English Ndau Shona 

Mwari Vanoti Jesu Ndiani?

Chitatu, 24 Chikunguru 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Vakabva vavona denga richizarurwa. Pakabva panzwikwa inzwi. Richitaura riri kudenga. Richiti, Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira (Matiyo 3 ndima 16 kusvika 17).

Ndima yatavhura nayo iyo inovhiringa vakawanda. Inoita vafunge kuti Jesu havasi Mwari. Vanenge vachiti Mwari pachavo vakati Jesu vaiva mwana wavo. Saka havanzwisisi kuti Jesu ava vangagozoenzana naMwari sei.

Vanhu ava havazivi zvinoreva kuti Mwana waMwari. Ini ndakasitsanangura zvazvinoreva. Asi regai ndizvidzokorore zvekare. Mwanakomana waMwari anotova Mwari pachavo. NdiMwari vanenge vauya vari munhu wenyama. Kudenga hakuna vanhu vatatu vanonzi vana Mwari. Ivavo vanoti Mwari Baba. Mwari Mwanakomana. NaMwari Mweya Mutsvene. Kunongova naMwari MUMWE chete. Zita rake rinonzi Jesu.

Mwari Baba vanogara muna Jesu. Mweya Mutsvenevo vanogara muna Jesu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Rinoti muna Jesu ndimo munogara Vamwari vose. Tinoverenga izvi muna Vakorose 2 ndima 9. Inoti, Nokuti muna Muponesi ndimo munogara Vamwari vose. Ndimo munogara zvinhu zvose zveVamwari. Zvichigona kuvonekwa zviri mumunhu wenyama. Kunongova naMwari mumwe chete. Zita ravo rinonzi Muponesi Jesu. Ivo ndivo vakatanga vari Shoko raMwari. Vakazoshanduka. Vakava munhu wenyama. Kureva kuti ndivo Mwari vacho. Asi ndiMwari vakauya vari munhu wenyama. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane 1 ndima 1. NaJohane 1 ndima 14.

Vakorose 1 ndima 15 inotsanangura Jesu ava. Inoti pavari ndipo patinovonera Mwari Baba. Mwari Baba ava havavonekwi nemeso enyama. Ndima yegumi netanhatu kusvika yegumi nepfumbamwe yacho inoti, Nokuti ndiye akashandiswa kusika zvinhu zvose. Zvingava zviri kudenga. Kana zviri munyika. Zvinovonekwa nemeso. Nezvisingavonekwi nemeso. Dzingava nyembe. Hushe. Hutongi. Masimba. Zvinhu zvose izvi zvakasikwa naye. Uye zvakasikirwa iye. Ndiye akatanga kuvapo. Akavapo zvimwe zvose zvisati zvavapo. Ari iyezve anoita kuti zvinhu zvose zvishande. Sekushanda kwazviri kuita. Ndiye zvekare musoro wemuviri. Unova sangano revasanangurwa. Ari iye wekutanga. Dangwe revose vaya. Vakamuka kuvakafa. Kuti muzvinhu zvose ave iye mukuru. Nokuti zvakafadza Baba. Kuti maari muve imo munogara zvinhu zvose. Zita ravo ngarikudzwe nekusingaperi!

Verengavo Taitasi 2 ndima 11 kusvika 13. Ndima iyi inoti Jesu ndivo Mwari vakuru. Ndima iyi inoti, Tichitarisira chiropafadzo chiya. Chekudzoka kwaMwari wedu vakuru. Ivo Muponesi wedu. Jesu Muponesi. Jesu ndiMwari. Ndivo Mwari vakuru. Ndivo vatakamirira kudzoka kwavo. Hareruya!

Izvi ndizvo zvakataura naMwari pamusoro paJesu izvi. Iwe unofanira kuzvigamuchira. Nemhaka yei uchifanira kuzvigamuchira? Ndiko kuti ugogona kunamata Jesu nomazvo. Ndiko kuti ugogona kuvararamira nomazvo. Zvekare, vanhu vanofanira kugamuchira Jesu ava. Ndiko kuti vasazoenda kugomba remoto. Zvivi hazvisi izvo zviri kuendesa vanhu kugomba remoto. Kusagamuchira Jesu ndiko kuri kuvaendesa. Jesu vakatorangirwa zvivi zvemunhu wose. Angava murume. Kana mukadzi. Kana mukomana. Kana musikana. Jesu vakatobhadharira zvivi zvose izvi.

Saka vanhu vangaenda havo kugomba remoto. Vanhu ava vanenge varamba kugamuchira zvakataurwa naMwari pamusoro paJesu.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti mweya wangu unzwisise kuti Muponesi Jesu ndiani. Mavari ndimo munogara Vamwari vose. Vachiita kuti Mwari vavonekwe vari munhu wenyama. Ndinogamuchira kuti Jesu ava ndivo Mwari. Ndivo hupenyu husingaperi. Ndivo Mambo. Ndivo vanotonga zvinhu zvose. Ndivo vanofanira kurumbidzwa nekusingaperi. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 1 ndima 1 kusvika 3, 14
Vakorose 1 ndima 15 kusvika 20
Tito 2 ndima 11 kusvika 13

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa ndima https ndima //bit.ly/Shona_Church