7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
English
Ndau
Shona
Mweya Mutsvene Ndivo Simba ReMharidzo Yedu
Chishanu, 16 Ndira 2026
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Asi muchawana simba. Muchariwana kana Mweya Mutsvene vauya pamusoro penyu. Mugogona kuva zvapupu zvangu. Mugondipupurira muJerusarema. MuJudhiya rose. MuSamariya. Kusvikira kumigumo yenyika" (Mabasa 1 ndima 8)
Shoko reRuponeso ndere chokwadi. Izvi ndizvo zvatakadzidza nezuro. Zvino isu tingaparidza shoko reRuponeso iri. Mweya Mutsvene ndivo vanoita kuti kuparidza kwedu uku kushandure vanhu. Wanga uchizviziva here? Saka tinofanira kuva naMweya Mutsvene. Ndiko kuti tigone kutaura saMwari. Mashoko edu achizogona kushandura vanhu. Zvisizvo mashoko edu anova asina simba. Mweya Mutsvene ndivo vanoita kuti tizive kuti Muponesi vari matiri pachokwadi. Ndivo vanoitavo kuti vanhu vagone kugamuchira Muponesi ava.
Mweya Mutsvene ndivo vanoita kuti tive nehukama naMwari. Zvichiita kuti tisangova vanhu vanongonamata sevanhu vose vose. Iwe ungava wakagamuchira Mweya Mutsvene ava. Une simba rawakapiwa musi uyu. Iri isimba rinoita kuti ugone kuita zvaiitwa naIshe Jesu. Wakabva wava munhu anofamba akatakura simba raMwari. Anogona kuita mabasa aMwari. Munhu anofanira kuva naMweya Mutsvene. Zvisizvo haangagoni kurarama hupenyu hweVamwari. Mweya Mutsvene ava ndivo Munyaradzi wako. Ndivo Chipangamazano vako. Ndivo Mubatsiri wako. Ndivo vanokunyengeterera. Ndivo Gweta rako. Ndivo Musimbisi wako. Ndivo vanokubatsira paunenge wapera simba.
Mweya Mutsvene ava vava mukati mako. Vachagara mauri nekusingaperi. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane yegumi nena ndima yegumi netanhatu. Ivo ndivo Mwari vaunofamba navo. Vanotokubatsira pachokwadi. Vanotokubatsira kudarika vanhu vose vaungafamba navo. Saka simbisa hukama hwako navo. Ndiko kuti ugone kushandisa mazano avo pakurarama kwako. Ndiko kuti simba ravo rivonekwe mauri. Vimba navo. Varege vatungamirire mafungiro ako. Ndivo vanofanira kukuitisa zvaunoita. Varege vatungamirire minamato yako. Varege vaise simba mumashoko aunotaura.
Saka iwe ungava naMweya Mutsvene. Hauzombofanani nevanhu venyika ino. Uye hapana chingazokukurira muhupenyu. Ivo ndivo vanokuita muparidzi akashinga. Ndivo vanokuita muparidzi anogona basa. Iye uya anogona kudzosa vanhu kuna Mwari. Verenga ndima yatavhura nayo zvekare. Mweya Mutsvene ava vanoita kuti ugone kukurira zvose zvaungasangana nazvo. Vachiita kuti simba reVamwari rivonekwe pauri. Ivo ndivo Baba veVamwari. Ndivo Mwari vanogara mukati mako. Ndivo vanopa simba kumharidzo yedu.
Namata Uchiti
Mweya Mutsvene vakaropafadzwa. Ndinokutendai. Imi mava kugara mandiri. Simba renyu ndiro rava kushanda muhupenyu hwangu. Ndimi munyaradzi wangu. Ndimi mudzidzisi wangu. Ndimi mutungamiriri wangu. Ndinobvuma kuti mushande muhupenyu hwangu. Nokudero ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndinoita zvose nomazvo. Ndinotonga zvinhu zvenyika ino. Ini ndinemi. Saka ndinogona kuita zvinhu zvose. Ndinokunda nguva dzose. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 14 ndima 16 kusvika 17
Zakariya 4 ndima 6
Mabasa 4 ndima 31
Mateo 28:19-20
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)