English
Ndau
Shona
Koshesa Basa Rawakapiwa NaMwari
Chitatu, 2 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti handina kutaura mashoko angu pachangu. Ndakatumwa naBaba. Ndivo vakandipa murairo. Wezvandinofanira kutaura. Nezvandisingafaniri kutaura (Johane 12 ndima 49).
Ishe Jesu vane basa ravakanga vapiwa naMwari. Basa iri ndiro ravaikoshesa. Ndiro ravaigara vachishingaira kuita. Ivo vaiziva zvavakanga vavinga panyika. Saka hapana chaigona kuvabvisa pabasa iri. Vakatombotaura nezvebasa iri. Vachitaridza kuti vakanga vakazvipira kuriita. Izvi ndizvo zvatinovona muna Ruka yegumi nepfumbamwe ndima yegumi. Inoti, Mwanakomana wemunhu akavinga vanhu vaya. Vakarasika. Ndivo vaanotsvaka kuponesa.
Ishe Jesu vane mamwe mashoko avakataura zvekare. Tinoaverenga muna Johane yechina ndima yemakumi matatu nena. Inoti, Ndine basa. Ndiro randakatumwa kuita. Ndinoda kuita basa iri. Ndiripedze. Ikoko ndiko kudya kwangu. Saka Jesu vakanga vachikoshesa basa ravo. Iro basa riya ravakanga vapiwa naMwari. Asi vane zvimwe zvavakazotaura. Tinozviverenga muna Johane yemakumi maviri ndima yemakumi maviri neimwe. Inoti, Ndava kukutumaivo. Kuita basa randakatumwa naBaba vangu. Saka isu tinofanira kuita zvaiita Ishe Jesu. Izvozvo zvekukoshesa basa redu. Iro basa riya ratakapiwa naMwari.
Jesu vakataura zvekare muna Mariko yegumi netanhatu ndima yegumi neshanu. Vakati, Endai munyika dzose. Muparidze ruponeso. Ruparidzei kuzvisikwa zvose. Iri ndiro basa racho ratakapiwa. Matiyo yemakumi maviri nena ndima yegumi nena inoti, Shoko iri reruponeso. Iro rinotaura nezvehushe hwaMwari. Richaparidzwa munyika dzose. Richaparidzwa seuchapupu kumarudzi ose. Ndipo pachazoguma nyika ino. Gore rino tine basa. Iri ibasa rekupedzisa kuparidza shoko reRuponeso munyika dzose. Wakazvipira zvakadini kubasa iri?
Unofanira kushingaira kuparidza shoko reRuponeso. Izvozvo ndizvo zvaunotarisirwa naMwari kuita. Ivo vane basa ravakakuraira kuita. Basa iri ndiro ravanoda kuti uite. Saka haufaniri kunge uri kushingaira kuita zvimwe zvinhu zvose zvose. Ishe Jesu vaishingaira kuita basa raMwari. Tinovona izvi mumashoko atavhura nawo. Ivo vaigara vachitaura semunhu anokoshesa basa raMwari. Izvi ndizvo zvatinofanira kuitavo isu.
Ivo vakataura muna Johane yesere ndima yemakumi maviri nepfumbamwe vachiti, Ndine wakandituma. Munhu uyu anogara aineni. Haana kundisiya ndiri ndoga. Nokuti ini ndinoita zvinomufadza. Ndizvo zvandinoita nguva dzose. Saka taura saTenzi. Ita zvaiita Tenzi. Uzvipire kubasa raMwari saTenzi. Tsvaka kuti Ruponeso rusvike kuvanhu. Izvozvo ndizvo zvaunofanira kukoshesa. Kuparidza Ruponeso ibasa. Basa iri rakaiswa mumavoko ako. Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Hapana chimwe chakakosha kudarika basa iri.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndiraramire basa renyu. Ndinoraramira kukufadzai chete. Ndichinzwisisa kuti ndakapiwa basa rekusvitsa Ruponeso kuvanhu. Basa iri ndiro randinoraramira. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa Avapostora (Mabasa) 20:18-25
1 VaKorinte 9:16-17
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church