English
Ndau
Shona
Kunzwisisa Mwari Zvakafanana
Muvhuro, 7 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Kusvikira tose tabatana pamwe chete. Ruvimbo rwedu rwamira pachinhu chimwe chete. Tava kuziva Mwanakomana waMwari. Takwana. Muponesi vava kuvonekwa patiri zvakakwana (Vaefeso 4 ndima 13).
Vatsvene vachabvutwa. Asi vachatanga vanzwisisa Mwari vose zvakafanana. Kune vamwe vachange vachangoponeswa havo. Ivavo vachange vari vacheche havo. Vachifanira kumbowedzera kudzidza Shoko raMwari. Asi vazhinji vavo vanenge vakura. Vava kunzwisisa Mwari. Vachivanzwisisa zvakafanana. Saka vanhu vaMwari vari kukura. Vari kuwedzera kunzwisisa Mwari. Vachivanzwisisa zvakafanana.
Vacharamba vachiwedzera kunzwisia Mwari kudai. Vachizopedzisira mweya yavo yamira pachinhu chimwe. Vamira paShoko raMwari. Mweya Mutsvene vachishumira mumweya yavo.
Ndima yatavhura nayo ine zvainotitaurira. Zvinhu izvi hazvisi kuzoitika tava kudenga. Zviri kuzoitika tichiri panyika pano. Ndima iyi inoti, Kusvikira tose tabatana pamwe chete . Kureva kuti tose tichange tabatana. Vatsvene vose vachange vabatana. Vachangoponeswa vachange vari kutarisirwavo kungotevera vaya vayaruka. Vachingozofananavo nevaya vava kunzwisisa Mwari.
Ndiko kusaka Pauro akataura achiti, Tevedzerai zvandinoita. Seni ndichitevedzeravo Muponesi. Tinoverenga mashoko ake aya muna 1 Vakorinde yegumi neimwe ndima yekutanga. Pauro akanga ari kutevedzera Muponesi. Saka aidavo kuti Vatsvene ava vamutevedzere. Izvi zvinoda kufanana nezvatinovona mazuva ano. Munhu angava ari kugara mune rimwe guta. Guta racho ringava rakabudirira chaizvo. Riine zvinhu zvemazuva ano. Munhu uyu angava asina kudzidza hake. Asi anozonge akachangamuka. Achitonzwisisa hupenyu hwemuguta racho. Achitoitavo sekuti akadzidza zvikuru. Izvi ndizvo zvatirivo isu. Tine guta ratava kugara mariri. Guta racho nderaMwari. Riri mumweya. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vahebheru yegumi nembiri ndima yemakumi maviri nembiri. Inoti, Asi gomo ramakauya kwariri rinonzi Ziyoni. Rinova guta raMwari vapenyu. Iro Jerusarema rekudenga. Kwamunodyidzana nengirozi dzisingaverengeki.
Saka tose tiri kukura. Tiri kudzidza Shoko raMwari. Tiri kutevera Ishe. Tichibatsiravo vamwe kuti vakure. Saka tose tichazongopedzisira tava kunzwisisa Mwari. Tichazongopedzisira tayaruka. Tabatana pamwe chete. Saka iwe batsira vamwe kukuravo.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mweya Mutsvene vari kushanda muVatsvene venyu. Shoko renyu richivabatanidza. Richiita kuti tose tiyaruke muna Muponesi. Vanhu vari kuponeswa. Vachiuya muimba yaMwari. Vachagona kudzidza hupenyu hweVamwari pandiri. Ndinotevedzera Muponesi. Saka vamwe vanonditeveravo. Vachiwana chavanodzidza mumashoko angu. Nemuzvinhu zvandinoita. Nemukuzvipira kwangu kwamuri. Ndinokutendai. Nyasha dzenyu dziri kuita kuti ndigone kushandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaEfeso 4:11-16
1 Petro 2:2
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church