English Ndau Shona 

Hatichafi

Chitatu, 21 Chivabvu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi regai ndikutaridzei chimwe chinhu. Ichi chinhu changa chakavanzirwa vanhu. Haasi munhu wose achavata. Asi miviri yedu ichashandurwa (1 Vakorinde 15 ndima 51).

Vahebheru 9 ndima 27 inoti, Nokuti munhu anongofa kamwe chete. Mushure mazvo otopiwa mubairo wake. Vakawanda havanzwisisi ndima iyi. Vanofunga kuti inoreva kuti munhu wose anofanira kufa kamwe chete. Asi izvi hazvisi izvo zvairi kutaura. Inoreva kuti hapana munhu anofa kaviri. Ndiko kusaka Muponesi vakafa kamwe chete. Vachifira munhu wose. Havana kufanira kufa kakawanda.

Saka Muponesi vakafa kamwe chete. Kwete nokuti munhu wose anofanira kufa kamwe chete. Asi nokuti munhu haagoni kufa kaviri. Zvino rufu rwakazobviswa. Rwakabviswa neRuponeso rwaJesu. Izvi ndizvo zvatinovona muna 2 Timoti yekutanga ndima yegumi. Inoti Muponesi Jesu vakabvisa rufu. Vakaita kuti zvigoneke kuti vanhu vasafa. Vakashandisa Shoko reRuponeso rwavo kuita izvi. Zvino kune vanhu vari muna Muponesi. Vanhu ava havachafi. Ichi ndicho chokwadi.

Asi kune vanopokana neizvi. Vanototi hapana munhu anogona kunzvenga rufu. Vachitoti vakamborupotsa vanofanira kurudzokera. Enoki ndiye mumwe akapotsa rufu. Eriya ndemumwe wacho. Vanoti vaviri ava vanofanira kudzoka panyika. Vozofa. Asi izvi hazvina zvazvinoreva. Zvinopesana nezvinotaura Shoko reRuponeso. Uye zvinopesana nezvakaitwa naMuponesi. Muponesi vakakurira rufu. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane 11 ndima 25 kusvika 26. Inoti, Ndini kumuka kwacho. Ndini hupenyu hwacho. Munhu angafa hake. Asi akandigamuchira. Anozorarama. Mumwe angava mupenyu hake. Asi akandigamuchira. Munhu uyu haazofi.

Tinofanira kunzwisisa zvinoreva hupenyu husingaperi. Hunova hupenyu hweVamwari. 1 Johane 5 ndima 13 inoti, Ndakakunyorerai zvinhu izvi. Iyemi vakagamuchira zita reMwanakomana waMwari. Kuti muzive kuti mava nehupenyu husingaperi. Mava veropa raMuponesi. Hupenyu husingaperi hupenyu hweVamwari. Hunhu hwaMwari. Hunhu uhu hunoiswa mumweya wemunhu. Hunoiswamo paya paanozvarwa kechipiri. Iwe ungava wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti wava werudzi rwaMwari. Saka rarama semunhu anoziva kuti haachafi.

Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Ndiko kuti ugone kurarama hupenyu chaihwo hwawakarongerwa naMwari. Rufu rwakakurirwa. Iwe wava kufanira kusafa. Vatsvene vanofanira kutanga vanzwisisa izvi. Ndipo pavanozobvutwa. Zvino Vatsvene vava kuzvinzwisisa.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ini ndava muna Muponesi. Saka makandishandura rudzi. Mukandiita munhu werudzi rweVamwari. Ndakagamuchira shoko reRuponeso. Saka rufu haruchagoni kunditonga. Handichafi. Ndinorarama seMumwari. Ndichingogara ndichisimudzirwa. Ndichifambira mberi. Imi muchikudzwa nokuda kwazvo. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Johane 5:11-12
1 VaKorinte 15:53-57
VaRoma 8:10-11

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church