Chigarwe Chitoko English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 



Havasarudzi Nyanzvi Nguva Dzose

China, 23 Chikumi 2022

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

"Asi Mwari vakasarudza zvinhu zviya. Zvinovonekwa sezvisina kungwara panyika pano. Kuti vanyadzise vakangwara vacho. Mwari vakasarudza zvinhu zviya. Zvinovonekwa sezvisina simba. Kuti vanyadzise zvine simba zvacho" (1 Vakorinde 1:27).

Akanga ari makore akawanda apfuura. Ndakanga ndichiri kuyaruka. Ishe vakataura neni. Aka kakanga kari kekutanga kutaura neni. Vakanditi, "Ndinoda kuti utore vanhu vangu. Uvasvitse pafuma yavo". Ndakanga ndisati ndamboziva nezvefuma. Ndakanga ndiri kutotanga hupenyu hweChikristu. Hapana akanga ambondizivisa kuti Mwari vane fuma yedu.

Ndakanga ndakurira musangano. Takanga tangodzidziswa kushumira Mwari. Tichinzi tivashumire nerukudzo. Nerudo. Tikadzidziswa nhoroondo dzemuBhaibheri. Asi hapana akanga akambotidzidzisa nezvefuma. Iyo fuma iri muna Muponesi iyi. Asi Mwari vakanditi, "Ndinoda kuti utore vanhu vangu. Uvasvitse pafuma yavo". Ndakagamuchira mashoko aya. Ndaisazviva hangu kuti airevei. Asi ndaiziva kuti Mwari vaizonditsanangurira. Saka vakazondijekesera. Ndikatanga kuita basa iri. Ndiro randichiri kuita nazvino.

Izvi zvinoda kufanana nezvinotaurwa naPauro. Tinoverenga mashoko ake muna Vaefeso 3 ndima 8. Inoti, "Iye ini. Munhu mudoko chose kuvatsvene vose. Ndakapiwa nyasha idzi. Kuti ndiende kuvanhu vasiri Vajudha. Ndivazivise nezve fuma yavo. Isingaverengeki. Iri muna Muponesi".

Iwe chimbofunga pamusoro penyaya iyi. Mwari vakanga vasiri kutsvaka nyanzvi. Kana vanhu vane mukurumbira. Ndiko kusaka Jesu vasina kuzvarirwa muimba yaKesari. Ndiko kusaka vasina kukurira muimba yamambo. 1 Vakorinde 1 ndima 26 kusvika 27 inoti, "Nokuti munovona here? Hama dzangu. Kuti pane vanhu vakasarudzwa naMwari. Havasi vazhinji vavo vanganzi vakangwara. Havasi vazhinji vavo vanganzi vane simba. Havasi vazhinji vavo vanganzi vakafuma. ...".

2 Vakorinde 3 ndima 5 inoti, "Tisingazviidzi nyanzvi isu pachedu. Zvekuti tingatozvikudza. Asi tinoshanda nehunyanzvi hwaMwari". Mwari ndivo vakakudana. Ndivo vakakupa simba. Simba ravakakupa racho ndereVamwari. Ndiro raunoshandisa kuita mabasa avo. Saka usazvitarisira pasi. Uchifunga kuti uri munhu asina kukosha. Mwari vakatokuita nyanzvi. Saka usatarisa hunyanzvi hwako pachako. Rangarira kuti wakakosha kuna Mwari. Simba raunoshandisa ndereVamwari. Ndiro raunoshandisa kuita mabasa avakakupa.

Namata Uchiti

Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandida. Makaronga hupenyu hwangu. Makaita kuti vanhu vavone Mwari mahuri. Makanditsaurira mabasa enyu pachenyu. Mukaisa shoko reruponeso mumavoko angu. Ndichaita kuti vakawanda vazive Muponesi. Vagosvika pafuma yavo. Iyo fuma iya iri mamuri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Vaefeso 3:8

Johane 15:16

Vagaratiya 1:15-16

2 Vakorinte 3:5 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church