English
Ndau
Shona
Shoko Ratakabatiswa Iri Rinoshanda
Chipiri, 1 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti shoko iri handirityiri. Ndinovimba naro. Nokuti isimba. Isimba rinoshandiswa naMwari. Ndiro ravanoshandisa kuponesa vanhu. Vanoponeswa vacho ndevaya vanenge varigamuchira. (Varoma 1 ndima 16).
Isu tine shoko ratinoparidza. Iri ishoko reRuponeso rwaJesu. Shoko iri rinoshanda. Rinoshandira vaya vanorigamuchira. Ndiko kusaka iwe uchifanira kushingaira kurizivisa vanhu.
Ndinorangarira ndichitaura nemumwe murume. Murume uyu akanga achirwara. Akanga aine chirwere chemoyo. Akanga achitofanira kupiwa moyo mutsva. Asi ini ndakamuparidzira shoko reRuponeso iri. Saka ndakamuti, Moyo wako uri kuzoshanduka ndichitaura newe kudai. Iwe unofanira kungogamuchira mashoko andiri kukutaurira chete.
Iye akateerera. Ini ndakabva ndataura kwaari. Ndichimuudza mashoko ehupenyu. Ndakaita zvinhambo gumi nezvishanu ndichitaura naye kudai. Ndakabva ndati, Watopora. Iye akabva azvibvuma. Akazondovonekwa navana chiremba. Akawanikwa ava nemoyo mutsva. Akanga asisarwari. Zvinhu zvakadai ndakazvivona zvichiitika kakawanda. Hazvina basa kuti dambudziko racho nderei. Shoko iri rinogona kugadzirisa dambudziko iri. Ishoko raMuponesi Jesu. Saka rinoshanda kose kose. Mwari ngavakudzwe saMwari.
Iwe ungava neshoko rinoshanda kudai. Unozoritaura wakashinga. Ndiko kusaka Ishe vachida kuti titaure Shoko iri takashinga. Hatigoni kunyarara. Vahebheru yegumi nenhatu ndima yesere inoti, Jesu Muponesi havashanduki. Vanoramba vakadero zuro. Nhasi. Nekusingaperi.
Varoma yekutanga ndima yegumi netanhatu kusvika yegumi nenomwe inoti, Nokuti shoko iri handirityiri. Ndinovimba naro. Nokuti isimba. Isimba rinoshandiswa naMwari. Ndiro ravanoshandisa kuponesa vanhu. Vanoponeswa vacho ndevaya vanenge varigamuchira. Kutanga Mujudha. Nekuvanhu vasiri Vajudha. MuShoko reruponeso rwaMuponesi iri. Ndimo matinovona kururama kwaMwari. Kuchinyanya kujeka patinowedzera kuvimba naMwari. Shoko iri rinoshanda munyika dzose. Rinoshanda muguta ripi zvaro. Rinoshandira wose anenge arigamuchira. Shoko iri rinogadzirisa hupenyu hwevanhu. Rinoporesa varwere. Rinoita kuti vanhu vave vatano. Rinofumisa varombo. Rinoponesa vakarasika.
Saka hazvigoni kuti tisariparidza. Ishoko rinokundisa vanhu zvinhu zvenyika ino. Saka iwe unofanira kuparidza shoko iri. Riparidze wakashinga. Rinoshanda. Rinoshanda nguva dzose. Rinoshanda kose kwaungaenda. Uye rinoshandira wose anenge arigamuchira. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko reRuponeso rwaJesu rinoshanda. Harina parisingashandi. Rinoshanda nguva dzose. Uye rinoshandira wose anenge arigamuchira. Ini ndinoparidza shoko iri. Ndinoriparidza ndakashinga. Ndichiziva kuti rinoshanda. Saka ndinoporesa varwere. Ndinoponesa vakarasika. Ndichigadzirisa hupenyu hwevose vanorigamuchira. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa 26:16-18
Mariko 16 ndima 15 kusvika 18
Mabasa 1 ndima 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church