7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Ndau Shona 


Taura NeNdimi. Uvone Zvaunokwanisa Kuita Mumweya



Chishanu, 30 Ndira 2026



*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze



"Nokuti anotaura nedzimwe ndimi haatauri kuvanhu. Asi kuna Mwari. Nokuti hapana munhu anomunzwisisa. Kunyangwe zvakadero. Anenge ari kutaura mumweya. Achitaura zvinhu zvakavanzwa kuvanhu" (1 Vakorinde 14 ndima 2).

Iwe ungava uri kutaura nendimi. Unogona kubva watotanga kuvona zvinhu zvaunogona kuita. Uchizvivona mumweya. Wanga uchizviziva here? Ndiko kusaka uchifanira kurega Mweya Mutsvene vachitungamirira pfungwa dzako paunonamata. Kuvona mumweya kuri paviri. Mwari vane zvinhu zvavanogona kutaridza mweya wako. Asi mweya wako unogonavo kuronga zvinhu. Iwe uchizozvivona uchigona kuita zvinhu izvi.

Kazhinji tinongomirira kuti Mwari vatitaridze zviri mumweya. Asi Mwari havatitaridzi zvinhu zuva rimwe nerimwe. Vanongotitaridza pavanodira ivo. Ndokunge paine zvinhu zvavari kuda kuti tiite. Asi iwe wakazvarwa kechipiri. Mwari vakakushandura rudzi. Vakakuita munhu werudzi rwavo. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yechipiri yaPita chitsauko chekutanga ndima yechina. Zvino Mwari musiki. Asi iwe wafanana navo. Kureva kuti newevo wava kugona kusika zvinhu. Saka wava kugona kushandisa pfungwa dzako. Unodzishandisa kuvona mumweya. Uchivona zvinhu zvaunogona kuita. Saka ungataura nendimi. Mweya Mutsvene vanogona kubva vakutaridza zviri mumweya. Kana kuti mweya wako unogona kutanga kuvona zvinhu zvaunogona kuita iwe. Mweya Mutsvene ndivo vanenge vari kubatsira mweya wako kuvona zvinhu zvacho.

Saka pangava nezvinhu zvaunoda kugadzirisa. Zvinhu zvacho zvingava musangano rako. Kana muguta rako. Kana muhupenyu hwako. Kana munyika chaimo. Taura nendimi. Mweya Mutsvene vanobva vatanga kukubatsira kuvona zvinhu zvaunofanira kuita. Iwe ibva waongorora kuti zvinhu zvacho ndizvo chaizvo zvinodiwa naMwari here. Wobva watozviita.

Ngatiti wanga uri kunyengeterera guta rako. Uchida kuti Mwari vashande muguta iri. Kuda unoda kuti vanhu vakawanda vaponeswe muguta iri. Mweya wako ngautange kuvona vanhu vachiponeswa. Vavone uchinamata kudai. Pfungwa dzako ngadzivone mabasa aMwari achikurumbira muguta iri.

Mwari vakakuita mumiriri wavo. Saka ndiwe unofanira kutoronga zvinofanira kuitika panyika. Unongofanira chete kungwarira kuti zvinhu zvacho zvive zvinowirirana neShoko ravo. Ndiko kusaka uchifanira kugara uchinamata nedzimwe ndimi. Ndiko kuti ugone kuvona zvaunokwanisa kuita. Kumikidza kuna Mwari zvaunenge uri kuvona izvi. Ndivo vanofanira kuzokutendera kuzviita. Iwe wobva wazviita. Mwari ngavarumbidzwe!



Pupura Uchiti

Ini ndinotaura nedzimwe ndimi. Ndinoronga zvinhu mumweya. Ndichironga zvekuita. Mweya wangu unobata pamwe naMweya Mutsvene. Ndiko kusaka ndichigona kuronga zvinhu mumweya kudai. Ndinoronga zvinhu zvehupenyu hwangu. Ndinoronga zvinofanira kuitika muguta rangu. Ndinoronga zvinofanira kuitika munyika. Zvandinoronga zvose izvi zvinowirirana nezvakarongwa naMwari. Saka ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Mweya Mutsvene vachindibatsira kubudirira pane zvose zvandinoita. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

1 Vakorinde 14 ndima 2 NKJV

2 Pita 1 ndima 4 AMPC

Judhi 1 ndima 20 TPT



(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)