Chigarwe Chitoko English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 



Rinori Ndiro Zuwa Rasu

Chishanu, 31 Kurume 2023

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

"Ngekuti muhumambo hwaMwari hatindotauri basiba. Tingoita mabasa aya. Angopangidza simba" (1 WaKorinde 4 ndima 20).

Jesu adombowuya panyika panapa. Asi iri ridonga risiri zuwa rashe chairoba. Izvi ndizvo adotaura. Tingozviwona muna Ruka 22 ndima 53. Apa Jesu adonga atuenda kumuchinjiko.. Adonga arutaura kumawuto. Adoti kwaari, "... Hazvinenyi hazvoba. Ino ndiyo nguwa yanu. Simba redima ndiro rirusenza panapa". Jesu adobva abvuma kusungwa. Jesu aindoshumira ari muIsiraeri panguwa iyi. Haana kukwanisa kuenda kune dzina nyikaba. Izvi ndizvo tingowona muna Ruka 24 ndima 49. Kutaura kuti zuwa rashe chairo ridonga risati rasvikaba.

Zuwa rashe chairo rishauya. Ndiro zuwa riya raashadzoka kootonga marudzi enyika. Aizotanga kutonga kwashe panyika panapa. Aitonga nyika kwechuru shemakore. Izvi ndizvo tingowona muna WaFiripi 1 ndima 10. WaFiripi 2 ndima 16. Na2 WaTesaronika 2 ndima 2. Jeremiya 23 ndima 6 ingoti, "Pamazuwa ashe Judha ashaponeswa, Israeri ashakara ngerugare. Zita rashe raashatumidzwa nderekuti: Jehovha Ndiye Kururama kwasu".

Zviro zvetse izvi zvishaitika pakutonga kwaJesu panyika panapa. Asi zvinoizvi tirumuzuwa rewaTsvene. Iwewe ungofanira kunzwisisa izvi. Mwari ngaakudzwe! Tine masimba atidopiwa. Rinori ndiro zuwa ratingofanira kusenzesa masimba etse aya. Tiyiita kuti Mwari apiwe mbiri yetse. Simba raMwari ringofanira kuwonekwa pahupenyu hwako. Hushe hwaMwari tsandi hwekundotaura basiba. Hungowonekwa ngesimba. Hune zviro zvaungoita.

Jesu adoita minana ingoshamisa. Nhume dzashe dzidoitawo minana ingoshamisa. Minana iyi yetse idonyorwa patsi. Idonyorwa kuti itikurudzire ifeife nyamusi. Ngekutipangidza kuti nesuwo tingokwanisa kuita minana muzuwa rasu. Tiyiita minana iyi ngesimba raMweya Mutsvene. Saka senzesa simba raunaro iri. Mwari ngaarumbidzwe!

Namata Uyiti

Rinori ndiro zuwa rewaTsvene. Zvino tingotenda Mwari. Ndiye angotikundisa nguwa dzetse. Tingokunda kusharezvi ngekuti tiri muna Muponesi. Angoitawo kuti wanhu wamuwone matiri. Wayimuwona kusharezvi kwetse kwatingoenda. Ndingokutendayi Ishe. Ndimwi mudotipa zuwa renyamusi iri. Muitsvaka kuti simba ranu riwonekwe pahupenyu hwasu. WaTsvene watusongana ngeminana zuwa rimwe ngerimwe. Muzita raJesu. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi

Isaya 53 ndima 10

Varoma 8 ndima 19 kusvika 21

Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Ringonyorwa ndi:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church