English Ndau Shona 

Ndivo Mwari Vechokwadi. NeHupenyu Husingaperi

China, 17 Chikunguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Tinoziva kuti Mwanakomana waMwari vakatouya. Uye vakaita kuti tigone kunzwisisa. Tigoziva uya wechokwadi. Saka tava mune uya wechokwadi. Iye Mwanakomana wavo. Jesu Muponesi. Vanova Mwari vechokwadi. Varivozve hupenyu husingaperi (1 Johane 5 ndima 20).

Ishe Jesu ndivo Mwari vechokwadi. Ndivozve hupenyu husingaperi. Izvozvo ndizvo zvaitarisirwa pana Muponesi. Vavoni vekare vakataura nezvaMuponesi ava. Zvino Jesu vakazouya. Ndivo vakanga vari Muponesi wacho. Ivo vakabva vazivisa vanhu izvi. Kureva kuti vaiva Mwari pachavo. Ivo Mwari vaya vakanga vauya vari munhu wenyama. Asi vakawanda havana kuvagamuchira. Vakatovapomera mhosva. Mhosva yacho yakanga iri yekuzvienzanisa naMwari.

Asi Jesu vakanga vasiri kureva nhema. Ivo ndivo Mwari vakuru. Ndivo Muponesi. Ndivo vakasarudza kutifira isu. Izvi ndizvo zvatinovona muna Taitasi yechipiri ndima yegumi nenhatu kusvika gumi nena. Inoti, Tichitarisira chiropafadzo chiya. Chekudzoka kwaMwari wedu vakuru. Ivo Muponesi wedu. Jesu Muponesi. Ivo vakafa pataifanira kufa isu. Vachitsvaka kutidzikinura kubva pazvivi zvose. Nekutisuka. Tive vanhu vavo. Vakasiyana nevenyika ino. Vanoshingaira kuita mabasa akanaka. Kune vane nzira dzekunamata dzavakatanga. Hapana mumwe wavo anogona kutsanangurwa nenzira yakadai. Ishe vedu Muponesi Jesu chete ndivo vanotsanangurwa nenzira yakadai.

Vakatanga nzira dzekunamata ava vakafa. Hapana wavo akamuka. Muponesi Jesu chete ndivo vakamuka. Vakatokwira kudenga. Zita ravo chete ndiro rine simba. Simba racho rinodzinga mweya yakaipa. Rinoporesa varwere. Rinochenesa vane maperembudzi. Rinomutsa vakafa.

Muponesi Jesu ava ndivo voga vanosuka zvivi. Mabasa yegumi nenhatu ndima yemakumi matatu nesere kusvika makumi matatu nepfumbamwe inoti, Saka varume. Hama dzangu. Zivai chinhu ichi. Kuti munhu uyu ndiye akaunza kanganwiro yezvivi. Kana munhu akagamuchira munhu uyu. Anobva aruramiswa pazvose. Murairo waMosesi waisagona kururamisa vanhu zvakadai. 1 Johane yeshanu ndima yegumi neimwe kusvika yegumi nembiri inoti, Uhu ndihwo huchapupu hwaMwari. Mwari vakatipa hupenyu husingaperi. Vachitsvaka kuti tive veropa ravo. Zvino hupenyu uhu huri muMwanakomana wavo. Munhu angava naMwanakomana. Munhu uyu ane hupenyu uhu. Ndeweropa ravo. Asi mumwe angasava naMwanakomana waMwari. Munhu uyu haana hupenyu uhu. Haasi weropa ravo.

Jesu ndivo voga vakafira vanhu vose. Ivo vakanga vari Mwari. Asi vakasarudza kufa ivo. Vachitsvaka kuti isu tishandurwe rudzi. Tive vanhu veropa raMwari. Zvino iwe wakavagamuchira. Wakashanduka rudzi. Hauchsiri weropa revanhu venyika ino. Wava weropa reVamwari. Wakazvarwa naMwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane yekutanga ndima yegumi nembiri kusvika yegumi nenhatu. Inoti, Asi kune vamwe vakarigamuchira. Vakagamuchira zita rake. Vanhu ava vakabva vapiwa simba. Nemvumo. Yekuti vave vanakomana vaMwari. Vanhu ava vakabva vazvarwa kechipiri. Kwete neropa. Kana nekuda kwenyama. Kana nekuronga kwemurume. Asi vakazvarwa naMwari pachavo. Ivo ndivo hupenyu husingaperi. Ndiko kusaka vakatipavo isu hupenyu husingaperi. Jesu ndivo Mwari vechokwadi. Ndivo zvekare hupenyu husingaperi. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Manditaridza kuti Muponesi Jesu ndiMwari pachavo. Uye kuti zita ravo ndiro rine masimba ose. Ndinoshandisa masimba avo pakurarama kwangu. Saka ndinotonga masimba erima. Simba raMuponesi rinovonekwa pane zvose zvandinoita. Ndine simba rekuvimba naMwari. Simba iri riri kushanda. Ndava kuzikanwa nezita ravo. Saka ndinobudirira pane zvose zvandinoita. Ndarurama. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 14 ndima 6
1 Johane 5:20 AMPC
Johane 17:3

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church