English Ndau Shona 

Rufu RwaJesu Rwaishamisa

Chitatu, 16 Chikunguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Pakanga paine mumwe murume. Akanga ari mukuru wezana. Ndiye akanga akarinda nzvimbo iyi. Akatarisa Jesu. Akavona mafiro avo. Akati, Ichokwadi. Munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari (Mariko 15 ndima 39).

Rufu rwaJesu rwaishamisa. Minana mizhinji yakaitika pavakanga vari kufa kudai. Izvozvo zvakataridza kuti Jesu ndiMwari pachavo. Jesu vane mhosva dzavakanga vapomerwa. Mhosva dzacho dzakanga dziri dzenhema. Asi vakasungwa. Vakaroverwa paMuchinjikwa. Vapiri vakuru vakavaseka vari paMuchinjikwa apa. Vanyori vakavasekavo. Pamwe chete nevakuru veVajudha. Izvi ndizo zvatinovona muna Matiyo yemakumi maviri nenomwe ndima yemakumi mana nembiri kusvika makumi mana nenhatu. Pane makororo akaroverwa pamwe chete naJesu. Makororo acho akanga ari maviri. Makororo aya akatosekavo Jesu. Izvi ndizvo zvatinovona muna Matiyo yemakumi maviri nenomwe ndima yemakumi mana nena. NaMariko yegumi neshanu ndima yemakumi matatu nembiri.

Rima rakabva rauya panyika. Rakaita nhambo nhatu riripo. Rakatanga ari masikati. Rikazopera zuva rarereka. Rima rakadai rakanga risati rakambovonekwa. Zvaiva pachena kuti rakanga raunzwa naMwari. Jesu vakazodanidzira. Mashoko avo tinoaverenga muna Matiyo yemakumi maviri nenomwe ndima yemakumi mana netanhatu. Inoti, Kunyangwe makororo aya. Akanga aroverwavo pamuchinjikwa. Akazvidzavo Jesu.

Apa ndipo pakanga paiswa zvivi zvenyika yose pana Jesu. Zvino Mwari vatsvene. Havatarisi chivi. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Habhakuki yekutanga ndima yegumi nenhatu. Saka Mwari vakabva vafuratira Jesu. Jesu vaisadavo kusiiwa naMwari. Saka vakabva vachema. Ndiko kusaka vakanga vambonamata. Vakanamata kudai vari mumunda weGetsemani. Tinoverenga mashoko avo muna Matiyo yemakumi maviri nematanhatu ndima yemakumi matatu nenomwe. Inoti, Baba vangu. Mukombe uyu ngaundidarike. .

Jesu vakanga vasiri kutya rufu. Vaisangoda kubviswa pana Baba avo chete. Vakabviswa kudai nokuti ndivo vakanga vava chipiriso chechivi. 2 Vakorinde yeshanu ndima yemakumi maviri neimwe inoti, Muponesi ava vakanga vasina chivi. Vachitozviziva kuti vakanga vasina chivi. Asi Mwari vakavaita chipiriso chechivi. Kuti isu tive kururama kwavo kuya. Kuri muna Muponesi. Jesu vakabva vadanidzira. Tinoverenga mashoko avo muna Ruka yemakumi maviri nenhatu ndima yemakumi mana netanhatu. Inoti, Baba! Ndinoisa mweya wangu mumavoko enyu!.

Jesu havana kuita zvekuuraiwa nevanhu. Vakasarudza kufa voga. Vakabva vaisa mweya wavo mumavoko aMwari Baba. Izvi ndizvo zvavakanga vataura. Tinoverenga mashoko avo muna Johane yegumi ndima yegumi nenomwe kusvika gumi nesere. Inoti, Ndiko kusaka Baba vachindifarira. Nokuti handiregi makwai achiurawa. Ndinoafira. Ndiko kuti ndigomuka zvekare. Hapana anganditorera hupenyu hwangu. Ndinohurasa ndomene. Ndine simba rekuhurasa. Ndine simba rekuhudzosa zvekare. Baba vangu ndivo vakandiraira kuita izvi.

Jesu vakazobuda mumuviri wavo. Mucheka ukabva wabvaruka. Mucheka uyu ndiwo uya wainge uri muimba yaMwari. Wakabvaruka uchibva nekumusoro. Izvi zvaitaridza kuvhurwa kwemusuwo unopinda kuna Mwari. Pane mukuru wezana akanga aripo musi uyu. Achivona Jesu vachifa kudai. Naiye akatauravo achiti, Ichokwadi. Munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari. Tinoverenga mashoko ake aya muna Mariko yegumi neshanu ndima yemakumi matatu nepfumbamwe.

Saka rufu rwaJesu runotaridza kuti Jesu ndiMwari pachavo. Ivo havana kufa sevanhu vose vose. Ivo vakafa sechipiriso chezvivi. Ndicho chipiriso chakaunzira vanhu vose ruponeso.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Jesu vakatifira. Ropa ravo ndiro rakasuka zvivi zvevanhu. Ndinofara nezvatakaitirwa naMuponesi. Ini ndini ndaifanira kuurawa. Asi vakasarudza kufa ivo. Vachitsvaka kuti ndisafa ini. Asi vakazokurira Satani. Vakabva vamuka kuvakafa. Ini ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo nhasi. Ndichibatsirwa nerudo rwavo. Irwo rudo ruya rwakaita kuti vandifire. Ameni.


Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 10 ndima 17 kusvika 18
Ruka 23:46-49
Mateo 27:50-54

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church