7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Ndau Shona 


Runako RweMunhu Ari Muna Muponesi



China, 22 Ndira 2026



*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze



"Mukapfeka munhu mutsva. Ane pfungwa dzakavandudzwa. Kuti afanane neakamusika" (Vakorose 3 ndima 10).

Iwe ungava wakazvarwa kechipiri. Apa ndipo pawakabva wasikwa patsva. Uchisikwa wakarurama. Uchiera. Uri mutsvene. Hausi mutadzi akaregererwa. Uri munhu mutsva chaiye. Hauna nhoroondo yehupenyu hwekare. Wakasikwa patsva. Uchisikwa kudai wakafanana naMwari. Vakorose yekutanga ndima yemakumi maviri nembiri inotsanangura zvauri. Inoti wava munhu anoera. Hauchina mhosva yauchagona kupomerwa. Mwari havana chitema chavanovona pauri. Havachina daka newe.

Wava kufunga saMwari. Wava kutaura saMwari. Wava kuita zvinhu zvako saMwari. Uri basa remavoko aMwari. Mwari vakakusika nehumhare. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vaefeso yechipiri ndima yegumi. Inoti, "Nokuti tiri basa remavoko aMwari. Takasikwa patsva. Kuri kuzvarwa patsva. Kechipiri. Tichizvarirwa muna Muponesi Jesu. Kuti tiite mabasa akanaka. Nekurarama hupenyu hwakanaka. Uhwo hwatakagara tarongerwa naMwari".

Iwe wakazvarwa kechipiri. Apa ndipo pawakauya wava mutsvene. Ndipo pawakauya warurama. Saka hausi kutsvaka kuva mutsvene. Hausi kutsvaka kuva munhu akarurama. Asi unofanira kuzvivona semunhu akarurama kudai. Unofanira kugara uchizvivona semutsvene. Ndiko kuti hutsvene hwacho hutungamirire mafungiro ako. Ndiko kuti kururama kwacho kutungamirire zviito zvako. Kuchizovonekwa pahupenyu hwako. Hausi munhu akangovandudzwa. Hausi munhu akangoshanduka tsika. Wava munhu mutsva. Munhu wako wekare haachisipo. Iwe wakazvarwa kechipiri. Saka wakashanduka rudzi. Wava weropa raMuponesi. Wava werudzi rwaMuponesi. Saka wachena. Warurama. Wava kuera. Wava Mumwari. Wakachenurwa.

Ndiko kusaka usingafaniri kuva mutera. Ndiko kusaka usingafaniri kukundikana. Kana kukurirwa. Kana kutadza. Mwari vanofanira kuvonekwa pauri. Simba raMwari rinofanira kuvonekwa pauri. Izvozvo ndizvo zvawakasikirwa. Tsamba yekutanga yaPita chitsauko chechipiri ndima yepfumbamwe inoti, "Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa. Madzimambo. Vapiri. Rudzi rutsvene. Vanhu vaakazviwanira. Kuti vanokuvonai varumbidze Mwari. Ivo vakakutorai. Vakakubvisai murima. Vakakupinzai muchiedza chavo chinoshamisa".

Mwari vakaronga kuti uve werudzi rwavo. Vakaronga kuti uite zvinhu zvinofadza. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yechipiri yaPita chitsauko chekutanga ndima yetatu. Inoti, "Kuziva ivo vakatitora kuti tive vanhu verudzi rwavo. Vakakwana. Kwakaita kuti simba ravo reVamwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari". Chirarama semunhu anoziva rudzi rwake. Vanhu ngavavone runako rwaMuponesi pauri. Ngavavone rudo rwaMuponesi pauri. Ngavavone mazano aMwari pauri. Ngavavone kuchena kwaMuponesi pauri. Ihwohwo ndihwo hupenyu hwako. Ndihwo hwawakarongerwa naMwari. Mwari ngavakudzwe saMwari.

Namata Uchiti

Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandisika patsva. Apa ndipo pandakazobuda ndarurama. Ndava mutsvene. Ndava kuera. Saka ndakashanduka rudzi. Runako rwenyu rwava kuvonekwa pandiri. Mazano enyu ndiwo andava kushandisa pakurarama kwangu. Rudo rwenyu rwava kuvonekwa pandiri. Simba renyu rava kuvonekwa pandiri. Hupenyu hwangu hunopupurira nyasha dzenyu. Hunopupurira kururama kwenyu. Nesimba renyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Vaefeso 4 ndima 24

2 Vakorinde 5 ndima 17

Varoma 8 ndima 29

Jakobo 1 ndima 18



(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)