7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

anhu akamirire Iwewe

Svondo, 14 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Jesu akazotaura kwaari. akati, “Endai munyika dzese. Muparidze ruponeso. Ruparidzei kuzvisikwa zvese. anhu anofanira kugamuchira ruponeso urwu. anofanira kupinzwa muzita rangu. Ndiko kuti vaponeswe. Zvisizvoba, acharangwa. achatongwa” (Mariko 16 v 15 kusvika 16).

Mwari awakuda kuti tishande nekukasira. Anhu ari kutsvake Ishe. Akusuwira kuti aziye Ishe. Izvi zviri kuitika kwese kwese. Asi anofanira kuamba azwa soko reRuponeso. Ndiko kuti akone kuziya Ishe. Saka panofanire kuwa neanoaziyisa soko reRuponeso iri. Izvi ndizvo zvatinoona muna Varoma 10 v 14. Inoti, “Asi achadana seiko kumunhu waasina kugamuchira? Achagamuchira seiko munhu waasina kumbozwa nezvake? Achamuzwa naniko ipo pasinaba angaataurira ngezvake?”. Iwe ndiwe muparidzi wacho.

Iwe ndiwe wakatumwe ndiMwari. Ndiwe waakatuma kunobatsire anhu aya. Denga rinotowimba newe. Rinonangisira kuti iwe ndiwe uchaziyisa anhu soko reRuponeso. Rinonangisira kuti iwe ndiwe uchapangidze anhu aya kuti Mwari anoafarira. Kutendeuse anhu ibasa. Basa racho rine anhu arakapuwa. Anhu aya ndeaya akashandurwa rudzi. Akaitwa eropa raMuponesi. Iwe ungaa umweni weanhu aya. Chirekera kumirira kusumwaba. Wakatopuwa basa iri. Wakatotumwe kuriita. Izvi ndizvo zvataerenga muvhesi yatabeura nayo. Usamirire kuti zviro zvitange zvanaka. Nguwa yacho ndiizvozvi.

Iwe ungazoite basa iri. Ungasazoziya kuwanda kweanhu angazobatsirika ukadaro. Kuda ungazotendeuse munhu umwe basi. Munhu uyu anozogonawo kutendeuse mhuri yake yesehe. Anozokonahe kutendeusa taundi rese. Kana dzinza rese. Munhu wese akakosha. Kuparidza kwese kwaungaita kune basa. Izvozvo ngazvikutume kutendeuse anhu. Paridze wakafara. Uchikasire. Nyika yakamirira iwe.

Namata Uchiti
Baba. Ndinokutendai. Makaise soko reRuponeso mumaoko angu. Ndinoite semunhu anowimba nemi. Saka ndinogamuchira basa iri. Ndinosvitse soko iri kuanhu ese. Ndinoite izvi ndichibatsirwa nesimba raMweya Mutsvene. Soko iri rinoziyisa anhu kuti Mwari anoafarira. Rinoziyisa anhu nezvenyasha dzaMwari. Ini ndini mumiririri wenyu. Ndini ndinopangidza anhu kuti Mwari anoafarira. Ndini ndinoziyisa anhu chokwadi chenyu. Saka ndinoita kuti akawanda asungunurwe. Achibviswa murima. Achipinzwa munyika yaMwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Mateo 28:19-20; 1 VaKorinte 9:16-17 NKJV; VaRoma 10:13-15


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)