7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Shona 


Gomera Uchinyengeterera Mweya YeVanhu

Chipiri, 18 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi kana mashoko edu achiita seasinganzwisisiki. Iwo mashoko eruponeso. Anongodero kune vakarasika. Vasingadi kuagamuchira. Vane pfungwa dzakavharwa meso. Dzichivharwa nechimwari chenyika ino. Kuti mweya yavo isavona chiedza. Icho chiedza chemashoko edu eruponeso rwaMuponesi. Ivo Muponesi vaya. Vanova ndivo vatinovonera Mwari pavari (2 Vakorinde 4 ndima 3 kusvika 4)

Ndine zvandakadzidza pamusoro pekutendeusira vanhu kuna Mwari. Chimwe chezvinhu izvi kushingaira pakunamata. Chinhu ichi chakakosha zvikuru. Iwe ungava uri kunyengetera kuti mumwe munhu aponeswe. Unogona kutosvika pakugomera uchinamata kudai. Mweya wako uchiwungudza. Unenge uri kunzwisisa kukosha kwemweya wemunhu. Saka unotoronga kumunamatira uchigomera kudai.

Ishe Jesu vane murume wavakambotaura nezvake. Murume uyu akanga ari kutsvaka matombo anokosha. Iye akazowana dombo iri. Akabva anotengesa fuma yake yose. Akabva anotenga dombo riya. Tinoverenga izvi muna Matiyo yegumi nenhatu ndima yemakumi mana neshanu kusvika makumi mana netanhatu. Murume uyu aikoshesa dombo iri. Izvi ndizvo zvinoitwavo naMwari. Vanokoshesa mweya wemunhu. Izvi ndizvo zvatinonzwisisavo isu. Ndizvo zvinoita kuti tinamate. Tichigomera. Tichishingaira kusvika mweya uyu waponeswa. Wadzika midzi munyika yaMwari.

Iwe unganamata nenzira yakadai. Unozofanira kuramba uchinamata kudai. Uchizongorega chete wanzwa kusungunuka mumoyo mako. Unenge uri kufarira munhu wacho. Uchimufarira sezvaanoitwa naMuponesi. Ndiko kusaka uchimanikidzwa kunamata uchidai. Unenge uri kutsvaka kuti munhu wacho aponeswe. Kwete kuti zvikubatsire iwe. Asi kuti munhu wacho abatsirike. Saka haungomunamatiri nokuti unoda kuzoroorana naye. Kana kuti unoda kuzoshanda naye. Asi unenge uchitsvaka kuti aponeswe. Unomunamatira nokuti unomufarira. Uye nokuti Mweya Mutsvene vanenge vari kukupa shungu dzekutsvaka kuti munhu wacho ashanduke. Achizounzwa kuna Muponesi.

Verenga ndima yatavhura nayo zvekare. Inozokutaridza chikonzero uchifanira kunyengeterera vatadzi kudai. Unovanyengeterera kuti chiedza cheRuponeso chipenye mumoyo yavo. Uchikurira rima. Uchivabvisa pakungonamata zvetsika. Uchitsvaka kuti vasanyengerwa.

Asi haubvi watogumira ipapo. Unofanira kudzinga zvose zvinoita kuti vasada kugamuchira Ruponeso mumoyo yavo. Vanamatire kuti vasungunurwe kubva kuna Satani. Uchinamatavo kuti moyo yavo ivhurike. Igamuchire shoko reRuponeso. Zvichizoita kuti vaponeswe. Hareruya!

Gara uchirangarira Jemusi yeshanu ndima yegumi netanhatu. Inoti, ... Munamato wevanhu vakarurama. Uyo unobva pamoyo. Une shungu. Wekurevesa. Ndiwo unomutsa simba raMwari. Uchiita kuti rishande zvikuru. Saka iwe unganamata nemoyo wose. Uchinyengeterera mutadzi. Munamato wako uyu unozoita kuti simba raMwari rishande pamunhu uyu. Zvichizoita kuti aponeswe.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makanditora semunhu akatendeka. Mukandipa basa renyu. Iro basa rekudzosa vanhu kwamuri. Ndinofarira vanhu sekuvafarira kwamunoita imi. Nokudero ndinomanikidzwa kunyengeterera vakarasika. Ndinonamata kudai nemoyo wose. Ndichitsvaka kuti vakasire vaponeswa. Saka vanhu ava vanosungunurwa. Vachibviswa murima. Vachipinzwa muchiedza. Vachibviswa pasimba raSatani. Vachiunzwa kuna Mwari. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaKorose 4 ndima 12
Vagaratiya 4 ndima 19
VaEfeso 3 ndima 14 kusvika 19

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church