Chigarwe
English
Ndau
Ndebele
Shona
KuVimba NaMwari. NeTariro
Muvhuro, 19 Chivabvu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Kuvimba naMwari ndiko kunotizivisa kuti zvatinotarisira tatova nazvo. Ndiko kunotizivisa kuti zvinhu zvisingavonekwi zviriko (Vahebheru 11 ndima 1).
Isu tingava nezvinhu zvatinotarisira. Tinofanira kubva tavimba naMwari. Tichivimba naMwari kuti tiwane zvinhu izvi. Tinobva tazviwana. Tichibva tatozvibata mumavoko edu. Zvinhu zvatinotarisira ndezviya zvisati zvavapo. Asi ndizvo zvinotituma kuvimba naMwari. Tichivimba navo kuti tiwane zvinhu zvacho. Kureva kuti tariro yakakosha. Ndiyo inotituma kuvimba naMwari.
Saka iwe unofanira kuva nezvaunotarisira. Zvisizvo hapana chinozokutuma kuvimba naMwari. Bhaibheri rine zvinhu zvarinotizivisa nezvazvo. Zvinhu izvi zvitatu. Rinoti zvinhu izvi zvinogara nekusingaperi. Chimwe chacho kuvimba naMwari. Chimwe itariro. Chimwe kufarira vanhu. Kufarira vanhu uku ndiko kwakanyanya kukosha pazvitatu izvi. Asi zvose hazvo zvinodiwa. Ndizvo zvinotisiyanisa nezvimwe zvisikwa zvose. Ndizvo zvinotipupurira kuti tiri Vamwari.
Tariro ndiyo inotipa shungu dzekurarama. Ndiyo inotitumavo kuvimba naMwari. Saka tariro inotitaridza zvinhu. Isu tobva tavimba naMwari. Tichitsvaka kuti tiwane zvinhu zvacho. Tobva tatozowanavo zvinhu zviya. Izvi zvinoda kufanana nezvakavonekwa nevamwe vadzidzi. Vadzidzi ava vaitarisa tutsanga tudoko doko. Tusingavonekwi nemeso. Vadzidzi ava vaipota vachifuratira. Tutsanga tuya twobva twonzwikwa kufamba famba. Asi tusingavonekwi. Vadzidzi vaya vaibva vatarisa tutsanga twuya. Vowana twakamira. Twava kuvonekwa.
Izvi ndizvo zvinoita kuvimba naMwari. Tinozvivonavo patariro. Tingava tiri kutarisira zvinhu. Tisina kutarisa pazvinhu izvi. Zvinhu zvacho zvinenge zvisipo. Asi patinotarisa pazviri. Tichivimba naMwari kuti tizviwane. Zvinhu zviya zvinobva zvavapo. Zvichibva zvabatika.
Tariro inotitaridza zvatinogona kuwana. Kuvimba naMwari ndiko kunotiwanisa zvinhu zvacho. Saka tinofanira kunge tiine zvinhu zvatinotarisira. Ndiko kuti tiite shungu dzekuvimba naMwari.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makatipa zvinhu zvitatu izvi. Zvinoti kuvimba naMwari. Tariro. Nekufarira vanhu. Zvinhu izvi ndizvo zvatinoshandisa kusika zvatinoda. Shoko renyu rine zvarinonditaridza. Ndinoisa moyo wangu pazvinhu izvi. Ndichitarisira zvinhu izvi. Simba rangu rekuvimba naMwari riri kushanda. Rinondiwanisa zvose zvandinotarisira. Tariro yangu yakasimba. Simba rangu rekuvimba naMwari riri kushanda. Riri kundiwanisa zvose zvandakavimbiswa. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 24 kusvika 25
Mariko 9 ndima 23
2 Vakorinde 4 ndima 17 kusvika 18
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church