English Manyika Shona 



Tingobva Kuna Mwari

Svondo, 31 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Wapwere wanyayi, imwemwe mudobarwa ndiMwari. Saka mudokurira Mwiya yetse iyi. Ngekuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Adodarika uya ari munyika inoyi" (1 Johane 4 ndima 4).

Ena maBhayibheri haanatsi kunyora ndima iyi zvidojekaba. Angotawura ngezvewanhu wari kurutiwi rwaMwari. Asi izvi tsandizvoba. Ndima iyi ingotawura pamutsoro pewanhu wadobarwa ndiMwari. Wanhu awa ndiwo wadonga warutawurwa ndiJohane. Kana iwewe udobarwa keshipiri, zvingotawura kuti udobarwa ndiMwari. Uri werudzi rwaMwari. Uri mupwere wawo wekubara.

Zvingofanana ngezvingotawurwa ngeBhayibheri muna Jemusi 1 ndima 18. Ingoti, "Ndiwo wadotsarudza wega kutibara. Wayisenzesa Soko rawo redi. Wayitsvaka kuti tiwe zvibarwa zvawo. Zvekutanga. Zvawangokoshesa kudarika zvina zvisikwa zvawo zvetse". Asi Kristo wangofanira kuwa mawuri. Ungofanira kuwagashira. Wakare mukati mako. Ndiko kuti unzi wabarwa ndiMwari.

Tondera ena masoko aTenzi Jeso ari muna Johane 3 ndima 3. Angoti, "Rekani ndikutawurireni idi. Munhu angofanira kubarwa keshipiri. Ndiko kuti awone hushe hwaMwari". Ndima yatavhura ndiyo ingotawura ngezvekuwa naKristo mawuri. Izvi ndizvo tingowona pangoperera ndima iyi. Ingoti, ""ngekuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Adodarika uya ari munyika inoyi". Saka Kristo wangofanira kuwa mawuri. Izvi zvingoshamisa ngekuti iwo ndiwo wadokubara. Asi wangofanira kuwa mawuri!

WaKorose 1 ndima 27 ingoti, "" Shekuti Kristo akare mamuri. Muwe wanhu waMwari". Mukuru ndiye atukara mawuri. Saka ungokurira masimba etse edima. Ungokurira mwiya yetse idonyangara. Iyaiya ingowunza hutsinye panyika.

Udobarwa ndiMwari saka udotokurira muwengi ngemabasa ashe etse. Ayaaya ekutsvaka kuti wanhu watambure. Ekutsuwisa wanhu. Ekushungurudza wanhu. Ngekuparadza zviro panyika. Hareruya!

Pupura Uyiti

Baba wandingoda. Inene ndidobarwa ndimwe. Mukuru wacho ndiye angokara mandiri. Saka ndidokurira masimba etse edima. Ndidokurira mwiya yetse idonyangara Iyaiya ingowunza hutsinyi panyika panapa. Ndidokurira zvingotsuwisa zvetse. Ndidokurira zvetse zvingowodza mwoyo. Ndidokurira zvetse zvingoparadza. Ndiri muna Kristo Jeso. Saka ndingokara ndiyikunda. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi :

WaRoma 8 ndima 37
1 Johane 5 ndima 5

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Ringonyorwa ndi:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church