English Ndau Shona 


Kumwe Kururama

Muvhuro, 23 Chikumi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Saka ndinokurudzira kuti kutangira zvimwe zvose. Mukumbirire vanhu vose. Muvanamatire. Muvanyengeterere. Nekuvatendera kuna Mwari. Izvi zviitirwevo madzimambo ose. Nevatungamiriri vemhando dzose. Ndiko kuti tive nerunyararo. Tive nerugare. Tichigona kunatsa kushumira Mwari. Nevanhu (1 Timoti 2 ndima 1 kusvika 2).

Asi zvino pane kumwe kururama kwaMwari kwavapo. Kururama uku hakusi kwemurairo. Asi kunopupurirwa hako nemurairo. Kunopupurirwavo nevavoni. Kururama uku kunouya neruvimbo rwaJesu Muponesi. Kunowanikwa navose vaya. Vanenge vagamuchira Jesu. Nokuti vose vakafanana (Varoma 3 ndima 21 kusvika 22).

Vahebheru 9 ndima 11 kusvika 15 ine zvainotizivisa pamusoro paIshe Jesu Muponesi. Zvinhu zvacho zvinoshamisa chose. Ndima yegumi nenhatu kusvika yegumi nena yacho inotaura nezvekuregererwa kwezvivi. Inotarisa kuregererwa kwezvivi muSungano yeKare. Inotauravo nezveropa raMuponesi Jesu. Zvivi zveveSungano yeKare zvaiurayirwa mhuka. Ndima yacho inoti, Nokuti kana ropa rehandira. Nembudzi. Pamwe nemadota etsiru aisasiwa pavanhu vakanhora. Aiita kuti miviri yavo yenyama ive mitsvene. Ropa raMuponesi ringazosuka ndangariro dzenyu zvakadini? Richikubvisai kumabasa akafa. Kuti mushumire Mwari mupenyu? Ivo Muponesi vaya. Vasina chitema. Vakapirwa kuna Mwari. Vachipirwa naMweya Mutsvene.

Ndima yegumi neshanu yacho inotivo, Ndiko kusaka vari ivo vakamiririra Mwari pasungano itsva. Kuti nerufu rwavo. Urwo rwekuripira zvivi zviya. Zvakaparwa musungano yekutanga. Vaya vakadanwa vawane fuma inogara nekusingaperi. Saka zvivi zvakaparwa muSungano yeKare zvakasukwavo neropa raJesu. Zvivi izvi zvakanga zvaurayirwa mhuka hazvo. Asi ropa remhuka idzi rakanga risiri kusuka zvivi izvi. Raingozvifukidza chete. Ndiko kusaka zvaifanira kuurayirwa mhuka gore rimwe nerimwe. Zvino ropa raJesu rakazosuka zvivi izvi. Rakazvibvisa zvachose. Hareruya!

Ndiko kusaka Mwari vakafanira kutipa kumwe kururama. Izvi ndizvo zvataurwa naPauro muna Varoma yetatu ndima yemakumi maviri neimwe kusvika makumi maviri nembiri. Kururama uku kunowanikwa muna Muponesi. Abhurahama akapiwa hake kururama. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma yechina ndima yetatu. Asi akanga asina kururama kwakadai. Varoma yechina ndima yetatu yacho inoti, Irwo rugwaro runomboti kudini? Runoti Abhurahama akagamuchira mashoko aMwari. Mwari vakafanira kumuvimbisa kururama kwavo.

Isu tiri muna Muponesi Jesu. Saka tine kururama kwatakapiwa. Kururama uku kunodarika kwakapiwa Abhurahama uku. Varoma yeshanu ndima yekutanga inoti, Saka kuvimba naMwari ndiko kunotichenura. Ndiko kunoita kuti titorwe sevanhu vasina mhosva yavakapara. Kureva kuti Ishe Jesu Muponesi ndivo vakatiyananisa naMwari. Ndima iyi inotaura nezvekururamiswa. Kururamiswa uku kunorevei? Kunoreva kuchenurwa. Kunoreva kushambadzwa semunhu asina mhosva yaakapara. Izvi zvakasiyana nekuregererwa. Zvakasiyana nekusukwa zvivi. Zvinoreva kuti hatina kutombotadza zvachose. Hatina mhosva yatinogona kupomerwa. Iyi imhaka yezvatakaitirwa naIshe Jesu.

Asi zvakanga zvakakodzera kuti Mwari vatichenure kudai. Izvi ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri. Tinozviverenga muna Varoma yetatu ndima yemakumi maviri netanhatu. Inoti, Kuti kururama kwavo kuratidzwe panguva ino. Kuti ivo vave vakarurama. Nemururamisi wevanenge vagamuchira Jesu. Saka Mwari vakatipa kumwe kururama. Kururama uku kwakavapo nekuti Muponesi Jesu vakagona kuvimba naMwari. Kwakauya nekufa kwaJesu. Kuvigwa kwavo. Pamwe nekumuka kwavo kuvakafa. Kururama uku kunopiwa munhu wose. Asi kunowanikwa chete nevaya vanenge vagamuchira zvatakaitirwa naJesu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma yetatu ndima yemakumi maviri nembiri. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mune kumwe kururama kwamakandipa. Iko kururama kuya kwakavapo nokuti Muponesi Jesu vakagona kuvimba naMwari. Ndinofara kuti ndakachenurwa. Handina kuchenurwa nemabasa angu. Ndakachenurwa nenyasha dzenyu. Ndinorarama semunhu ane kururama uku. Handina mhosva yandingapomerwa. Ndava muna Muponesi. Saka ndava werudzi rweVamwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 5 ndima 21
Vagaratiya 2 ndima 16
Taitasi 3 ndima 4 kusvika 7

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church