English Ndau Shona 


Kutsanya Kwakakosha

Mugovera, 26 Chikunguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ipapo ndakatarisa kuna Tenzi Mwari ndichimutsvaka nomunamato neminyengetero nokutsanya (Dhaniyeri 9 ndima 3).

Bhaibheri rine vanhu varinotaura nezvavo. Ava vanhu vakasitsanya. Vachinamata husiku nemasikati. Iyi ndiyo yakanga iri nzira yavaishumira Mwari nayo. Isu tinofanira kutevedzera kunamata kwevanhu vakadai. Tinofaniravo kuita zvavakaita izvi. Tinovona mumwe wavo muna Ruka yepiri ndima yemakumi matatu netanhatu kusvika makumi matatu nenomwe. Uyu akanga ari Ana. Akanga ari muvoni. Akanga ava kutogara ari muimba yaMwari. Ndima yacho inoti, Kwaivavo nemumwe mukadzi. Akanga achinzi Ana. Aiva muvoni. Akanga ari mwanasikana waFanuweri. Aiva werudzi rwaAsha. Mukadzi uyu akanga achembera. Akanga akamboroorwa. Akaroorwa ichiri mhandara. Ndokungogara nemurume kwemakore manomwe chete. Zvino yakanga yava shirikadzi. Yakanga yaita makore makumi masere nemana isina murume. Yaigara ichingova muimba yaMwari. Ichishumira Mwari. Ichitsanya. Ichinyengetera husiku nemasikati.

Tinoverengavo pamusoro paPauro. Apa akanga aina Bhanabhasi. Pamwe chete nevamwe vatungamiriri. Nhoroondo yavo tinoiwana muna Mabasa yegumi nenhatu. Vanhu ava vakazvipira kutsanya. Vachinamata. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mabasa yegumi nenhatu ndima yekutanga kusvika yetatu. Inoti, Kwakanga kuine vamwe vavoni. Nevadzidzisi. Vakanga vari pasangano repaAndiyoki. Ava vakanga vari kushumira Ishe. Vachizvinyima zvekudya. Mweya Mutsvene vakabva vataura kwavari. Vakati, Nditsaurireivo Bhanabhasi. NaSauro. Ndine basa randakavagadzirira. Vakanga vachiri kuzvinyima zvekudya. Vachinamata. Vakabva vabata vaviri ava nemavoko avo. Vachivatuma kunoita basa iri.

Mabasa yegumi nena ndima yamakumi maviri nenhatu inotauravo pamusoro paPauro. Apa akanga aina Bhanabhasi. Vaviri ava vakarambavo vari patsika yekutsanya iyi. Zvinonzi, Vakabva vanamata zvekutsanya. Ndokugadza vatungamiriri mukereke imwe neimwe. Vachivaisa pamberi paMwari. Ivavo vavakanga vagamuchira. Pauro ane paakazombopa nhoroondo yehupenyu hwake. Tinoverenga nhoroondo yacho muna 2 Vakorinde yegumi neimwe. Akataura apa nezvekutsanya kwake. Ndima yemakumi maviri nenomwe yacho inoti, Ndakasisangana nezvinhu zvinonetesa. Nezvinorwadza. Ndine mazuva akawanda andakasivata ndakasvinura. Kana iri nzara. Nenyota. Nekutsanya. Handitotauri. Kana chiri chando. Kana kushaya zvekufuka. Ndakasangana nazvo kakawanda.

Ishe pachavo vaitsanyavo. Tinovona izvi muna Matiyo yechina ndima yepiri. Inoti, Jesu vakasvikako. Vakazvinyima zvokudya. Vakazvinyima kwemazuva makumi mana. Nehusiku makumi mana. Izvi zvakaita kuti vanzwe nzara. Nzara iyi yakanga iri huru. Apa Jesu vakanga vava kuda kutanga shumiro yavo. Saka vakanga vari kugadzirira mweya wavo.

Saka kutsanya kwakakosha. Izvi ndizvo zvatinovona mundima idzi. Vanhu vose ava vane basa ravakanga vapiwa. Basa iri ndiro ratakapiwavo isu. Saka tinofanira kutsanya pose pakafanira. Ndiko kuti tigone kushanda nemweya wavakashanda nawo ivo. Kutsanya kunoita kuti mweya yedu igare yakamuka. Tichigona kutungamirirwa naMwari. Tichigona kuita basa ravakaisa mumavoko edu. Mwari ngavakudzwe saMwari.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rinonditaridza zvekuita. Rinondipa vanhu vekutevedzera. Ini ndinotevedzera vanhu ava. Ndinovimba nemi sezvavakaita. Ndinorarama nemitemo yenyu. Ndichikunamatai nemoyo wose. Ndichikushumirai nekunamata nekutsanya. Ndichishingaira kuita mabasa amakandipa. Ndinokutendai. Shoko renyu rinondipa tsika yakanaka. Tsika iyi ndiyo inotungamirira hupenyu hwangu. Zvichiita kuti ndigare ndichikunda. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Nehemia 1:4 NKJV
Mabasa Avapostora (Mabasa) 13:1-3 NIV
Ruka 2:36-37 NKJV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church