7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
English
Ndau
Shona
Takanga Takakodzera Kupiwa Chipo Ichi
Chipiri, 27 Ndira 2026
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Nokuti kana nokutadza kwemunhu mumwe chete. Rufu rwakatonga muzita remunhu uyu. Mumwe chete iyeye. Akanga atadza wacho. Vaya vakatora nyasha dzakawanda. Vakapiwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwi. Vachatongavo muhupenyu huno. Vachishandisa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi" (Varoma 5 ndima 17).
Isu tava muna Muponesi Jesu. Tine kururama kwatakawana mavari. Kururama uku kunoshamisa chose. Takapiwa kururama uku sechipo. Asi takanga takakodzera hedu kuchipiwa. Asi kuda mumwe angati, "Ini ndanga ndichifunga kuti takanga tisina kukodzera kupiwa chipo ichi". Ichi hachisi chokwadi. Isu takanga takakodzera kupiwa kururama. Rega nditsanangure kuti sei ndichidero.
Vanhu vava kugona kushanduka rudzi. Vava kugona kuva verudzi rwaMwari. Asi izvi hazvina kutangira paMuchinjikwa. Zvakatangira pakamuka Jesu kuvakafa. Asi izvi zvinorevei? Mwari vakamutsa Jesu kuvakafa. Apa ndipo pavakamuka vava nekururama kwaMwari. Zvino isu takamukavo pamwe navo musi uyu. Kumuka kwavo uku ndiko kwakanga kuri kuzvarwa kwavo kechipiri.
Rangarira mashoko emunyori weMapisarema. Pauro akatsinhira mashoko mamwe chete iwayo. Tinoaverenga muna Mabasa yegumi nenhatu ndima yemakumi matatu nenhatu. Inoti, "Mwari vakazozviita. Vachizviitira isu vana vavo. Mwari vakamutsa Jesu kuvakafa. Vakavamutsa sezvakanyorwa Murwiyo rwechipiri. Umo makanzi, 'Ndiwe mwanakomana wangu. Ndakuzvara nhasi'". Ishe Jesu ndivo vakatanga kushandurwa rudzi. Vachiitwa chipuka chitsva. Vakashandurwa kudai pavakamutswa kuvakafa. Apa isu takanga tiri mavari. Saka takamutswa pamwe chete navo. Saka iwe wakashandurwavo rudzi. Wava chipuka chitsva. Saka hauchisiri mutadzi. Iye mutadzi uya achiri kutsvaka kunzwirwa tsitsi.
Zvivi zvako zvose zvakavigwa pamwe naMuponesi. Munhu wako akaroverwa pamuchinjikwa. Akaroverwapo pamwe chete naJesu. Hunhu hwako hwakaipa hwakaroverwa pamuchinjikwa apa. Varoma yetanhatu ndima yechina inoti, "Kureva kuti patakanyikwa kudai. Takafutsirwa pamwe chete navo. Kuti tigorarama hupenyu hutsva. Sezvo Muponesi vakamutswa kuvakafa. Vachimutswa nesimba raBaba". Ishe Jesu vakamutswa kuvakafa. Isu takamutswavo ipapo. Takanga tiri kutozvarwa kechipiri. Tichizvarwa tashanduka rudzi. Ndipo patakauya tava nekururama kwavo. Kureva kuti takanga takatokodzera kupiwa kururama kwavo.
Isu takazvarwa naMwari. Ndiko kusaka takanga takakodzera kupiwa kururama kwaMwari. Tava vaMwari zvino. Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Ndizvo zvinofanira kuumba hukama hwako naMwari. Iri ndiro shoko ravakatituma kuparidzira vanhu. Ndiro shoko ratinodzidzisa vanhu. Vanhu vose vakatoitwa vakarurama. Kururama kwavo uku kuri muna Muponesi Jesu. Mwari vanoda kuti vanhu vazive izvi. Ivo havafaniri kushandira kururama uku. Hakutoshandirwi. Kunopiwa munhu sechipo. Chipo ichi chakatengwa neropa raMuponesi Jesu. Jesu vakatobhadhara kuti tipiwe chipo ichi. Saka chipo chatakakodzera kupiwa. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mandibatsira kunzwisisa kururama kwangu. Iko kururama kwandakawana muna Muponesi Jesu. Ndinorarama semunhu akamutswa pamwe chete naMuponesi. Akaruramiswa. Akazvarwa akarurama. Ndinotonga zvinhu zvenyika ino. Ndinovonekwa kuti ndiri munhu werudzi rwenyu. Ndinoita zvamunoda imi. Ndinozviita ndakashinga. Ndakafara. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 5 ndima 12 kusvika 17
2 Vakorinde 5 ndima 21
Varoma 6 ndima 4
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)