7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Ndau Shona 


Unobudirira Pane Zvose Zvaunoita



Chitatu, 7 Ndira 2026



*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze



"Zvino nezuva iro mutoro wake uchabviswa pamafudzi ako, nejoko rake pamutsipa wako, joko richaparadzwa nokuda kwamafuta" (Isaya 10 ndima 27).

Iwe une chiropafadzo chaMwari. Chiropafadzo ichi chinogara chichishanda mauri. Hachinei kuti uri papi. Unogona kunge uri kutorwiswa. Chiropafadzo ichi chinongoshanda chete. Iwe unobudirira kose kwaunoenda. Mwari vakaronga kuti ubudirire. Unobudirira pose paungava. Unobudirira nguva dzose. Hareruya!

Iwe uri mwana wedzinza raAbhurahama. Ndiko kusaka uchibudirira kudai. Saka ungarwiswa hako. Kurwiswa kwacho kunotokuvhurira mimwe mikana. Kunotokubatsira kuti ubudirire. Pane simba riri kushanda mauri. Simba iri rinoshanda mumweya. Rinokushandira zvekare. Rinokuvhurira nzira. Richiita kuti zvinhu zvikunakire. Zvichizoita kuti ubudirire pane zvose zvaunoita. Iwe uchiwedzera kunzwisisa Mwari.

Mundima yatavhura nayo mune shoko rinoti, "mafuta". Mamwe maBhaibheri anonyora kuti "chizoro". Shoko iri rinorevavo "kufuta". Zvichireva kuwedzera. Saka iwe uri kukura. Saka pangava nezvinotsvaka kukusunga. Zvinhu zvose izvi zvinodambuka. Chiropafadzo chinoita kuti ubudirire pane zvose zvaunoita. Uchizopedzisira wakura chose. Zvekuti hapana chinozogona kukuvharira.

Izvi ndizvo zvatinovona pana Isaki. Tinoverenga nhoroondo yake muna Genesi yemakumi maviri netanhatu ndima yegumi nembiri kusvika gumi nesere. Apa Isaki akadzvara mbeu dzake. Akadzidzvara kusina mvura yainaya. Asi akakohwa zvakadero. Munda mumwe chete wakamupa goho reminda zana. Izvi zvakabva zvaita kuti Vafirisitiya vamuitire godo. Vamwe vanhu vose havana chavakagona kukohwa. Asi Isaki ndipo paakatokohwa kudarika mamwe makore ose. Hapana munhu akagona kunzwisisa izvi.

Chiropafadzo ichi ndicho chiri kushandavo mauri. Asi chako chinotodarika chaIsaki ichi. Chiri kushanda mumari dzako. Muhutano hwako. Mushumiro yako. Nemuzvinhu zvose zvehupenyu hwako. Chiri kukuvhurira nzira. Chichiita kuti ubudirire pane zvose zvaunoita. Chiropafadzo ichi chinogadzirisa zvinhu zvako. Saka taura semunhu anovimba naMwari. Shandisa Shoko raMwari pakurarama kwako. Rega simba rechiropafadzo iri rivonekwe pauri. Chinozokugonesa kuita zvisingagonekwi nevanhu venyika ino.

Mapisarema yekutanga ndima yekutanga kusvika yetatu inoti, "Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa. Kana kuva munzira yavatadzi, kana kugara panogara vanonyomba, asi kuti anotofarira mutemo waTENZI uye anorangarira mutemo waTENZI siku nesikati. Akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi; unobereka muchero wawo panguva yawo; uri muti usingaumi mashizha. Zvose zvaanoita zvinobudirira". Izvi ndizvo zviri hupenyu hwako. Rarama semunhu anonzwisisa izvi.



Namata Uchiti

Ndinokutendai Ishe. Ndakaropadzwa. Ndine zvose zvinodiwa kuti ndibudirire. Ndine chiropafadzo. Chiropafadzo ichi chiri kushanda mandiri. Chiri kundivhurira mikana. Chichindigadzirira zvinhu zvangu. Zvichiita kuti ndigone kubudirira. Ndina Mweya Mutsvene. Saka ndinogara ndichiwedzera. Ndichikura. Hapana chinogona kundikonesa kubudirira. Simba raMweya Mutsvene riri kuita kuti ndikure. Ndichiwedzera zuva rimwe nerimwe. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Genesi 26 ndima 12 kusvika 13

Mapisarema 92 ndima 12 kusvika 14

Mapisarema 1:1-3 TPT



(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)