English Ndau Shona 


Basa Rako Pakuvakwa KweSangano Ravo

Chitatu, 11 Chikumi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuti isu tiri nhengo dzemuviri wavo. Nhengo dzenyama yavo. Nedzemafupa avo (Vaefeso 5 ndima 30).

Isu tiri muviri waMuponesi. Tiri nhengo dzemuviri uyu. Tiri nhengo dzenyama yavo. Tiri nhengo dzemafupa avo. Takabatanidzwa navo. Uye takabatanidzwa pamwechete isu pachedu. Pauro anotsanangura kubatana kwatakaita uku. Tinoverenga mashoko ake muna 1 Vakorinde 12 ndima 26. Inoti, Saka kana imwe nhengo ikarwadziwa. Dzimwe nhengo dzose dzinorwadziwavo. Kana zvikanakira imwe nhengo. Dzimwe nhengo dzinofara pamwe nayo.

Mutsvene mumwe nemumwe ane basa rake. Iri ibasa raanoita mumuviri waMuponesi. Izvi ndizvo zvatinovona mundima iyi. Saka nhengo imwe chete ingakanganiswa. Muviri wose unobva wakanganiswavo. Saka hatisi nhengo dzakamira dzakaita rumwe rumwe. Takabatana pamwe chete. Tinodyidzana. Tiri nhengo dzemuviri mumwe chete. Iwo muviri waMuponesi. Sangano reVatsvene rine masimba arakapiwa.Vaefeso yekutanga ndima yemakumi maviri nembiri inotitaridza simba iri. Inoti, Vakabva vaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzaMuponesi. Vakavaisa pamusoro pezvinhu zvose. Ndokubva vatora simba rekutonga zvinhu izvi. Ndokuripa kusangano revasanangurwa vavo.

Sangano reVatsvene ndiwo muviri waMuponesi. Sangano iri ndiro rakamiririra Muponesi panyika pano. Ivo vari kuvaka Sangano ravo iri nhasi. Vaefeso yechina ndima yegumi neimwe kusvika yegumi nembiri inotitaridza kuti vari kurivaka sei. Inoti, Vakapa nhume dzavo kune vamwe. Vavoni kune vamwe. Vaparidzi kune vamwe. Vafudzi kune vamwe. Nevadzidzisi kune vamwe. Vakavapa kuti vashongedze vatsvene. Vaite mabasa ekushumira. Pamwe nekuvaka muviri waMuponesi.

Mundima iyi mune shoko rinoti, kuvaka. Ishe Jesu vakashandisavo shoko iri. Tinorivona muna Matiyo 16 ndima 18. Apa Ishe Jesu vakati, Ndichavaka sangano reVatsvene vangu . Saka ivo vanoshandisa vashumiri vavo kuvaka Sangano ravo. Vanoshandisavo Mutsvene mumwe nemumwe kuvaka Sangano ravo. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vaefeso yechina ndima yegumi netanhatu. Inoti, Anoita kuti muviri wose ubatane zvakanaka. Nhengo dzose dzichidyidzana zvakanaka. Nekusimbisana. Nhengo imwe neimwe ichisimbisa dzimwe. Ichidzisimbisa nepayakarongerwa napo. Zvichiita kuti muviri ukure. Uchisimbiswa murudo.

Saka pangaita munhu anotendeusirwa kuna Mwari. Munhu uyu anenge achitova imwe nhengo. Inhengo inenge yatowedzerwa kumuviri waMuponesi. Vashumiri ndivo vanenge vari vavaki vacho. Ndivo vanenge vachironga nhengo imwe neimwe panzvimbo yayo. Mutsvene mumwe nemumwe inhengo. Inhengo yemuviri uyu. Muviri wacho wakaita sechivakwa. Saka tiri kuvaka chivakwa chikuru. Chivakwa ichi chinogara chichiwedzera kukura. Chichiwedzera kunaka. Muponesi vachiwedzera kuvonekwa pachiri. Izvi zvinoitika patinenge tiri kutendeusira vanhu kuna Mwari. Kutendeusa vanhu rinotova basa. Harisi basa rakapiwa vanhu vashoma. Ibasa rakapiwa Mutsvene mumwe nemumwe. Mumwe nemumwe ane basa rake. Basa racho rinobatsira kuvakira Mwari chivakwa chinoshamisa.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinonzwisisa basa rangu. Ndinoita basa iri. Iro basa rekuvaka Sangano reVatsvene venyu. Ndakashongedzerwa basa iri. Ndakapiwa simba rekuriita. Saka ndinotendeusa vanhu. Sangano renyu rinopenya. Richipa vanhu tariro. Nyika inovona simba renyu pariri. Nyika yose inorirumbidza. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vakorinde 12 ndima 26 kusvika 27 NIV
Vaefeso 2 ndima 19 kusvika 22
Vakorose 1 ndima 18

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church