7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
English
Ndau
Shona
Vadavire Nomazvo
Mugovera, 17 Ndira 2026
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Nhasi chaiye. Kana mukanzwa inzwi rangu. Musawomesa moyo yenyu. Sepazura riya randakatsamwiswa" (Vahebheru 3 ndima 15).
Shoko raMwari rinotaura kwatiri. Mweya Mutsvene vanotauravo kwatiri. Mwari ndivo vanenge vari kutotaura nesu pose apa. Asi haasi munhu wose anovadavira nomazvo pavanenge vari kutaura kudai. Iwe unganzwa Shoko raMwari. Mwari vanotarisira kuti uridavire. Vanotarisira kuti uite zvarinenge riri kutaura zvacho. Ndiko kuti simba ravo rigone kushanda mauri. Ndiko kuti Shoko iri rikushandire. Izvi ndizvo zvatinovona pana Samueri. Apa Mwari vakamudana. Vakamudana kaviri kose. Asi Samueri aisaziva kuti aifanira kudavira achiti kudini. Eri ndiye akazomudzidzisa. Tinoona mashoko ake mubhuku rekutanga raSamueri chitsauko chetatu ndima yepfumbamwe. Inoti, "Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera".
Samueri akazodavira nomazvo. Mwari vakabva vataura kwaari. Ndizvo zvaunofaniravo kuita iwe. Davira Mwari. Vadavire semunhu anovimba navo. Ndiko kuti unzwe inzwi ravo zvakajeka. Ivo vachizovonekwavo zvakanyanya muhupenyu hwako. Usashaya hanya neShoko raMwari. Shoko iri ringakuraira kuita chimwe chinhu. Ringakutsiura. Ringakutuma kuita chimwe chinhu. Unofanira kugamuchira Shoko iri. Unofanira kuita zvarinenge rakutaurira. Unofanira kurigamuchira uchiti, "Hongu Ishe wangu". Wobva waita zvarinenge rakuraira zvacho.
Unofanira kukasira kudavira Mwari. Unofanira kukasira kuita zvavanenge vataura. Zvisizvo havazorambi vachitaura kwauri. Uye iwe ungasazogona kuramba uchinzwa pavanotaura. Saka dzidzisa mweya wako kukasira kudavira Mwari. Mweya Mutsvene vanozozadza chiedza mumoyo mako. Vachikutaridza gwara rekufamba naro. Vachikuwedzera nyasha. Saka kasira kudavira Mwari. Vadavire semunhu anovimba navo. Vadavire kudai pose pavanotaura kwauri. Pangava panguva yaunenge uri kudzidza Shoko raMwari. Pangava panguva dzekunamata. Kana kuti panguva dzaunenge uri kuziviswa zvinhu zviri mumweya. Inzwi ravo rinogona kutaura zvinyoro nyoro. Asi rinenge riine simba. Simba racho ndere Vamwari.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinodavira kuShoko renyu. Ndinodavira kwariri semunhu anovimba nemi. Ndinodavira kwariri semunhu anofarira vanhu. Saka ndinoropafadzwa zvikuru. Moyo wangu uzere nyasha. Uzere chokwadi. Simba raMweya Mutsvene rinoita kuti ndibudirire pane zvose zvandinoita. Richiita kuti ndiwedzere pazvinhu zvose. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Jemusi 1 ndima 22
1 Samueri 3 ndima 9 kusvika 10
Johane 10 ndima 27
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)