English
Ndau
Shona
Pane Chawakawana Pawakagamuchira Jesu
Svondo, 5 Ndira 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti Mwari vakada nyika. Vakasvika pakuipa Mwanakomana wavo. Anova ndiye oga wavakanga vazvara. Vaida kuti vanhu vamugamuchire. Vasazoparara. Asi vawane hupenyu husingaperi (Johane 3 ndima 16).
Mhosva dzedu dzakaiswa hadzo pana Jesu. Ivo vakatorangirwa mhosva idzi. Izvi ndizvo zvinotaura shoko reRuponeso. Asi izvi hazvisi izvo zvinonyanya kufadza. Hazvisi izvo zvoga zvavakatiitira. Vane chimwe chavakatiitira. Vakatishandura rudzi. Vakatiita vanhu veropa ravo. Saka tava nehupenyu husingaperi. MuBhaibheri mune ndima irimo. Ndima iyi inozikanwa zvikuru nevanhu. Inowanikwa pana Johane 3 ndima 16. Inoti, Nokuti Mwari vakada nyika. Vakasvika pakuipa Mwanakomana wavo. Anova ndiye oga wavakanga vazvara. Vaida kuti vanhu vamugamuchire. Vasazoparara. Asi vawane hupenyu husingaperi.
Saka munhu angava akagamuchira Muponesi Jesu. Munhu uyu anenge akatoshandurwa rudzi. Anenge atova weropa raJesu. Haafaniri kumirira kuti ashanduke kudai. Anoshanduka paanogamuchira Jesu pacho. Johane 6 ndima 47 inoti, Regai ndikuudzei chokwadi. Munhu anondigamuchira. Ndiye ane hupenyu husingaperi. Saka munhu uyu haasi kuvimbiswa hupenyu husingaperi. Anotova nehupenyu hwacho.
Ini ndinopota ndichivhunza vanhu. Ndichivati, Makagamuchira Jesu here? Vamwe vavo vanobva vabvuma. Ini ndozovati, Saka mune chamakawana here? Vakawanda vanobva vakoniwa kundidavira. Kureva kuti vane zvavasina kudzidziswa. Munhu angagamuchira Jesu. Pane chinhu chinobva chaitika kumunhu uyu. Anobva ashandurwa rudzi. Achiitwa munhu weropa raMwari. Achiva nehupenyu husingaperi. Tenzi havana chavakavanza. Ivo vakati, Munhu anondigamuchira. Ndiye ane hupenyu husingaperi.
1 Johane 5 ndima 11 kusvika 12 inoti, Uhu ndihwo huchapupu hwaMwari. Mwari vakatipa hupenyu husingaperi. Vachitsvaka kuti tive veropa ravo. Zvino hupenyu uhu huri muMwanakomana wavo. Munhu angava naMwanakomana. Munhu uyu ane hupenyu uhu. Ndeweropa ravo. Asi mumwe angasava naMwanakomana waMwari. Munhu uyu haana hupenyu uhu. Haasi weropa ravo. Saka iwe ungava naMuponesi Jesu. Izvi zvinoreva kuti wava weropa raMwari. Saka haufaniri kunamata kuti uve weropa raMwari. Ndima yegumi nenhatu yacho inoshamisa. Inoti, Ndakakunyorerai zvinhu izvi. Iyemi vakagamuchira zita reMwanakomana waMwari. Kuti muzive kuti mava nehupenyu husingaperi. Mava veropa raMuponesi.
Mwari vanoda kuti uzive kuti wakashanduka rudzi. Wava weropa raMwari. Izvi zvinozoshandura hupenyu hwako. Zvinozoshandura mararamiro ako. Hauzogari uchitya. Unozogara wakagutsikana. Uchikurira zvinhu zvaunosangana nazvo. Uchinzwisisa kuti wava Mumwari. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ini ndava muna Muponesi Jesu. Saka ndakashanduka rudzi. Ndava weropa renyu. Ndava kurarama semunhu anonzwisisa rudzi rwake urwu. Ndichiziva kuti ndakachengetedzeka. Ndinokutendai nechipo ichi. Icho chinoshandura hupenyu. Chichiita kuti vanhu vakurire zvinhu zvenyika ino. Vabudirire pane zvose zvavanoita. Vachigara vari vatano. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Johane 5 ndima 11 kusvika 13 NIV
Johane 3 ndima 36 NKJV
Johane 5 ndima 24
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church