English Ndau Shona 

Zvidhakise NaMweya Mutsvene Zuva Rimwe NeRimwe

Chishanu, 25 Chikunguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Vana vadoko. Imi makazvarwa naMwari. Saka makakurira mweya yose iyi. Nokuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino (1 Johane 4 ndima 4).

Unofanira kugara uchinamata mumweya. Uchizvidhakisa naMweya Mutsvene. Iyi ndiyo imwe yenzira yekuti ugare muviri wako uri mutano. Varoma yesere ndima yegumi neimwe inoti, Uye kana Mweya waiyeyu akamutsa Jesu kubva kuvakafa. Achigara mukati menyu. Iye wakamutsa Jesu kuvakafa. Achashandisa Mweya Mutsvene ava. Vari mamuri. Kuraramisa miviri yenyu iyi. Yanga ichifanira kufa. Kureva kuti Mweya Mutsvene vanomutsa muviri wako wenyama. Vanougwinyisa. Vanouvandudza.

Ungava uri kunamata nendimi. Mweya Mutsvene vanenge vari kutoita kuti Shoko raMwari rishande mumweya wako ipapo. Iwe unozozviona wava kufamba famba. Uchitaura uchiti, Ini ndiri werudzi rwaMwari. Ndakazvarwa naMwari. Mukuru wacho anogara mandiri. Anowanikwa munhengo dzose dzemuviri wangu. Anowanikwa mumafupa angu ose. Nemutsinga dzangu dzose. Azere mumusoro wangu. Nemumavoko angu. Nemutsoka dzangu. Ari mumoyo mangu. Nemuropa rangu. Nemumapapu angu. Nemuitsvo dzangu. Nemumaziso angu. Mwari vazere mandiri. Hareruya!

Ita izvi nhasi. Uzviitevo mazuva ose. Taura nendimi. Utaure kudai pfungwa dzako dziri pasimba raMwari. Simba iri rinenge riri kufamba famba nemuviri wako wose. Wobva wachizotaura uchiti, Muviri wangu unogwinyiswa nesimba reVamwari. Ini ndinogwinyiswa nesimba raMweya Mutsvene. Ndakashanduka rudzi. Ndava munhu weropa reVamwari. Saka zvirwere hazvichagoni kugara mandiri. Ndinganzwa hangu kurwadziwa mumuviri wangu. Zvichiita sendabata chirwere. Asi handivhunduswi naizvozvo. Zvinotaura Mwari ndizvo zvandinovimba nazvo. Saka ndinokurira nyika ino. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Hareruya!

Ita kuti Mweya Mutsvene vashande mauri nenzira iyi. Uchitaura nendimi. Uchitaura Shoko raMwari. Uchiita izvi kusvikira muviri wako wava kugwinha. Uchigwinhiswa kudai nesimba raMwari. Uchinzwa simba raMwari rakakuputira. Unenge uri kutogadzirisa zvinhu mumweya. Zvinhu zvingazoitika hazvo. Vamwe vangazobatwa havo nezvirwere. Asi iwe hauzovhunduki. Unenge wasimbiswa naMweya Mutsvene. Unenge wagwinyiswa naMweya Mutsvene. Simba raMwari rinenge rakuzara. Unenge wava kutonga masimba erima. Zvinhu zvinenge zvava kufamba negwara raunoronga iwe.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mweya Mutsvene vanomutsa muviri wangu wenyama. Vanozadza muviri wangu nesimba raMwari. Saka ndasimbiswa. Ndagwinyiswa. Ndazara simba. Ndava kugara ndiri mutano. Ndichitonga zvinhu zvenyika ino. Ndichikurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndizere simba. Mwari vanovonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa 1 ndima 8
Vaefeso 5 ndima 18
Varoma 8 ndima 10 kusvika 11

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church