupawo ruya. Rwakaiswa pamuri. Runogara mukati menyu. Saka hamufaniri kutsvaka kuti mudzidziswe nemumwe munhu. Asi rupawo urwu ndirwo runokudzidzisai zvinhu zvose. Runotaura chokwadi. Harurevi nhema. Rwakatokudzidzisai kare. Saka garai mavari" (1 Johane 2 ndima 27).

Kune vamwe Vatsvene. Vatsvene ava havanzwisisi chizoro. Ndima yatavhura nayo inochiti rupawo rwaMwari. Vatsvene ava vanofunga kuti chizoro ichi chinopota chichibva pamunhu. Asi izvi hazvisi izvo. Iwe wakashanduka rudzi. Wava muna Muponesi. Chizoro ichi chava kugara mukati mako. Hakuna kwachichaenda. Chizoro ichi rupawo rwaMwari. Isimba raMweya Mutsvene. Ndiro simba riya rinokushongedza. Richiita kuti ugone kurarama hupenyu hweVamwari.

Izvi hazvisi izvo zvatinovona muSungano yeKare. Apa madzishe aiita zvekuzorwa mafuta. Vapiri vaiitavo zvekuzorwa mafuta. Iyi yakanga iri nzira yekutaridza kuti vava kuera. Isu tava muSungano Itsva. Hatichaiiti zvekuzorwa mafuta. Tava naMweya Mutsvene matiri. Ndivo vava kugara matiri. Mweya Mutsvene ava vanotova munhu. Saka vakauya matiri netwavo twose. Saka iwe wava naMweya vaMwari vakakwana. Wava nesimba ravo rose.

Hauchafaniri kukumbira chimwe chizoro. Hauchafaniri kukumbira Mwari rimwe simba. Wava kungofanira kunzwisisa Mweya Mutsvene ava. Nyasha dzavo dzinozowedzera kushanda mauri. Simba ravo rinozowedzera kushanda mauri. Saka chirega kuramba wakamirira simba raMwari. Simba iri rinotova mauri. Chizoro chacho chinotova mauri. Ndicho chinokudzidzisa. Ndicho chinokutungamirira. Ndicho chinokusimbisa. Chichikushongedza. Zvichizoita kuti ubudirire pane zvose zvaunoita. Izvi ndizvo zvataverenga mundima yatavhura nayo. Chirarama semunhu anonzwisisa izvi.

Pupura Uchiti

Ini ndine mazano eVamwari. Ndava kugona kuita mabasa ose. Mweya Mutsvene vava kugara mandiri. Saka simba raMwari riri kushanda mandiri. Riri kushanda chose. Riri kuita kuti zvinhu zvangu zvose zvibude zvakanaka. Mweya Mutsvene ava ndivo vanonditungamirira. Ndivo vanondidzidzisa zvinhu zvose. Vachiita kuti ndibudirire pane zvose zvandinoita. Mwari ngavakudzwe.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Johane 3 ndima 34

2 Vakorinde 1 ndima 21 kusvika 22

Johane 14 ndima 16 kusvika 17

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)