English
Ndau
Shona
Wava Mumwari
Chishanu, 11 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Asi mweya wemunhu akazvarwa patsva une rudo. Mufaro. Rugare. Moyo murefu. Hunyoro. Nerunako. Unogona kuvimba naMwari. Une mutsa. Unozvidzora. Zvino, hapana mutemo unorambidza zvinhu izvi (Vagaratiya 5 ndima 22 kusvika 23).
Ishe Jesu vane mashoko avakambotaura. Tinoaverenga muna Ruka yetanhatu ndima yemakumi mana nena. Vakati, Nokuti miti inozikanwa nezvibereko. Mawonde haawanikwi paminzwa. Mazambiringa haawanikwi parukato. Saka ungavona muti unobereka matamba. Unobva watoziva kuti muti uyu unonzi mutamba. Ungavonavo muti unobereka matohwe. Unobva watoziva kuti muti uyu unonzi mutohwe. Kureva kuti muti unozikanwa nemichero yawo.
Chiregai titarise pandima yatavhura nayo. Inotaura pamusoro pemichero yemweya wemunhu. Iwo mweya uya wakazvarwa kechipiri. Chibereko chawo chekutanga chinonzi rudo. Kureva kuti iwe uri muti werudo. Mweya wako unofarira vanhu. Chimwe chibereko chawo chinonzi mufaro. Kureva kuti iwe unonzi Mufaro.
Chimwe chibereko chawo chinonzi rugare. Kureva kuti iwe unonzi Rugare. Moyo murefu ndechimwe chezvibereko zvawo. Kureva kuti iwe unonzi Moyo Murefu. Saka usataura uchiti, Ini handina moyo murefu. Handinyengereri. Kwete. Wava nemoyo murefu. Hunyoro ndechimwe chezvibereko zvawo. Saka iwe wava kunzi Munyoro.
Runako ndechimwe chezvibereko zvawo. Saka iwe wava kunzi Runako. Kuvimba naMwari ndechimwe chezvibereko izvi. Pamwe nemutsa. Nekugona kuzvidzora. Mweya wako wava kubereka zvibereko zvose izvi. Saka ndizvo zvinhu zvava kuvonekwa pauri. Ndihwo hwava hunhu hwako. Mwari ngavarumbidzwe. Vaefeso yekutanga ndima yegumi nenomwe inotsananguravo zvawava. Inozvitsanangura nenzira inofadza chose. Ndima iyi inotaura hayo pamusoro paBaba vako vekudenga. Asi iri kutotsananguravo zvauri iwe. Inovati, Baba veVamwari vose. Kureva kuti iwe uri Mumwari. Mwari vava kuvonekwa pauri. Mwari ngavakudzwe!
Pupura Uchiti
Ini ndinobereka zvibereko zvekururama. Ndinorarama hupenyu hweVamwari. Rudo ndirwo runovonekwa pandiri. Ndinofarira vanhu. Ndinogara ndakafara. Ndiine rugare. Zvibereko zvemweya wakasikwa patsva ndizvo zvinovonekwa pandiri. Humwari ndihwo hunovonekwa pahupenyu hwangu. Ndava muna Muponesi. Ndinonzwisisa rudzi rwangu. Runako rwaMwari runovonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaFiripi 1:9-11
Mateo 7:16-20
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church