English
Ndau
Shona
Jesu Vakararama Hupenyu HweVamwari
Chipiri, 15 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Jesu vane zvimwe zvavakaita. Zvinhu izvi zvakawanda. Hazvaigona kuti zvinyorwe zvose. Nokuti zvaizozadza magwaro akawanda. Magwaro aya haaizokwana panyika pano (Johane 21 ndima 25).
Hupenyu hwaJesu yaingova minana yoga yoga. Hwakanga huri hupenyu hweVamwari. Simba raMwari raivonekwa pavari. Mutsa waMwari waivonekwa pavari. Bhaibheri rinotitaridza zvakanga zvakaita hupenyu uhu.
Johane yemakumi maviri ndima yemakumi matatu kusvika makumi matatu neimwe inoti, Jesu vane imwe minana yavakaita. Vakaiita vadzidzi vavo vachivona. Minana iyi yakawanda. Asi haina kunyorwa murugwaro runo. Tangonyora izvi chete. Kuti mugamuchire Jesu. Mubvume kuti ndivo Muponesi. Mwanakomana waMwari. Mugova nehupenyu. Ihwo hupenyu huya huri muzita ravo. Bhaibheri rinongotipa imwe yeminana iyi. Yarinotipa yacho mishoma. Ndeye kungoti tigone kuvimba naJesu. Tibvume kuti ivo ndivo Muponesi. Tibvume kuti ivo ndivo vakapiwa zita raMwari. Vanozvigamuchira vacho vachizoraramiswa.
Johane anowedzera kutsanangura izvi. Tinoverenga mashoko ake muna Johane yemakumi maviri neimwe ndima yemakumi maviri neshanu. Inoti, Jesu vane zvimwe zvavakaita. Zvinhu izvi zvakawanda. Hazvaigona kuti zvinyorwe zvose. Nokuti zvaizozadza magwaro akawanda. Magwaro aya haaizokwana panyika pano. Kureva kuti Jesu vakaita minana isingaperi. Ichi ndicho chokwadi. Shoko raMwari harirevi nhema.
Jesu vakaita minana yakawanda chose. Hapana munhu aigona kuinyora pasi yose. Ivo vakaporesa vanhu vakawanda. Vakadzidzisa zvakawanda. Vakataridza simba raMwari nenzira dzakawanda. Hapana munhu akamboita zvakaitwa naJesu. Kureva kuti Jesu ava vanotova Mwari pachavo. Rudo rwaMwari rwakavonekwa pavari. Simba raMwari rakavonekwa pavari.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Manditaridza hupenyu hwaJesu. Hupenyu hwacho hwakanga huri hweVamwari. Hwakataridza pachena kuti ivo ndiMwari pachokwadi. Ini ndinobvuma kuti Jesu ndiMwari. Ndinopemberera mabasa avo. Iwayo anoramba achiita kuti vanhu vagone kuvimba naMwari. Achishandura hupenyu hwevanhu nhasi. Nokuti ivo Jesu havashanduki. Zvavaiva zuro ndizvo zvavari nhasi. Uye zvavari nhasi ndizvo zvavacharamba vari nekusingaperi. Ini ndinorarama hupenyu hweVamwari uhu. Simba raMwari richivonekwa pandiri nhasi. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa 10 ndima 38
Matiyo 4 ndima 23 kusvika 25
Johane 20:30-31 AMPC
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church