English
Ndau
Shona
Koshesa Zvine Basa Chete
Svondo, 6 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Jesu vaitaura kuvanhu. Vakati, Munhu angada kunditevera. Anofanira kutanga azviramba. Haafaniri kukoshesa zvake pachake. Agotora muchinjikwa wake. Anditevere (Ruka 9 ndima 23).
Iwe unofanira kushandisa mazano aMwari pakurarama kwako. Ndiko kuti ubudirire kuita mabasa avakakupa. Unofanira kukoshesa Mwari. Vakoshese kudarika zvimwe zvinhu zvose. Mazano avo ndiwo anofanira kukutungamirira pakurarama. Shoko raMwari ndiwo mazano aMwari. Saka koshesa Shoko ravo. Izvi ndizvo zvatinorairwa muna Vakorose yetatu ndima yegumi netanhatu. Inoti, Shoko raMuponesi ngarigare mamuri. Rigaremo rakawanda. Ngarive iro rinokupai mazano ose ekurarama nawo. .
Asi vakawanda vanokoshesa zvinhu zvisina basa. Havazivi zvinhu zvinofanira kuitwa chaizvo. Vanopedzera nguva yavo muzvinhu zvisiri zvepamweya. Mari yavo zhinji inoenda kuzvinhu zvisiri zvemweya. Izvi zvinotirangaridza nhoroondo yevamwe vasikana. Vasikana ava vakanga vari vaviri. Mumwe akanga ari Marita. Mumwe akanga ari Mariya. Jesu vakashanyira vasikana ava. Vakavashanyira kumba kwavo. Ivo vakavagamuchira nenzira dzakasiyana. Tinoverenga nhoroondo iyi muna Ruka yegumi ndima yemakumi matatu nesere kusvika yemakumi mana nembiri.
Marita akanga ari kungoshingaira. Achibikira Tenzi. Pfungwa dzake dzakanga dzisina kugadzikana. Asi Mariya akasarudza kugara pana Jesu. Achinzwa Jesu vachidzidzisa. Achiwadzana navo. Izvi ndizvo zvakafadza Tenzi.
Marita haana kufadzwa nezvaiitwa naMariya izvi. Asi Tenzi vakabva vataura kwaari. Tinoverenga mashoko avo muna Ruka yegumi ndima yemakumi mana neimwe kusvika yemakumi mana nembiri. Inoti, Nhai Marita! Uri kuzvinetsereiko? Uri kukoshesa zvakawanda wanda. Pane chakanyanya kukosha. Chinhu ichi ndechimwe chete. Ndicho chasarudzwa naMaria. Saka handingamudzivisi. Kureva kuti zvaikosheswa naMarita zvakanga zvisina basa.
Iwe unofanira kukoshesa Shoko raMwari. Rikoshese kudarika zvimwe zvinhu zvose. Zvisizvo pane zvakawanda zvausingazonzwisisi muhupenyu. Pfungwa dzako ngadzigare dziri paShoko raMwari. Shoko iri ngarigarevo riri mupfungwa dzako. Zvipe nguva yekutandadzana naMweya Mutsvene. Zvinhu izvi ndizvo zvakanyanya kukosha. Zvinozokubatsira kurarama hupenyu hweVamwari. Uchigara uchikunda. Uchibudirira pane zvose zvaunoita. Fuma yako ichiwedzera. Uchiraramavo hupenyu hunofadza Ishe.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu ndiro rinonditaridza mazano enyu. Ndiro rinonditaridza pane moyo wenyu. Ini ndinovavarira kutandadzana neShoko renyu. Ndiko kutandadzana nemi kwandinenge ndiri kutoita ikoko. Ndinoshandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Ndinotungamirirwa naMweya venyu. Ndinozvipira kuita mabasa enyu. Ndichiita zvinokufadzai chete. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 4 ndima 20 kusvika 22
Mapisarema 119 ndima 162 (NKJV)
Vafiripi 3 ndima 7 kusvika 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church