English Ndau Shona 

Kuchenurwa Kwedu

Chipiri, 24 Chikumi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Akanyorerwa isuvo. Vaya vedu vachapiwa kururama. Ndokunge tagamuchira uya. Akamutsa Jesu kuvakafa. Ivo Ishe wedu. Iye akavurawa. Achivurairwa kudarika kwedu. Akazomutswa kuvakafa. Kuti tiwanikwe tisina mhosva yatakapara (Varoma 4 ndima 24 kusvika 25).

Isu takamutswa kubva kuvakafa. Takamutswa kudai paya pakamutswa Jesu kuvakafa. Wanga uchizviziva here? Saka Jesu havana kungomuka vari voga. Isu takanga tiri mavari. Saka takanga tiri pamwe chete navo. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vaefeso yepiri ndima yechina kusvika yetanhatu. Inoti, Vakatiraramisa paya pavakamutsa Muponesi... Vakatimutsa pamwe chete naMuponesi. Vakatigarisa kudenga. Pamwe chete navo. Tiri mukati mavo.

Saka Mwari vakatiraramisa. Vakatiraramisa pamwe chete naMuponesi. Muponesi vakafa vakatimiririra. Kureva kuti vakafa vakatitakura. Vakanovigwa vakatitakura. Vakazomuka kuvakafa vakatitakura. Apa ndipo pavakazvarwa kechipiri. Vakazvarwa kudai vashanduka rudzi.

Kureva kuti nesuwo takazvarwa kechipiri. Uye takazvarwa kudai tashanduka rudzi. Takanga tava zvisikwa zvitsva. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma yetanhatu ndima yechina. Inoti, Kureva kuti patakanyikwa kudai. Takafutsirwa pamwe chete navo. Kuti tigorarama hupenyu hutsva. Sezvo Muponesi vakamutswa kuvakafa. Vachimutswa nesimba raBaba. Saka hausi iwe uya akaurayirwa zvivi zvake. Wakashanduka rudzi. Wava muna Muponesi Jesu. Wava chisikwa chitsva.

Ndiko kusaka uchinzi hauna mhosva yawakapara. Haisi mhaka yekuti Jesu vakakufira. Apa vakanga vari kungoripira zvivi chete. Vakanga vari kungotsvaka kuti tisungunurwe chete. Vachitsvaka kuti vagone kuzoshandura rudzi rwedu. Saka zvino tashanduka rudzi. Tava zvisikwa zvitsva. Hatichina nhoroondo yehupenyu hwekare. Saka hatichina mhosva yatingapomerwa. Ndiko kuchenurwa kwatakaitwa.

Hatichisiri vedzinza renyika ino. Tava vanhu veropa raMuponesi Jesu. Ndiko kusaka pasina mhosva dzatichagona kupomerwa. Hatichina zvivi. Ndiko kusaka Bhaibheri richiti tinofanira kurarama sevanhu vatsva. Izvi ndizvo zvatinorairwa muna Varoma yetanhatu ndima yechina. Ndiko kusaka tichifaniravo kupfeka munhu mutsva uyu. Iyeye akasikwa akafanana naMwari. Akarurama. Ari mutsvene pachokwadi. Izvi ndizvo zvatinorairwa muna Vaefeso yechina ndima yemakumi maviri nena.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndava muna Muponesi Jesu. Saka ndakachenurwa. Ndinokutendai. Ndinorarama semunhu akarurama. Asina mhosva yaangapomerwa. Ndakamutswa pamwe chete naMuponesi. Saka ndava chisikwa chitsva. Ndinotonga panyika pano. Handina chandingapomerwa. Ndava munhu weropa renyu. Saka ndinoziva kuti ndinokunda. Ndava Mumwari. Ndarurama. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaRoma 3 ndima 21 kusvika 26
1 VaKorinte 6 ndima 11
VaRoma 5 ndima 1

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa ndima https ndima //bit.ly/Shona_Church