English
Ndau
Shona
Kubviswa PaZvivi
Muvhuro, 30 Zvita 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Asi kana tichibvuma patinenge tatadza. Ivo vakatendeka. Uye vakarurama. Saka vanokanganwira zvivi izvi. Vachitisuka. Vachitibvisa zvisakarurama zvose. Netsvina yose inenge yaunzwa nezvivi izvi (1 Johane 1 ndima 9).
Mundima yatavhura nayo mune shoko rinoti, Kubvuma. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, Homologeo. Shoko iri rinoreva kutaura chinhu. Asi mundima iyi rinoreva kubvuma. Isu tinofanira kubvuma patinenge tatadza. Mwari vanozotendeka kutikanganwira zvivi izvi. Vachitisuka kusarurama kose.
Ngativerengevo Varoma 3 ndima 24 kusvika 26. Ndima iyi inotaura pamusoro pekururama kwaMwari. Inotauravo pamusoro pekukanganwirwa zvivi. Ndima iyi inoti, Vanoruramiswa nenyasha dzaMwari chete. Kwete nokuti vanokodzera kururamiswa. Nyasha idzi dziri murudzikinuro rwakauya naJesu Muponesi. Iye wakagadzwa naMwari. Kuti atidzose kwavari neropa rake. Kuti kururama kwaMwari. Nemoyo wavo murefu. Zvivonekwe pakukanganwirwa kwezvivi zviya. Zvakaparwa kare. Kuti kururama kwavo kuratidzwe panguva ino. Kuti ivo vave vakarurama. Nemururamisi wevanenge vagamuchira Jesu. Mwari vakarurama. Kunyangwe zvakadero, vanobvisa zvivi zvevanhu. Vachivachenura.
Izvi zvinoshamisa chose. Ndima iyi haiti Mwari vanongochenura vaya vanenge varevurura zvivi zvavo. Kana kuti vaya vanenge vakumbira ruregerero. Kwete. Shungu dzavo hadzisi pakungokukanganwira chete. Dziri pakuti usatombotadza. Shoko rekuti kukanganwirwa rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, Aphiemi. Rinoreva kusungunurwa. Saka Mwari vanotsvaka kuti usungunurwe kubva pazvivi. Usaramba uchitadza.
Iwe wava muna Muponesi Jesu. Saka wava kururama kwaMwari. Kururama kwaMwari kwava kuvonekwa pauri. Mabasa 13 ndima 38 ine mashoko ainotitaurira. Mashoko aya anoshamisa zvikuru. Inoti, Saka varume. Hama dzangu. Zivai chinhu ichi. Kuti munhu uyu ndiye akaunza kanganwiro yezvivi. Kana munhu akagamuchira munhu uyu. Anobva aruramiswa pazvose. Murairo waMosesi waisagona kururamisa vanhu zvakadai. Mundima iyi mune shoko rinoti, kururamiswa. Shoko iri rinoreva kuchenurwa. Rinoreva kushambadzwa semunhu asina mhosva yaakapara. Rinoreva kusungunurwa kubva kuzvivi.
Asi apa hatisi kureva kubviswa kubva mumavoko ezvivi. Tinoreva kusunungurwa kubva pakutadza. Kana kupiwa simba rekugona kusatadza. Simba raSatani rakabviswa pauri. Saka hauchisina kusungwa nezvivi. Asi iwe unogona kusungunurwa kubva pakutadza. Unogona kuwana simba rekurarama zvakarurama. Usingaiti zvakaipa. Izvi zvinogoneka here?
Hongu! Jesu ndizvo zvavakauya kuzoita izvozvo. Vakatozviita vakazvipedza. Saka tinotenda Mwari. Ivo vakaitwa chivi. Vachitsvaka kuti isu tive mavari. Tigorurama saMwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 2 Vakorinde 5 ndima 21. Chivi hachichagoni kukutonga. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma 6 ndima 14. Tichawedzera kudzidza izvi muchidzidzo chinotevera.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandisungunura kubva pakutadza. Muponesi Jesu ndivo vamakashandisa kundisungunura kudai. Ivo ndivo vakandifira. Nokudero ndakachenurwa. Ndakasukwa. Zvivi hazvichagoni kubatira pandiri. Ndinorarama mukururama. Simba renyu rinovonekwa muzvinhu zvose zvandinoita. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 6 ndima 14
2 Vakorinde 5 ndima 21
Vakorose 1 ndima 13 kusvika 14
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church