English Ndau Ndebele Shona 



Tora Zvinhu Zvakanaka Mukati Mako

Chipiri, 11 Chikumi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Iwe wava muna Muponesi Jesu. Mukati mako mava nezvinhu zvakanaka. Saka ndinonamata kuti ugamuchire zvinhu izvi. Nekuzvikoshesa. Ndiko kuti mashoko aunozotaura agone kushanda zvine simba. Iwo mashoko aunotaura semunhu anovimba naMwari. Uye anowirirana neShoko ravo (Firimoni 1 ndima 6).

Isu tine rwiyo rwataisiimba musangano redu. Rwiyo rwacho rwaiti, Pane chinhu chakanaka chichaitika kwauri. Ini ndaitofarira kuimba rumbo urwu. Saka ndakanga ndiri kuruimba hangu rimwe zuva. Ishe vakabva vataura kwandiri. Vakati, Aiwa! Handidi kuti zvinhu zvakanaka zviitike kwauri. Uye handidivo kuti zvinhu zvakashata zviitike kwauri. Ndinoda kuti IWE uitise zvinhu zvakanaka izvi. Ini ndakabva ndazvinzwisisa.

Ndakazoenda kusangano rangu. Ndikataura kuvanhu vose. Ndikavazivisa kuti Mwari vakanga vataura neni. Vakanditi tisaramba tichiimba rumbo urwu. Saka takabva tasiyana nerwiyo urwu. Zvino kwatopera makore akawanda. Isu tisu tanga tiri kuitisa zvinhu zvakanaka. Tanga tiri kuzviitisa kose kose. Mwari ngavakudzwe saMwari!

Hapana chinhu chakanaka chiri kuzoitika kwauri. Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Ndizvo zvatinovona muBhaibheri. Tinozviverenga muna Matiyo 12 ndima 35. Inoti, Munhu angava akanaka. Moyo wake unova wakanakavo. Saka maari munobudavo zvinhu zvakanaka. Zvinhu izvi zvinenge zvichibuda mumoyo make umu. Asi mumwe angava akashata. Kureva kuti moyo wake unenge wakashata. Saka maari munobudavo zvinhu zvakashata. Zvinhu izvi zvinenge zvichibuda mumoyo make umu. Saka kuda uri kutarisira zvinhu zvakanaka. Zvinhu zvacho zvinotova mukati mako. Zvitore imomo.

Saka iwe haufaniri kunamata uchiti, Nhai Ishe! Ndapota! Ropafadzaivo mabasa angu. Ndapota! Pamhaivo kuitira mhuri yangu zvakanaka. Kwete! Ivo vane zvinhu zvavaifanira kukuitira. Vakatoita zvinhu zvose izvi. Izvi ndizvo zvatinovona muBhaibheri. Tinozviverenga muna Vahebheru 4 ndima 3. Inoti, mabasa ose akanga atopera kuitwa. Achipera nyika isati yavambwa. Hupenyu hwako hwakatorongwa kare. Hukatonyorwa pamusoro pahwo. Saka chingopinda mahuri.

Iwe wava muna Muponesi Jesu. Saka mauri mava nezvinhu zvakanaka. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Taverenga mashoko aro muna Firimoni 1 ndima 6. Yati, Iwe wava muna Muponesi Jesu. Mukati mako mava nezvinhu zvakanaka. Saka ndinonamata kuti ugamuchire zvinhu izvi. Nekuzvikoshesa. Ndiko kuti mashoko aunozotaura agone kushanda zvine simba. Iwo mashoko aunotaura semunhu anovimba naMwari. Uye anowirirana neShoko ravo.

Mwari vakatonyora nezvako. Vakatotsanangura zvauri zvose. Vanotarisira kuti uverenge zvinhu izvi. Wobva watotanga kurarama zvinowirirana netsananguro yacho. Saka vanotarisira kuti utaure uchiti, Mandiri mune zvinhu zvakanaka chete. Ndinotora zvinhu izvi. Ndizvo zvinovonekwa pandiri chete. Saka ndakatakura zvinhu zvakanaka chete. Ndingasvika panzvimbo. Zvinhu zvakanaka zvinobva zvatanga kuitika. Asi kuda ndingawana zvakanaka zvichiitika ipapo. Ndinosvika ndichiwedzera zvimwe. Aya ndiwo anofanira kuva mafungiro ako. Ndihwo hunofanira kuva hupenyu hwako. Mwari ngavakudzwe saMwari.

Namata Uchiti

Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ndine zvandinofanira kuva nazvo panyika pano. Ndinevo zvandinofanira kuva nazvo mumweya. Imi makatondipa zvinhu zvose izvi. Zvinhu izvi zviri mukati mangu. Ndinotora zvinhu izvi. Saka zvakanaka chete ndizvo zvinovonekwa pahupenyu hwangu. Kururama chete ndiko kunovonekwa pahupenyu hwangu. Ndinonzwisisa zvinhu zveVamwari. Saka mandiri munobuda mazano akangwara. Munobuda fuma yeVamwari. Muzita raJesu. Ameni.


Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mateo 5 ndima 16
Mateo 12 ndima 35
VaEfeso 2 ndima 10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church