English
Ndau
Shona
Pota Uchivandudza Hupenyu Hwako
Muvhuro, 26 Chivabvu 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Asi isu tose. Tiine zviso zvisina kufukidzirwa. Tichitarisa mufananidzo uya. Werudzi rweVamwari. Uri muchivoni voni. Tinoshandurwa zvimiro naMweya waIshe. Humwari hwedu huchiwedzera. Kusvika tafanana nemufananidzo iwoyo. Watinenge tiri kuvona muchivoni voni ichi (2 Vakorinde 3 ndima 18).
Wakamboneta nekuramba uri panzvimbo imwe chete muhupenyu here? Kuda wakatarisa hupenyu hwako. Ukabva wataura uchiti, Ndagarisa hupenyu hwangu huchingova panzvimbo imwe chete. Ndava kufanira kuhuvandudza. Izvozvo zvakakosha chose. Unofanira kugara uchishuva kukura. Unofanira kugara uchishuva kubudirira. Isu tava muna Muponesi. Hupenyu hwedu hunogara huchiwedzera kunaka. Simba redu rekuvimba naMwari rinogara richiwedzera. Nyasha dzinogara dzichiwedzera patiri. Tinogara tichiwedzera kufanana naMwari.
Ini ndinogara ndichitsvaka kuvandudza hupenyu hwangu. Ndinoronga zvandinoda kuita nguva imwe neimwe. Uye ndinogara ndichibudirira pane zvose zvandinoronga. Ndinotokasirisa kupedza kuzviita. Izvi zvakandidzidzisa chinhu chakakosha. Chekuti kuronga zvinhu kunoshanda. Asi zvikuru sei, unofanira kuita zvawaronga zvacho. Ndiko kuti zviitike.
Kune vamwe vanhu. Vanhu ava vanoda kuti hupenyu hwavo huvandudzike. Asi havana chavanoita kuti vavandudzike kudai. Vanomirira kuti Mwari vavavandudze ivo. Izvozvo hazvishandi. Mwari vane zvavo zvavanoita. Asi iwe une zvaunofaniravo kuita. Funga pamusoro pemurimi. Murimi ndiye anorima munda. Ndiye anodzvara mbeu. Ndiye anodiridzira mbeu dziya. Asi haasi iye anomeresa mbeu idzi. Ivhu ndiro rinoita kuti mbeu dzimere. Dzichizomupa goho. Ivhu rinomeresa mbeu kana murimi achinge adzidzvara.
Saka basa raMwari nderipi apa? Mwari ndivo vanoita kuti mbeu igone kumera kwacho. Ndivo vanoisa hupenyu mairi. Asi ivhu rinoshamisavo. Mariri mune simba raMwari. Mbeu ingadzvarwa mariri. Mbeu iyi inozotanga yafa. Simba raMwari rochizoimutsa zvekare. Asi chimbofunga pamusoro pemumwe murimi. Murimi uyu angasada kudzvara mbeu. Nguva yekukohwa inozouya. Vamwe varimi vanenge vava kukohwa. Asi murimi uyu anenge asina chekukohwa. Nokuti anenge asina chaakadzvara.
Izvi ndizvo zvinoitikavo pahupenyu. Iwe ungasadzvara mbeu. Hapanavo chaunozokohwa. Ini ndakanzwisisa kuti ndine mbeu dzandinofanira kudzvara mupfungwa dzangu. Ndine mbeu dzandinofanira kudzvaravo mumoyo mangu. Mbeu idzi dzinozondipa goho. Zvikuru sei, ndakanzwisisavo kuti ndinogona kudzvara mbeu mumweya. Mbeu idzi dzinozondipa goho repamweya.
Saka ita zvinhu zvinovandudza hupenyu hwako. Ita zvinhu zvinokufumisa. Kune vamwe vanhu. Vanhu ava havasati vakambovandudzika. Vatova nemakore mashanu hupenyu hwavo huchingova panhu pamwe. Saka vava kumashure kwenguva. Nyika yavasiya. Nokudero havachaigoni. Yava kutovagozhera. Iwe ungasavandudza hupenyu hwako. Ungasavandudza mafungiro ako. Hauzogoni kufambirana nenyika. Sarudza kuvandudza hupenyu hwako. Ita zvinhu zvichakubatsira kuvandudza ramangwana rako. Zviite nhasi chaiye.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Handichadi kuti hupenyu hwangu hurambe huri panzvimbo imwe chete. Ndinodzvara mbeu dzakanaka mumoyo mangu. Ndinodzvara mbeu dzakanaka mupfungwa dzangu. Ndinodzvara mbeu dzakanaka mumweya. Ndinoshandisa simba reShoko renyu. Ndichitungamirirwa naMweya Mutsvene. Ndichivandudza hupenyu hwangu. Ndichirarama hupenyu hwamakandirongera. Ndinokutendai. Simba renyu riri kushanda mandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaFiripi 3:12-14
VaRoma 12:2
Zvirevo 4:18
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church