English Ndau Shona 


Mweya Wako Wakamira Sei?

Muvhuro, 30 Chikumi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Shoko raMuponesi ngarigare mamuri. Rigaremo rakawanda. (Vakorose 3 ndima 16).

Ishe Jesu vangamira pamberi pako. Iwe unozoita sei? Ungasazoita zvauri kufunga kuti uchaita. Izvozvo zvingakushamisa hazvo. Asi iyi imhaka yekuti apa Ishe Jesu vanenge vari kusangana nemweya wako. Saka zviri mumweya wako ndizvo zvaunozoita. Hauzoiti zviri mupfungwa dzako.

Saka mweya wako ndiwo unozodavira kwavari. Zviri mumweya wako ndizvo zvinozovonekwa. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Sauro. Iye uya akazopedzisira ava kunzi Pauro. Iye akasangana naIshe Jesu. Apa Tenzi vakataura vari kudenga. Iye akabva awira pasi. Akapofumadzwa nesimba raIshe. Simba iri rakanga rauya richipenya zvikuru. Asi iye akadavira achiti, Ndimi aniko Ishe? Izvi ndizvo zvatinoverenga muna Mabasa yepfumbamwe ndima yeshanu.

Ishe Jesu vakanga vataura kwaari neinzwi guru. Asi iye akangoti, Ndiwe ani? Izvi ndizvo zvaiva mumweya wake panguva iyi. Akanga asati ava nehunhu hwakanaka. Akanga achiri kutambudza Vatsvene. Ishe vakazomutsanangurira. Vakati, Ndini Jesu wauri kutambudza . Apa vakanga vari kutaura kumweya waSauro.

Ishe Jesu vakazomushanyira zvekare. Vakabva vamuzivisa kuti vakanga vari kumutuma kunyika dziri kure. Kuvanhu vakanga vasiri Vajudha. Vakamuzivisavo kuti vanhu veJerusarema vakanga vasiri kuzogamuchira huchapupu hwake. Asi Sauro akaitisana nharo naIshe Jesu. Achivati vanhu veJerusarema vakanga vachiziva nezvekutendeuka kwake. Saka vakanga vari kuzomugamuchira. Apa mweya waSauro wakanga uchiri kutungamirirwa nepfungwa dzake. Ndiko kusaka akadavira Ishe achidai.

Saka mweya wako wakamira sei? uri munhu akaita sei mukati mako? Zvauri izvi ndizvo zvinozovonekwa muzviito zvako. Hunhu hwemunhu huri mumweya wake. Hahusi mupfungwa dzake.

Ndiko kusaka uchifanira kugara uchiisa Shoko raMwari mumweya wako. Ndiko kusaka uchifanira kushandisa Shoko raMwari kurovedzera mweya wako. Shoko raMwari rinofanira kuzara mumweya mako. Izvi ndizvo zvatinorairwa muna Vakorose yetatu ndima yegumi netanhatu. Mweya wako unozorovedzerwa kana ukaita kudai. Mwari vanozogona kukutungamirira. Mweya wako uchizogonavo kukutungamirira. Muponesi vachizovonekwa pahupenyu hwako. Zvichizovonekwa kuti uri wenyika inotongwa naMwari. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita mumiririri waMuponesi. Mweya wangu unowirirana neShoko renyu. Ndinotaura semunhu anowirirana neShoko renyu. Ndinomiririra nyika yamunotonga. Ndichiparidza chokwadi chenyu ndakashinga. Ndichichiparidza nomazvo. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa 9 ndima 3 kusvika 6
Mabasa 22 ndima 17 kusvika 21

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church