7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
English
Ndau
Shona
Unokurira Zvinokurwisa Zvose
Chipiri, 20 Ndira 2026
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei" (Zvirevo 24 ndima 10).
Isu tiri Vamwari. Tingarwiswa hedu. Asi simba redu hariperi. Tinokunda chete. Tinotonga. Tinokurira njodzi dzose. Jehovha ndivo simba rako. Saka simba rako harisi shoma. Izvi ndizvo zvatinovona mubhuku yechipiri yaSamueri chitsauko chemakumi maviri nembiri ndima yemakumi matatu nenhatu. Inoti, "NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu".
Tsamba yekutanga yaJohane chitsauko chechina ndima yechina inoti, "Vana vadoko. Imi makazvarwa naMwari. Saka makakurira mweya yose iyi. Nokuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino". Iwe wakazvarwa naMwari. Saka simba raMwari ndiro raunoshandisa pakurarama kwako. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chetatu ndima yeshanu. Inoti, "Tisingazviidzi nyanzvi isu pachedu. Zvekuti tingatozvikudza. Asi tinoshanda nehunyanzvi hwaMwari".
Saka hazvigoni kuti upererwe. Hazvigoni kuti ukurirwe. Hazvigoni kuti ukoneswe kuwana zvaunoda. Hazvigoni kuti ukoneswe kuita zvaunoda. Iwe wava muna Muponesi. Saka wakashanduka rudzi. Uye warurama saivo. Unofanira kunzwisisa izvi. Izvi zvinozoita kuti ushinge. Unozoshinga kunyangwe uri kurwiswa. Unozotsikira pasi zvose zvinokurwisa izvozvo. Zvinhu izvi ndizvo zvinotozokusimbisa.
Iwe ungava unoziva kuti wakarurama. Hapana chinhu chinozogona kukuvhundusira. Hapana munhu anozogona kukuvhundusira. Satani haazogoni kukuvhundusira. Hauzotyi kuti une mhosva. Hauzovhunduki vavengi. Unenge wava kunzwisisa kuti ndiwe wakamiririra Muponesi. Uye kuti wava kuzikanwa nezita ravo. Izvi zvinozoita kuti utsike nyoka. Nezvinyavada. Nemasimba ose emuvengi. Unenge wava kunzwisisa kuti zvinhu zvose izvi hazvigoni kukukuvadza.
Saka tonga zvirwere. Tonga mweya yakaipa. Tonga rufu. Namata wakashinga. Wakagutsikana kuti urikunzwikwa. Taura samambo. Simba reVamwari ngarivonekwe pahupenyu hwako. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita munhu akarurama. Mweya Mutsvene vakandiita munhu akashinga. Ndimi simba rangu. Saka ndinotonga zvinhu zvehupenyu huno. Ndinozvitonga ndichishandisa simba rekururama. Hapana chandinotya. Ndinoshandisa simba reVamwari pakurarama kwangu. Mashoko angu azere simba. Mabasa angu azere nyasha. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 35 kusvika 39
Varoma 5 ndima 17 AMPC
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)