English
Ndau
Shona
Vanhu Ngavazive Kuti Muponesi Jesu Vapenyu
Chitatu, 9 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Jesu Muponesi havashanduki. Vanoramba vakadero zuro. Nhasi. Nekusingaperi (Vahebheru 13 ndima 8).
Ndakatanga kuita mavhuserere makore akawanda apfuura. Shungu dzangu dzaiva dzekuti vanhu vazive kuti Muponesi Jesu vachiri vapenyu. Saka ndaishambadza ndichiti, Tiri kuuya kuzokutaridzai kuti Muponesi Jesu vapenyu. Ini ndaiziva kuti Muponesi Jesu havasati vashanduka. Ivo vane zvinhu zvavaiita munguva dzeBhaibheri. Vachiri kuita zvinhu izvi nhasi.
Izvi ndizvo zvatichiri kuita nazvino. Tiri kutaridza vanhu kuti Muponesi Jesu vachiri vapenyu. Izvi zvinovonekwa mumagwaro atinonyora. Zvinovonekwa mumharidzo dzedu. Tinoda kuti vanhu vazive kuti Jesu havashanduki. Uye kuti vane simba. Pamazuva iwayo tine misangano yataiita. Taiita misangano iyi kamwe chete pagore. Chinangwa chemumwe wacho chaiva chekutaridza kuti Ishe Jesu havasi munhu wengano.
Hongu. Ishe Jesu havasi vengano. Ivo vanotova nesimba. Ndivo Mwari. Vanotonga. Vane nyasha. Vachiri vapenyu nhasi. Vari kuropafadza vanhu. Vachigadzirisa hupenyu hwevanhu. Vachiita zvavaiita munguva dzeBhaibheri. Vamwari havasi vekungoverenga muBhaibheri chete. Varipo kuzivisa vanhu kuti Muponesi Jesu vapenyu pachokwadi. Uye kuti Jesu ava havasi vengano chete.
Tinofanira kusvitsa Shoko iri kunyika dziri kure. Aya ndiwo anofanira kuva mafungiro ako. Zvikuru sei munguva yatava ino. Sangano reVatsvene rava kufanira kugara richikura. Rinofanira kugara richisvitsa Ruponeso kuvanhu vatsva. Richiparidza kuti Muponesi Jesu vapenyu. Vari kushanda nhasi. Uye kuti ndivo Ishe. Vanotonga munyika yanhasi. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Chinangwa chenyu hachishanduki. Ndava kunzwisisa kuti Muponesi Jesu vapenyu nhasi. Ndava kusvitsa Ruponesi kunyika dziri kure. Ndichizivisa vanhu kuti Muponesi vapenyu. Sangano reVatsvene riri kufambira mberi. Riri kukura. Richiudza vanhu shoko rerudo rwenyu. Iro shoko resimba renyu. Nerenyasha dzenyu. Riri kupinda mumikoto yose yenyika dzose. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Matiyo 28 ndima 19
Mariko 16 ndima 15
Mabasa 1 ndima 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church