Chigarwe Chitoko English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 



Pane Mibvunzo Mitatu Yakakosha

Chishanu, 26 Chivabvu 2023

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

'Mbavha inouya kuzongoba. Kuuraya. Nokuparadza. Ini ndakauya kuti muve nehupenyu. Muve nehwakakwana. Muchinakirwa nahwo' (Johane 10 ndima 10).

Muhupenyu mune mibvunzo mitatu. Mibvunzo yacho ndeinotevera. Wokutanga unoti, 'Chii?' Wechipiri unoti, 'Sei?' Wechitatu unoti, 'Nemhaka yei?' Iwe ungaziva chinhu. Izvozvo ndizvo zvinodiwa kuti utange kurarama. Asi ungazivavo nzira yekuita nayo chinhu chacho. Izvi zvinobva zvaita kuti utange kubudirira muhupenyu. Asi ungazoziva chikonzero chinhu ichi chichifanira kuitwa. Izvozvo zvinobva zvakupa masimba ekutonga. Nokuti unenge wava kuita basa rawakasikirwa chairo.

Mibvunzo iyi inoshanda pazvinhu zvose. Mungava muhupenyu hwako. Kana mumabasa ako. Kana mumari dzako. Kana mumhuri yako. Kana mumabasa aunoitira Mwari. Mibvunzo iyi yakakosha muzvinhu izvi zvose. Saka unofanira kugona kuidavira. Asi wakanyanya kukosha wacho ndewechipiri. Ndiwo wanga uri kunetsa vanhu kwemakore akawanda.

Nemhaka yei wakazvarwa? Sei uri pano panyika panguva ino? Nemhaka yei uri mudzidzisi? Nemhaka yei uri chiremba? Nemhaka yei uri murimi? Sei uri mutungamiriri wevanhu? Sei uri muvuto? Sei uri muimbi? Sei uri muparidzi weRuponeso? Sei uri kuita zvauri kuita izvozvo? Mibvunzo yose iyi ndiyo inokuzivisa zvauri kuraramira panyika.

Iwe unofanira kunzwisisa zvaunoraramira. Ndiko kuti uzive chaizvo zvaunofanira kuita muhupenyu. Uchizonzwisisavo ndima yako muzvinhu zvose zviri kuitika.

Saka wava kuziva zvauri kuraramira here? Unoziva zvawakagarira panyika here? Zvauri kuita zvine chinangwa chei? Sei wakazvarwa kechipiri? Uchizvarirwa muna Muponesi? Shoko raMwari ndiro rinokuzivisa zvawakagarira panyika.

Tinovona izvi muna 1 Pita 2 ndima 9. Inoti, 'Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa. Madzimambo. Vapiri. Rudzi rutsvene. Vanhu vaakazviwanira. Kuti vanokuvonai varumbidze Mwari. Ivo vakakutorai. Vakakubvisai murima. Vakakupinzai muchiedza chavo chinoshamisa'. Mwari vanoda kuvonekwa pauri. Ndizvo zvavakakusikira. Vanoda kuti vanokuvona varumbidze Mwari. Vavone mabasa aMwari pauri. Iwo mabasa aya anoshamisa. Saka unofanira kunge uri kuraramira Mwari. Uchivafadza. Uchirarama hupenyu chaihwo hwavakakurongera. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndava kunzwisisa zvamunofarira chaizvo. Mweya wangu wava kunzwisisa zvinhu zvemweya. Moyo wangu wava kunzwisisa zvamakarongera hupenyu hwangu. Ndiripo kukufadzai muzvinhu zvose. Ndichiita mabasa akanaka. Iwayo amakagara mandirongera. Ndava muna Muponesi. Saka ndinorarama hupenyu hwamakandirongera. Ndichiita kuti imi mukudzwe saMwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Timoti 1 ndima 8 kusvika 9
Mabasa 26 ndima 16 kusvika 18
Vaefeso 2 ndima 10 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church