7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
English
Ndau
Shona
Pfungwa Dzako Ngadzive PaMunamato Wako
Svondo, 25 Ndira 2026
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Nokuti pandinonamata nedzimwe ndimi. Mweya wangu ndiwo unenge uri kunamata. Pfungwa dzinenge dzisiri kuzvinzwisisa. Saka dzinenge dzisiri kubatsira pamunamato uyu" (1 Vakorinde 14 ndima 14).
Kunamata nendimi kwakakosha. Chinotova chinhu chatinoita nemweya yedu. Ndechimwe chezvinhu zvakakosha chose zvinoitwa nemweya yedu. Ndimi mutauro waMweya Mutsvene. Ndiwo watinoshandisa kutaura zvinhu zveVamwari. Saka iwe unganamata nendimi. Mweya wako unenge uri kutaura naMwari pachavo. Mashoko ako anenge asingatangi apfuura nemupfungwa dzako.
Asi pfungwa dzako dzinofanira kunge dziri pamunamato wako uyu. Ndiko kuti munamato wacho uve nesimba rakawanda. Isa pfungwa dzako pazvinhu zvaunenge uri kunamatira zvacho. Pfungwa dzako dzingada hadzo kupota dzichida kubva pamunamato uyu. Dzichifunga zvakawanda wanda. Asi usadzirega dzichidai. Dzidzose pamunamato wako.
Mweya Mutsvene vanozotaridza pfungwa dzako idzi zvinhu zvemweya. Vachidzipa mazano eVamwari. Vanozoita kuti uzvivone uchigadzirisa zvinhu. Uchiita mabasa eVamwari. Saka pfungwa dzako hadzifaniri kubva pamunamato wako. Ndiko kuti dzivone zviri mumweya. Iwe unofanira kugamuchira zvaunenge wavona izvi. Ndizvo zvinofanira kutungamirira mabasa ako. Nekudaro unozoita kuti zvinodiwa nedenga zviitike panyika pano. Ndiko kushanda pamwe naMweya Mutsvene kwaunenge uri kutoita ikoko.
Hupenyu hweVamwari hunoraramiwa mumweya. Hupenyu uhu hune kuzorora. Hune mufaro. Hune kukunda. Mweya Mutsvene vanozoita kuti ugare wakasimba. Wakamuka. Uchivimba naMwari. Saka varege vakutungamirire pakunamata. Ita zvavanokuraira. Varege vashande mauri. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinonamata mumweya ikozvino. Saka imi munonditaridza zvinhu zvemumweya. Nokudero ndinoronga hupenyu hwangu. Ndichiita kuti hupinde mugwara ramakaronga imi. Ndinokutendai. Munoita kuti mweya wangu ufambirane nezvamunoda imi. Saka ndinoshandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Ndinoshandisa simba renyu. Uye ndinorarama hupenyu hweVamwari. Muzita raJesu.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Judhi 1 ndima 20
Varoma 8 ndima 26
1 Vakorinde 14 ndima 2
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)