English Ndau Shona 

Kushongedza Vatsvene

Chitatu, 16 Kubvumbi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Vakapa nhume dzavo kune vamwe. Vavoni kune vamwe. Vaparidzi kune vamwe. Vafudzi kune vamwe. Nevadzidzisi kune vamwe. Vakavapa kuti vashongedze vatsvene. Vaite mabasa ekushumira. Pamwe nekuvaka muviri waMuponesi (Vaefeso 4:11-12).

Pauro ndiye akanyora ndima yatavhura nayo. Apa akanga ari kutaura pamusoro pemhando dzevashumiri. Vashumiri ava vane mabasa avanofanira kuita. Rimwe racho ndero kushongedza vatsvene. Basa iri harisi rekuita kuti vatsvene vawedzere kururama. Kwete. Ndere kungovashongedza chete.

Chimbofunga pamusoro pemwana. Mwana anozvarwa achitova munhu. Anenge akatofanana nevabereki vake. Mwana uyu anozokura. Asi apa anenge asiri kuwedzera kuva munhu. Anenge ari kungodzidziswa hupenyu. Muviri wake uchikura. Achiwedzera simba. Zvichizoita kuti agone kurarama semunhu mukuru.

Izvi ndizvo zvinoitwa kuvatsvene. Vanongofanira kubatsirwa kukura. Vachidzidziswa hupenyu hweVamwari. Zvichizoita kuti vagone kuita mabasa avo. Iwo mabasa aya avakapiwa naMwari. Iwayo avanofanira kuita muMuviri waMuponesi. Asi kune vamwe vatsvene. Vatsvene ava vanoda kurarama sevanhu venyika ino. Vachisiya kurarama hupenyu hweVamwari. Ihwo hupenyu hwevanhu vari muna Muponesi. Vatsvene ava vanofanira kudzidziswa. Vanofanira kurangaridzwa kuti vakashanduka rudzi. Vava verudzi rweVamwari. Saka vanofanira kurarama seVamwari. Iri ndiro basa reVashumiri.

Ndiko kusaka basa reVashumiri richifanira kunatsa kunzwisiswa. Vashumiri vanotovavo Vatsvene. Vanotovavo Vamwari. Vanotovavo nhengo dzeMuviri waMuponesi. Havafaniri kukanganwa izvozvo. Asi Mwari vane marongero avakaita zvinhu muSangano reVatsvene vavo. Saka vane vanhu vavakagadza mabasa. Mabasa evanhu ava ndeokushongedza Vatsvene. Ndeekubatsira Vatsvene kukura. Nekuvasimbisa. Zvichizoita kuti Vatsvene ava vagone kushumira Mwari nomazvo.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinonyengeterera Vatsvene vose. Deno vagona kunzwisisa basa ravo. Deno vagona kuita zvamakaronga kuti vaite senhengo dzeMuviri waMuponesi. Deno simba ravo rekuvimba naMwari rawedzera. Deno vakurudzirwa kumira vakasimba muna Muponesi. Vachikurudzirwa kudai naMweya Mutsvene. Vachikurudzirwavo kudai neShoko raMwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vakorinde 12:12-14
Varoma 12:4-5
Vakorose 1:28-29

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church