English Ndau Shona 


Pota Uchiwandudza Hupenyu Hwako

Muvhuro, 26 Chivabvu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Tenzi ari kuti, pirai nyaya yenyu muunze zvekutsigira nyaya yenyu. Ndizvo zviri kutaurwa naMambo wewokwaJakobho (Isaya 41 v 21).

Wakamboremba nekuramba uri panzvimbo imwe basi muhupenyu ere? Kuda wakanangisa hupenyu hwako. Ukabva wataura uchiti, Ndangarisa hupenyu hwangu huchingowa panzvimbo imwe basi. Ndaa kufanira kuhuwandudza. Izvozvo zvakakosha maningi. Unofanira kugara uchishuwa kukura. Unofanira kugara uchishuwa kubudirira. Isu taa muna Muponesi. Hupenyu hwedu hunogara huchiwedzera kunaka. Simba redu rekuwimba naMwari rinogara richiwedzera. Nyasha dzinogara dzichiwedzera patiri. Tinogara tichiwedzera kufanana naMwari.

Ini ndinogara ndichitsvaka kuwandudza hupenyu hwangu. Ndinoronga zvandinoda kuita nguwa imwe neimwe. Futi ndinogara ndichibudirira pane zvese zvandinoronga. Ndinotokasirisa kupedza kuzviita. Izvi zvakandifundisa chiro chakakosha. Chekuti kuronga zviro kunoshanda. Asi zvikuru sei, unofanira kuita zvawaronga zvacho. Ndiko kuti zviitike.

Kune amweni anhu. anhu aya anoda kuti hupenyu hwawo huwandudzike. Asi haana chaanoita kuti aandudzike kudai. anomirira kuti Mwari awawandudze iwo. Izvozvo hazvishandi. Mwari ane zvawo zvaanoita. Asi iwe une zvaunofanirawo kuita. Funga pamusoro pemurimi. Murimi ndiye anorima munda. Ndiye anosima mbewu. Ndiye anodiridzira mbewu dziya. Asi haasi iye anomeresa mbewu idzi. Ivhu ndiro rinoita kuti mbewu dzimere. Dzichizomupa goho. Ivhu rinomeresa mbewu kana murimi achinge adzisima.

Saka basa raMwari nderipi apa? Mwari ndiwo anoita kuti mbewu ikone kumera kwacho. Ndiwo anoisa hupenyu mairi. Asi ivhu rinoshamisawo. Mariri mune simba raMwari. Mbewu ingasimwa mariri. Mbewu iyi inozotanga yafa. Simba raMwari rochizoimutsahe. Asi chimbofunga pamusoro peumwe murimi. Murimi uyu angasada kusima mbewu. Nguwa yekukohwa inozouya. amwe arimi anenge awa kukohwa. Asi murimi uyu anenge asina chekukohwa. Nekuti anenge asina chaakadzvara.

Izvi ndizvo zvinoitikawo pahupenyu. Iwe ungasasima mbewu. Hapanawo chaunozokohwa. Ini ndakazwisisa kuti ndine mbewu dzandinofanira kusima mupfungwa dzangu. Ndine mbewu dzandinofanira kusimawo mumoyo mangu. Mbewu idzi dzinozondipa goho. Zvikuru sei, ndakazwisisawo kuti ndinokona kusima mbewu mumweya. Mbewu idzi dzinozondipa goho repamweya.

Saka ita zviro zvinowandudza hupenyu hwako. Ita zviro zvinokufumisa. Kune amwe anhu. anhu aya haasati akamboandudzika. atova nemakore mashanu hupenyu hwawo huchingowa panhu pamwe. Saka wawa kumashure kwenguwa. Nyika yaasiya. Nekudaro haachaikoni. Yawa kutoakonjera. Iwe ungasawandudza hupenyu hwako. Ungasawandudza mafungiro ako. Hauzokoniba kufambirana nenyika. Sarudza kuwandudza hupenyu hwako. Ita zviro zvichakubatsira kuwandudza ramangwana rako. Zviite namasi chaiye.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Handichadiba kuti hupenyu hwangu hurambe huri panzvimbo imwe basi. Ndinosima mbewu dzakanaka mumoyo mangu. Ndinosima mbewu dzakanaka mupfungwa dzangu. Ndinosima mbewu dzakanaka mumweya. Ndinoshandisa simba reSoko renyu. Ndichitungamirirwa naMweya Mutsvene. Ndichiwandudza hupenyu hwangu. Ndichirarama hupenyu hwamakandirongera. Ndinokutendai. Simba renyu riri kushanda mandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaFiripi 3:12-14
VaRoma 12:2
Zvirevo 4:18

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church