English Ndau Shona 

Tiri Vanhu VeKudenga

Muvhuro, 6 Ndira 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Munhu wekutanga akanga ari wenyika ino. Ari wevhu. Asi munhu wechipiri ndiIshe. Akatobva kudenga (1 Vakorinde 15 ndima 47).

Iwe ungava naMuponesi. Izvi zvinoreva kuti wakashanduka rudzi. Wava weropa raMwari. Asi kuda ungasava naMuponesi. Izvi zvinorevavo kuti hausi weropa raMwari. Izvi ndizvo zvatakavona muchidzidzo chapera. Iwe ungasava naMuponesi. Izvi zvinoreva kuti uchakafanana naAdhamu wekutanga. Adhamu uyu akanga ari munhu wenyama. Akanga ari wenyika yepasi pano. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 1 Vakorinde 15 ndima 47. Yati, Munhu wekutanga akanga ari wenyika ino. Ari wevhu. Asi munhu wechipiri ndiIshe. Akatobva kudenga.

Kwakambova naAdhamu wekutanga. Adhamu uyu ndiye munhu wenyika ino. Ndiye uya akatadza. Vanhu venyika ino vanosungwa nezvinhu zvenyika ino. Havana zvakawanda zvavanogona kuita. Vachaparadzwa. Ichocho ndicho chokwadi. Tinochipiwa neBhaibheri. Kune vanhu vasina kuzvarwa kechipiri. Vanhu ava vacharangwa. Vachaparadzwa. Vanhu vacho vangava vemhuri yako. Dzingava shamwari dzako. Vangava vatungamiriri. Vanhu vose ava ndevenyika ino. Vakamirira kurangwa. Ndiko kusaka tichifanira kuvaparidzira shoko reRuponeso. Shoko iri ndiro roga rinogona kuvaponesa.

Verenga 1 Vakorinde 15 ndima 48. Inotsanangura vanhu vemhando mbiri. Mumwe wacho ndewe nyika ino. Mumwe ndewekudenga. Ndima iyi inoti, Zvakanga zvakaita munhu wevhu. Ndizvo zvakaita vanhu venyika ino. Zvakaita munhu wekudenga. Ndizvo zvakaitavo vaya vekudenga. Kune vanhu vasati vazvarwa kechipiri. Vanhu ava ndivo venyika ino. Saka vanofunga sevanhu venyika ino. Asi kune vamwe vakazvarwa kechipiri. Ivo vaya vari muna Muponesi. Vanhu ava vanofunga sevanhu vekudenga. Izvi ndizvo zvatiri isu. Tinofunga sevanhu vekudenga. Tiri panyika ino hedu. Asi tinoshandisa mirairo yekudenga pakurarama kwedu.

Mazano aMwari ndiwo atinoshandisa pakurarama kwedu. Izvi ndizvo zvinoitika paunozvarwa kechipiri. Ndima yemakumi mana nepfumbamwe yacho inoti, Saka isu zvatakambofananavo nemunhu wenyika ino. Ngatichifananavo nemunhu wekudenga uyu. Isu takanga takafanana nemunhu wevhu. Apa ndipo patakanga tiri vatadzi. Ndipo patakanga tiri vanhu venyika ino. Takasungwa nezvinhu zvenyika ino. Asi takazoshanduka rudzi. Tava zvisikwa zvitsva. Tava vanhu verudzi rwaMuponesi Jesu.

Hatichisiri vanhu venyika ino. Tava vanhu vekudenga. Tichiri panyika pano hedu. Asi hatichisiri vanhu venyika ino. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane 17 ndima 16. Iwe wava munhu wekudenga. Wava kurarama hupenyu hwenyika inotongwa naMwari. Mitemo yenyika iyi ndiyo yawava kushandisa pakurarama kwako. Mazano aMwari ndiwo awava kushandisa pakurarama kwako. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndava munhu weropa raMuponesi. Ndava munhu wekudenga. Ndava kurarama zvinowirirana neShoko renyu. Saka ndinoramba kusungwa nezvinhu zvenyika ino. Ndinokutendai. Makandipa hupenyu hutsva uhu. Ihwo hupenyu huri muna Muponesi. ndinogara ndichikunda. Ndichifunga semunhu wekudenga. Ndichigwinyiswa naMweya Mutsvene. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vakorose 3 ndima 1 kusvika 2
1 VaKorinte 15 ndima 47 kusvika 49 AMPC
Varoma 12 ndima 2

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church