English
Ndau
Shona
Zvose Zviri Mukati Mako
Svondo, 13 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Kuziva ivo vakatitora kuti tive vanhu verudzi rwavo. Vakakwana. Kwakaita kuti simba ravo reVamwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari (2 Pita 1 ndima 3)
Ishe vanoshamisa. Funga pamusoro pezvose zvavakatiita. Nezvose zvavakatipa. Izvo zviya zviri muna Muponesi Jesu. Ivo vakatipa zvinhu zvose. Zvingava zvinodiwa panyika pano. Zvingava zvinodiwa mumweya. Izvi ndizvo zvataziviswa nendima yatavhura nayo. Saka iwe ungada kukurira zvose zvaungasangana nazvo. Ungada kugara uri mutano. Ungada kugara wakafuma. Uine rugare. Wakatopiwa zvose zvinodikanwa kuti uwane zvinhu zvose izvi. Zvinhu zvose izvi zviri mukati mako.
Saka mari yako haisi iyo inokupa hupenyu hwakanaka. Mari chinhu chinotobvawo mukati mako. Zvauchava nazvo zvose zvinotova mukati mako. Dzingava motokari. Dzingava nhumbi. Dzingava dzimba. Vaefeso yetatu ndima yemakumi maviri inoti, Zvino iye oga anogona kutiitira zvinhu zvikuru. Zvinodarika zvatingakumbira. Kana kufunga. Achishandisa simba rake riya. Rinoshanda matiri.
Muparidzi yetatu ndima yegumi neimwe inoti, Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu. Saka pangaita chinhu chaunoda. Chinhu ichi chinotova mumoyo mako. Chakatomirira kuti uchibudise. Saka unofanira kutaura semunhu anovimba naMwari. Uchiita zvinhu zvako semunhu anovimba naMwari. Ndiko kuti chinhu chacho chibude mauri. Saka hupenyu hwako huri mumoyo mako.
Izvi zvinotibatsira kunzwisisa mashoko aTenzi. Tinoverenga mashoko acho muna Ruka yetanhatu ndima yemakumi mana neshanu. Inoti, Fuma yemunhu iri mumoyo. Zvino, munhu angava akanaka. Fuma yake iyi inenge yakanakavo. Saka maari munobudavo zvakanaka. Asi mumwe angava akaipa. Fuma yake iyi inenge yakaipavo. Saka maari munobuda zvakaipa. Zvinhu izvi zvinobuda nepamuromo wake. Zvinopfachuka zvichibuda mumoyo make. Apa vari kutitaridza kunobva zvakanaka. Vari kutitaridzavo kunobva zvakaipa. Zviviri izvi zvinobva mumoyo mako. Anotitaridzavo kuti zvinhu izvi zvinobuda mumoyo sei. Zvinobuda ari mashoko aunotaura.
Mwari vakaisa zvaungada zvose mukati mako. Zvinhu izvi zvakauya zviri muna Muponesi Jesu. Iwe wakaita semhodzi. Une zvose zvinodiwa kuti umere. Une zvose zvinodiwa kuti ubereke michero. Uchizoita sango. Asi unofanira kuwedzera kunzwisisa Shoko raMwari. Uchitauravo semunhu anowirirana neShoko iri. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Vakorinde yepiri ndima yegumi nenhatu. Inoti, Zvinhu izvi ndizvo zvatinotaura . Saka iwe unofanira kutaura. Ndiko kuti zviri mauri zvibude. Izvo zviya zvakaiswa mauri naMwari.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Maita kuti mweya wangu unzwisise Shoko renyu. Zvose zvandinoda zvinotova mukati mangu. Zvinhu izvi zvingava zvenyika ino. Zvingava zvemumweya. Saka ndinorarama semunhu anonzwisisa izvi. ndichiwedzera fuma yangu. Ndichikurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndichigara ndiri mutano. Kururama kwenyu kuchivonekwa pandiri. Runako rwenyu ruchivonekwa pandiri. Mwari vachivonekwa pane zvose zvandinoita. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mateo 12:35
2 Petro 1:3 NIV
1 VaKorinte 2:12-13
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church