Chigarwe
Chitoko
English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Simba Redu Rinogare Richiwedzera
China, 26 Chivabvu 2022
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Hino Mosesi wakanga ane makore ane 120 pakufa kwake; madziso ake akanga awe kuone mhute, nesimba rake rakanga roite shoma" (Dheuteronomiyo 34 vhesi 7).
Kune soko rekuti, "chirambakutsakara". Wakamborizwa ere? Izvi ndizvo zvatawa isu. Taa muna Muponesi. Saka hatichatsakari ba. Tingararama kwemakore akawanda hedu. Asi hatitsakari ba. Hatikweguri ba. Hareruya! Saka iwe usareketa uchiti, "Ndakura. Makore angu afamba. Saka simba rangu rawa shoma". Ungawa Mukristu. Izvi zvinorewa kuti wakashanduka rudzi. Wakashanduka paya pawakabarwa kechipiri. Mweya wako wawa weropa raMuponesi. anhu eropa raMuponesi haatsakariba. Saka hauchafaniriba kureketa uchidayi.
Wawa muna Muponesi. Saka wawa werudzi rweamwari. Wawa kurarama hupenyu hweamwari. Saka gara uchireketa uchiti, "Simba rangu riri kuramba richiwedzera. Ndasimba kudarike zvandaivwa makore 10 apfuura". Chimbofunga pamusoro paMosesi. Akanga awa nemakore 120. Asi mwiri wake wakanga usati watsakara ba. Akanga asina kukwegura ba. Madziso ake akanga achiri kuona zvakanaka. Asi Mosesi akanga asitori werudzi rweamwari. Akanga asiriba muna Muponesi Jesu. Isu tisu taa muna Muponesi. Saka tisu taa erudzi rweamwari. Izvi ndizvo zvatinoona muna 2 Vakorinde 3 vhesi 7 kusvika 11.
Izvi ndizvo zvakanga zvakaitawo Karebhi. Akanga awa nemakore 85. Asi iye akareketa achiti, "Ndichakagwinya. Ndiri kutozwa sendichine makore 40". Unokona kuerenga nhoroondo yake yese. Iri muna Joshua 14 vhesi 7 kusvika 12. Izvi ndizvo zvatakaitawo isu. Tiri ana chirambakutsakara. Tinoitae semakondo. Hatibvi pahujaya ba. Izvi ndizvo zvatinoerenga muna Mapisarema 103 vhesi 5. Saka simba redu rinogara richiwedzera. Tinogara tichifambire mberi. Tinogara tichisimudzirwa. Hareruya!
Usambozviona semunhu asina simba ba. Izvi ndizvo zvatinopangidzwa ngeBhaibheri. Tinoerenge masoko aro muna 2 Vakorinde 4 vhesi 16. Inoti, "Ndiko kusaka tisingaperi simba ba. Kana kuremba. Kunyangwe mwiri yedu ichiparara hayo. Iyo mwiri yedu yenyama iyi. Inowa munhu wedu wekubanzi. Asi munhu wemukati anowandudzwa. Anoandudzwa zuwa rimwe ngerimwe". Mweya Mutsvene anogara achitiwedzere simba. anoriise mumweya yedu. Aya ndiwo anofanire kuwa mafungiro ako. Ndiko kuti uzorarama seamwari. Mwari ngaarumbidzwe!
Pupura Uchiti
Jehovha ndiwo simba rehupenyu hwangu. anogara achindiwandudza ngeSoko rawo. anoshandisawo simba raMweya Mutsvene kundiwandudza. Ndiri kuwedzere kusimba zuwa rimwe ngerimwe. Mweya wangu uri kuwandudzwa zuwa rimwe ngerimwe. Saka ndasimba kudarike zvandakambowa. Ndaa chirambakutsakara. Handichakweguri ba. Mwari ngaakudzwe saMwari.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chifundo Chanamasi
Joshua 14:7-12
Mapisarema 92 ndima 13 kusvika 14
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church